Enda pane zvauri kuda

Jesu Aiva Akaroora Here? Aiva Nevakoma, Vanun’una Nehanzvadzi Here?

Jesu Aiva Akaroora Here? Aiva Nevakoma, Vanun’una Nehanzvadzi Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri haritauri kuti Jesu aiva akaroora. a Verenga zvarinotaura zviri pasi apa.

  1.   Kakawanda Bhaibheri rinotaura nezvevomumhuri yaJesu uye nezvevakadzi vaaiparidzira navo avo vakanga varipowo paakaurayiwa asi harimbotauri nezvokuti aiva nemudzimai. (Mateu 12:46, 47; Mako 3:31, 32; 15:40; Ruka 8:2, 3, 19, 20; Johani 19:25) Saka chinoita kuti Bhaibheri risataure nezvenyaya iyi ndechokuti aiva asina kuroora.

  2.   Paaitaura nezvevanosarudza kusaroora kana kusaroorwa vachiitira kuti vagone kuitira Mwari basa rakawanda, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti kana vachizvigona havo, varambe vakadaro. (Mateu 19:10-12) Kusaroora kwaJesu muenzaniso kune vanosarudza kusaroora kana kusaroorwa vachiitira kuti vazvipire zvakazara kuna Mwari.​—Johani 13:15; 1 VaKorinde 7:32-38.

  3.   Jesu ava pedyo nokufa, akaronga kuti pave nomunhu aizosara achitarisira amai vake. (Johani 19:25-27) Kudai anga akaroora kana kuti aiva nevana, aizodai akaronga kuti vasare vachitarisirwawo.

  4.   Bhaibheri rinoti varume vatevedzere Jesu pakubata madzimai avo richiti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo.” (VaEfeso 5:25) Kudai Jesu anga akaroora, vhesi iyi yaizoti varume vade madzimai avo semadiro aiita Kristu mudzimai wake.

Jesu aiva nevanun’una here?

 Ehe, vamwe vacho ndiJakobho, Josefa, Simoni, naJudhasi uye aiva nehanzvadzi. (Mateu 13:54-56; Mako 6:3) Vose ava vaiva vana chaivo vaJosefa naMariya. (Mateu 1:25) Bhaibheri parinoti Jesu ndiro “dangwe” raMariya zvinoratidza kuti Mariya akazobereka vamwe vana.​—Ruka 2:7.

Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvevanun’una vaJesu

 Pakuedza kutsigira pfungwa yokuti Mariya akaramba ari mhandara kwoupenyu hwake hwose, vamwe vanotaura kuti Jesu aiva nevakoma. Vanoti vakoma ava vana vaJosefa vaakauya navo asati aroorana naMariya. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu ndiye akagara nhaka chigaro choumambo chaDhavhidhi nokuti ndiye aiva nekodzero sedangwe. (2 Samueri 7:12, 13; Ruka 1:32) Dai Josefa aiva nevanakomana vakuru kuna Jesu, mukuru wavo ndiye aizova nekodzero yokuva mugari wenhaka.

 Ko Bhaibheri parinenge richitaura nezvevadzidzi vaJesu rinenge richireva vanun’una vake here? Aiwa, rinoti pakutanga “vanun’una vake vakanga vasingatendi maari.” (Johani 7:5) Saka rinoratidza musiyano uripo pakati pevanun’una vake nevadzidzi vake.​—Johani 2:12.

 Vamwe ndevanoti vanun’una vanotaurwa muBhaibheri ava havasi vomudumbu rimwe chete naJesu. Magwaro echiGiriki ane mashoko anoratidza mamiriro akaita ukama, hungava hwevanhu vemudumbu rimwe chete kana kuti kwete. (Ruka 21:16; VaKorose 4:10) Vanoongorora nezveBhaibheri vanobvuma kuti vanun’una nehanzvadzi dzaJesu vaiva vomudumbu rimwe chete naye. Somuenzaniso, The Expositor’s Bible Commentary rinoti: ‘Vanun’una vaJesu vanotaurwa vanoreva vana vaJosefa naMariya uyewo ivo vanun’una vaJesu pakuti vose vakazvarwa naMariya.’ b

a MuBhaibheri Kristu anombonzi muroori asi zvisingarevi kuti aiva akaroora. Chinenge chichitaurwa kufanana kuripo pakati pemuroori nemwenga, uye paKristu neungano.​—Johani 3:28, 29; 2 VaKorinde 11:2.

b Onawo bhuku rechipiri reThe Gospel According to St. Mark, rakanyorwa naVincent Taylor, papeji 249, uyewo rinonzi A Marginal Jew​—Rethinking the Historical Jesus, rakanyorwa naJohn P. Meier, Volume 1, mapeji 331-​332.