Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 3:1-35

  • Murume ane ruoko rwakakokonyara anoporeswa (1-6)

  • Vanhu vakawanda vari pamhenderekedzo yegungwa (7-12)

  • Vaapostora 12 (13-19)

  • Kumhura mweya mutsvene (20-30)

  • Amai vaJesu nevanin’ina vake (31-35)

3  Akapindazve musinagogi, uye maiva nemumwe murume aiva neruoko rwakakokonyara.+  Saka vakanga vachinyatsomutarisa kuti vamuwanire mhosva, kana akarapa murume wacho paSabata.  Akati kumurume aiva neruoko rwakakokonyara: “Simuka uuye pakati apa.”  Akabva ati kwavari: “Zvinobvumirwa here neMutemo paSabata kuita chinhu chakanaka kana kuti chakaipa, kuponesa kana kuuraya?”+ Asi vakaramba vakanyarara.  Akavatarisa akashatirwa, achirwadziwa nekuoma kwemwoyo yavo,+ ndokuti kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, rukaporeswa.  Pavakaona izvi, vaFarisi vakabuda vakabva vatotanga kurangana nevateveri vebato raHerodhi+ pamusoro pake, kuti vamuuraye.  Asi Jesu akabvapo akaenda kugungwa nevadzidzi vake, uye vanhu vakawandisa vaibva kuGarireya nekuJudhiya vakamutevera.+  Kunyange kubva kuJerusarema nekuIdhumeya nemhiri kwaJodhani nekunzvimbo dzakapoteredza Tire neSidhoni, vanhu vakawandisa vakauya kwaari pavakanzwa zvinhu zvizhinji zvaakanga achiita.  Uye akaudza vadzidzi vake kuti vamuisire kachikepe kekushandisa kuti vanhu varege kuzomumomotera. 10  Vese vaiva nezvirwere zvinotambudza vaisundana kuti vamubate nekuti akarapa vakawanda.+ 11  Kunyange mweya isina kuchena,+ pese payaimuona, yaigwadama pamberi pake yoshevedzera ichiti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.”+ 12  Asi kazhinji aiiudza zvine simba kuti isaita kuti azivikanwe.+ 13  Akakwira mugomo akashevedza vaaida,+ vakauya kwaari.+ 14  Uye akaumba* boka revarume 12, avo vaakatumidzawo kuti vaapostora, vaizofamba naye uye vaaizotuma kunoparidza 15  uye kuti vave nesimba rekudzinga madhimoni.+ 16  Varume vacho 12+ vaakagadza vaiva, Simoni, waakatumidzawo kuti Petro,+ 17  Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munin’ina waJakobho (akatumidzawo ava zita rekuti Bhoanajisi, rinoreva kuti “Vanakomana Vekutinhira”),+ 18  Andreya, Firipi, Bhatoromeyo, Mateu, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Tadhiyosi, Simoni muKenani,* 19  naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa. Akabva apinda mune imwe imba, 20  uye vanhu vakawanda vakaunganazve, zvekuti vakatadza kana kudya. 21  Asi hama dzake padzakazvinzwa, dzakaenda kuti dzinomubata, nekuti dzakanga dzichiti: “Arasika pfungwa.”+ 22  Uyewo, vanyori vakanga vauya vachibva kuJerusarema vaiti: “Iye ana Bherizebhubhu,* saka anodzinga madhimoni achishandisa mutongi wemadhimoni.”+ 23  Saka akavashevedza akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo, achiti: “Satani angadzinga sei Satani? 24  Kana umambo hukapesana pachahwo, umambo ihwohwo hahungamiri;+ 25  uye kana imba ikapesana pachayo, imba iyoyo haingakwanisi kumira. 26  Uyewo, kana Satani azvipandukira, achizvirwisa, haangamiri, asi kuguma kwake kwasvika. 27  Zviripo ndezvekuti hapana munhu angapinda mumba memunhu akasimba okwanisa kuba zvinhu zvake kana asina kutanga asunga munhu wacho akasimba. Kana adaro, ndipo chete paanozokwanisa kupamba zvinhu zvake. 28  Chokwadi ndinoti kwamuri vanakomana vevanhu vachakanganwirwa zvese, pasinei nekuti vaita zvivi zvakadii uye kuti vamhura zvakadii. 29  Asi munhu wese anomhura mweya mutsvene haakanganwirwi kusvikira nariini,+ asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”+ 30  Akataura izvi nekuti vaiti: “Ane mweya usina kuchena.”+ 31  Amai vake nevanin’ina vake+ vakasvika, uye vakamira kunze vakatumira mumwe munhu kunomushevedza.+ 32  Sezvo vanhu vakanga vakagara vakamupoteredza, akaudzwa kuti: “Uri kudiwa naamai vako nevanin’ina vako panze.”+ 33  Asi akavapindura kuti: “Amai vangu ndiani uye vanin’ina vangu ndivanaani?” 34  Akabva atarisa vakanga vakagara vakamupoteredza akati: “Ava ndivo amai vangu nevanin’ina vangu!+ 35  Munhu wese anoita kuda kwaMwari, ndiye munin’ina wangu uye hanzvadzi uye amai.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “akagadza.”
Kana kuti “anoshingaira.”
Iri izita rinopiwa Satani.