Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Ngirozi

Ngirozi

Ngirozi dzinowanzobudiswa mumabhuku nemumafirimu. Asi dzakamboita sei, uye dzinoita basa rei?

Ngirozi dzakamboita sei?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Mwari akatanga kusika ngirozi asati asika nyika nevanhu. Ngirozi dzine simba rakakura kudarika revanhu. Dzinogara kudenga kuna Mwari, uye hatikwanisi kusvikako kana kudziona. (Jobho 38:4, 7) Bhaibheri rinoratidza kuti pane ngirozi dzakanaka uye dzakaipa. *

Kune ngirozi ngani? Dzakawanda zvisingaiti. Bhaibheri rinoti ngirozi dzakapoteredza chigaro chaMwari dzinosvika “makumi ezviuru emakumi ezviuru.” (Zvakazarurwa 5:11) Kana mashoko aya akatorwa sezvaari, zvinenge zvichireva kuti kune mazana emamiriyoni engirozi!

‘Ndakaona ngirozi zhinji dzakanga dzakapoteredza chigaro choumambo, uye kuwanda kwadzo kwakanga kuri makumi ezviuru emakumi ezviuru nezviuru zvezviuru.Zvakazarurwa 5:11.

Ndezvipi zvakamboitwa nengirozi kare?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Ngirozi dzaiwanzotumwa naMwari nemashoko. * Mwari aidzitumawo kuti dziite zvishamiso. Akambotuma imwe ngirozi kunokomborera Abrahamu uye kunomuudza kuti asauraya mwanakomana wake Isaka waakanga achida kupa sechibayiro. (Genesisi 22:11-18) Imwe ngirozi yakazviratidza kuna Mosesi iri mugwenzi raipfuta, uye yainge yatumwa nemashoko aizochinja upenyu hwake. (Eksodho 3:1, 2) Muprofita Dhanieri paakakandwa mugomba reshumba, ‘Mwari akatuma ngirozi yake, ikavhara miromo yeshumba.’Dhanieri 6:22.

“Ngirozi yaJehovha yakabva yazviratidza [kuna Mosesi] iri mumurazvo womoto pakati pegwenzi reminzwa.”Eksodho 3:2.

Ngirozi dziri kuitei iye zvino?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Hatikwanisi kuziva zvese zviri kuitwa nengirozi mazuva ano. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti ngirozi dzinobatsira vanhu vanoda Mwari kuti vazive zvakawanda nezvake.Mabasa 8:26-35; 10:1-22; Zvakazarurwa 14:6, 7.

Jehovha akaita kuti Jakobho arote achiona ngirozi dzakanga dzichikwidza nekudzika “manera” aibva panyika achisvika kudenga. (Genesisi 28:10-12) Izvi zvinoratidza kuti Jehovha Mwari anotuma ngirozi dzake panyika kuti dzibatsire vanhu vakatendeka vanenge vachida rubatsiro rwake.Genesisi 24:40; Eksodho 14:19; Pisarema 34:7.

“Manera akanga akamiswa pasi, musoro wao uchisvika kumatenga; uye tarira! ngirozi dzaMwari dzaikwira nokudzika paari.”Genesisi 28:12.

^ ndima 6 Bhaibheri rinoratidza kuti pane dzimwe ngirozi dzakapandukira Mwari uye dzinonzi “madhimoni.”Ruka 10:17-20.

^ ndima 11 Shoko rechiHebheru uye rechiGiriki rakashandurwa kuti “ngirozi” rinoreva “mutumwa.”