Mashoko Akanaka Akanyorwa naMako 10:1-52

  • Wanano nekurambana (1-12)

  • Jesu anokomborera vana (13-16)

  • Mubvunzo wemurume akapfuma (17-25)

  • Kusiya zvimwe zvinhu nekuda kweUmambo (26-31)

  • Jesu anotaura zvakare nezverufu rwake (32-34)

  • Chikumbiro chaJakobho naJohani (35-45)

    • Jesu rudzikinuro rwevazhinji (45)

  • Bhatimeyo bofu anosvinudzwa (46-52)

10  Achibva ipapo, akasimuka akaenda kumuganhu weJudhiya mhiri kwaJodhani, uye vanhu vakamuunganira zvakare. Akatangazve kuvadzidzisa sezvaaigara achiita.+  Uye vaFarisi vakasvika vachida kumuedza, uye vakamubvunza kana zvaibvumirwa nemutemo kuti murume arambe mudzimai.+  Akavapindura kuti: “Mozisi akakurayirai kuti chii?”  Ivo vakati: “Mozisi akabvumira kuti murume anyore gwaro rekudzinga nekuramba mudzimai.”+  Asi Jesu akati kwavari: “Iye akakunyorerai murayiro uyu+ nekuda kwekuoma kwemwoyo yenyu.+  Asi kubvira pakatanga kusikwa zvinhu, ‘Akavaita munhurume nemunhukadzi.+  Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake,+  uye vaviri vacho vachava nyama imwe,’+ zvekuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe.  Saka ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”+ 10  Pavakanga vavazve mumba vadzidzi vakatanga kumubvunza nezvazvo. 11  Akati kwavari: “Munhu wese anoramba mudzimai wake oroora mumwe, anenge achitoita upombwe,+ achitadzira mudzimai wake, 12  uye kana mukadzi akangoramba murume wake, oroorwa nemumwe murume, mukadzi iyeye anenge achiita upombwe.”+ 13  Vanhu vakatanga kuuya nevana vadiki kwaari kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.+ 14  Jesu paakaona izvi akatsamwa, akati kwavari: “Regai vana vadiki vauye kwandiri; musaedza kuvarambidza, nekuti Umambo hwaMwari ndehwevanhu vakadai.+ 15  Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese asingagamuchiri Umambo hwaMwari semwana mudiki haazombopindi mahuri.”+ 16  Akabva ambundira vana vacho, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.+ 17  Paakanga ava kuenda, mumwe murume akamumhanyira, akapfugama pamberi pake, ndokumubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?”+ 18  Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwaMwari chete.+ 19  Mirayiro unoiziva: ‘Usauraya,+ usaita upombwe,+ usaba,+ usapa uchapupu hwenhema,+ usabiridzira,+ kudza baba vako naamai vako.’”+ 20  Murume wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, ndakachengeta zvinhu zvese izvi kubvira ndichiri mudiki.” 21  Jesu akamutarisa, akaratidza kuti aimuda, akati, “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Enda unotengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga; uye uya uve muteveri wangu.”+ 22  Asi akasuwa paakanzwa mhinduro iyoyo, akaenda achirwadziwa, nekuti aiva nezvinhu zvakawanda.+ 23  Jesu akatarisa vanhu vese, akati kuvadzidzi vake: “Zvichange zvakaoma chaizvo kuti vaya vane mari vapinde muUmambo hwaMwari.”+ 24  Asi vadzidzi vakashamiswa nezvaakataura. Jesu akabva ati: “Vanangu, zvakaoma chaizvo kupinda muUmambo hwaMwari. 25  Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muUmambo hwaMwari.”+ 26  Vakatonyanya kushamisika, vakati kwaari:* “Chokwadi ndiani angaponeswa?”+ 27  Jesu akanyatsovatarisa, akati: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi hazvina kudaro kuna Mwari, nekuti zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”+ 28  Petro akatanga kuti kwaari: “Onai! Isu takasiya zvinhu zvese tikakuteverai.”+ 29  Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, hapana munhu akasiya imba kana vanin’ina kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nekuda kwangu uye nekuda kwemashoko akanaka+ 30  asingazowani zvapetwa kazana munguva ino, dzimba nevanin’ina nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, uku achitambudzwa,+ uye upenyu husingaperi mune ramangwana.* 31  Asi vazhinji vekutanga ndivo vachava vekupedzisira, uye vekupedzisira vachava vekutanga.”+ 32  Pavakanga vachikwidza nemugwagwa unoenda kuJerusarema, Jesu aifamba ari mberi kwavo uye izvi zvakavashamisa, asi vaya vaivatevera vakatanga kutya. Akatorazve vane Gumi Nevaviri, akaenda navo parutivi, akatanga kuvaudza zvinhu izvi zvakanga zvava kuda kuitika kwaari, achiti:+ 33  “Iye zvino tiri kukwidza kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achaiswa kuvatungamiriri vevapristi nevanyori. Vachamutongera rufu vomuisa kuvanhu vemamwe marudzi, 34  avo vachamuseka, vomusvipira mate nekumurova zvakasimba vomuuraya, asi achamuka pashure pemazuva matatu.”+ 35  Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi,+ vakaenda paari vakati: “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitirewo chero chatichakukumbirai.”+ 36  Akati kwavari: “Munoda kuti ndikuitirei chii?” 37  Vakamupindura kuti: “Tibvumirei kuti tigare, mumwe kuruoko rwenyu rwerudyi, mumwe kuruboshwe, mukubwinya kwenyu.”+ 38  Asi Jesu akati kwavari: “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munokwanisa here kunwira mukapu yandiri kunwira kana kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo?”+ 39  Ivo vakati kwaari: “Tinokwanisa.” Jesu akabva ati kwavari: “Muchanwira henyu mukapu yandiri kunwira, uye muchabhabhatidzwa henyu nerubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo.+ 40  Asi zvekugara kuruoko rwangu rwerudyi kana kuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa.” 41  Vamwe gumi pavakazvinzwa, vakatsamwira Jakobho naJohani.+ 42  Asi Jesu akavashevedza, akati kwavari: “Imi munoziva kuti vaya vanonzi ndivo vanotonga marudzi vanozviita madzishe paari uye vanhu vane zvinzvimbo vanoshandisa simba paari.+ 43  Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu; asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+ 44  uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu mese. 45  Nekuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+ 46  Vakasvika muJeriko. Asi paakanga ava kubuda muJeriko nevadzidzi vake nevanhu vakawanda, Bhatimeyo (mwanakomana waTimeyo), bofu raipemha, akanga agere parutivi pemugwagwa.+ 47  Paakanzwa kuti akanga ari Jesu wekuNazareta, akatanga kushevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi,+ Jesu, ndinzwireiwo ngoni!”+ 48  Vanhu vakawanda vakabva vatanga kumutsiura vachiti anyarare, asi iye akabva atowedzera kushevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” 49  Saka Jesu akamira akati: “Mushevedzei auye.” Saka vakati kumurume wacho: “Usatya! Simuka; ari kukushevedza.” 50  Akakanda nguo yake yekunze kwakadaro uko, ndiye kwanyanu, akabva aenda kuna Jesu. 51  Jesu akabva ati kwaari: “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume wacho akati kwaari: “Rabhoni,* itai kuti ndione.” 52  Uye Jesu akati kwaari: “Enda zvako. Kutenda kwako kwakuporesa.”+ Uye akabva atotanga kuonazve,+ akatanga kumutevera mumugwagwa.

Mashoko Emuzasi

Dzimwe shanduro dzinoti, “vakataurirana vachiti:”
Kana kuti “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “mweya wake.”
Kureva kuti “Mudzidzisi.”