Enda pane zvauri kuda

Jesu Aitaridzika Sei?

Jesu Aitaridzika Sei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hapana anonyatsoziva kuti Jesu aitaridzika sei, nekuti Bhaibheri haritauri nezvazvo. Izvi zvinoratidza kuti izvozvo hazvinyanyi kukosha. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinogona kutibatsira kuziva kuti Jesu akanga akaita sei.

  •   Chiso chake: Sezvo amai vaJesu vaiva muJudha, Jesu anofanira kunge aitaridzika sevamwe vaJudha vese. (VaHebheru 7:14) Hatigoni hedu kuti akanga akanyanya kusiyana nevamwe nekuti rimwe zuva akatombobva kuGarireya pachivande achienda kuJerusarema, uye hapana akakwanisa kumuziva. (Johani 7:10, 11) Anofanira kunge ainge asina kunyanya kusiyana nevadzidzi vake vepamwoyo. Yeuka kuti mhomho yevanhu vaida kusunga Jesu yakatoita zvekuratidzwa naJudhasi Iskariyoti kuti aiva upi.​—Mateu 26:47-49.

  •   Kureba kwebvudzi: Bvudzi raJesu rinofanira kunge rakanga risina kureba nekuti Bhaibheri rinoti “kana murume aine bvudzi refu, zvinoita kuti azvidzwe.”​—1 VaKorinde 11:14.

  •   Ndebvu: Jesu aichengeta ndebvu. Aitevedzera mutemo wevaJudha uyo wairambidza varume ‘kuchekerera munogumira ndebvu dzavo.’ (Revhitiko 19:27; VaGaratiya 4:4) Uyewo Bhaibheri rinotaura nezvendebvu dzaJesu muuprofita hwekutambura kwake.​—Isaya 50:6.

  •   Muviri: Zvatinoverenga pamusoro paJesu zvinoratidza kuti akanga akasimba. Akafamba kwemakiromita akawanda paaiita ushumiri hwake. (Mateu 9:35) Akachenesa temberi yevaJudha kaviri, achipidigura matafura evaichinja mari, uye akadzingira zvipfuwo kunze kwetemberi achishandisa chiwepu. (Ruka 19:45, 46; Johani 2:14, 15) McClintock and Strong’s Cyclopedia inoti: “Nhoroondo yese yeevhangeri inoratidza kuti [Jesu] akanga akasimba uye ari mutano.”​—Volume IV, peji 884.

  •   Zvaaiita chiso chake: Jesu aiva neushamwari uye aiva netsitsi uye zviri pachena kuti izvozvo zvaitooneka pachiso chake. (Mateu 11:28, 29) Vanhu vakasiyana-siyana vaimutsvaga kuti vabatsirwe uye vanyaradzwe naye. (Ruka 5:12, 13; 7:37, 38) Kunyange vana vaitonzwa vakasununguka vainaye.​—Mateu 19:13-15; Mako 9:35-37.

Pfungwa dzisiri dzechokwadi dzinofungwa nevanhu pamusoro pechimiro chaJesu

 Zvavanofunga: Vamwe vanokaka nharo vachiti Jesu anofanira kunge aibva kuAfrica nekuti bhuku raZvakazarurwa rinofananidza bvudzi rake nemvere dzemakwai uye tsoka dzake “nemhangura yakanatswa.”​—Zvakazarurwa 1:14, 15.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Zviri mubhuku raZvakazarurwa ‘zviratidzo.’ (Zvakazarurwa 1:1) Tsanangudzo iyoyo yebvudzi nemakumbo zvaJesu haisi yezvaakanga akaita achiri panyika, asi inoreva unhu hwaJesu pashure pekunge amuka. Zvakazarurwa 1:14 inotaura kuti ‘musoro waJesu nebvudzi rake zvakanga zvakachena semvere chena dzemakwai, uye sechando,’ saka fananidzo iri paruvara kwete pakukora kwaro. Izvi zvinomiririra uchenjeri hwake semunhu mukuru. (Zvakazarurwa 3:14) Vhesi iyi haisi kufananidza kukora kwebvudzi raJesu nemvere dzemakwai kana kuti nechando.

 Tsoka dzaJesu dzakanga “dzakafanana nemhangura yakanatswa painenge ichipenya iri muvira.” (Zvakazarurwa 1:15) Uyewo, chiso chake chakanga “chakaita sezvinoita zuva parinopenya nesimba raro.” (Zvakazarurwa 1:16) Sezvo pasina rudzi rune ganda rakafanana netsanangudzo idzodzo, chiratidzo ichi chinofanira kunge chiri kutsanangura nezvaJesu paakanga amutswa chichiratidza kuti ndiye “anogara muchiedza chisingasvikiki.”​—1 Timoti 6:16.

 Zvavanofunga: Jesu ainge akangoneta-neta.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Jesu ainge akashinga pane zvese zvaaiita. Semuenzaniso, boka revanhu vainge vakapakata zvombo vachida kumusunga parakasvika paaiva, Jesu akabva angovaudza neushingi kuti ndiye wavakanga vachitsvaga. (Johani 18:4-8) Jesu anofanira kunge aive akasimba sezvo akamboita basa rekuveza iro raida simba rakawanda.​—Mako 6:3.

 Saka nei Jesu akabatsirwa kutakura danda rake rekutambudzikira? Uye nei akakurumidza kufa kupfuura vamwe vaviri vakarovererwa pamwe chete naye? (Ruka 23:26; Johani 19:31-33) Jesu asati aenda kunourayiwa, muviri wake wakanga warukutika chaizvo. Akanga apedza usiku hwese asina kana kumborara, uye chimwe chakaita kuti adaro ndechekuti akanga achishungurudzika. (Ruka 22:42-44) Usiku ihwohwo, vaJudha vakatambudza Jesu uye mangwanani ezuva rakatevera, masoja eRoma akamurova zvakaipisisa. (Mateu 26:67, 68; Johani 19:1-3) Zvese izvozvo zvinofanira kunge zvakaita kuti azokurumidza kufa.

 Zvavanofunga: Jesu aigara akasuruvara.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Jesu akanyatsoratidza unhu hwaBaba vake vekudenga, Jehovha, avo vanotsanangurwa neBhaibheri kuti ‘ndiMwari anofara.’ (1 Timoti 1:11; Johani 14:9) Jesu akatodzidzisa vamwe kuti ndezvipi zvavangaita kuti vafare. (Mateu 5:3-9; Ruka 11:28) Izvi zvinoratidza kuti Jesu aigara achifara uye zvaitooneka pachiso chake.