Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ilbusca/E+ via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Nei Vanhu Vari Kutadza Kuita Kuti Panyika Pave Nerugare?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Nei Vanhu Vari Kutadza Kuita Kuti Panyika Pave Nerugare?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Vatungamiriri venyika uye masangano pasi rese vari kutadza kuita kuti panyika pave nerugare. Kubvira paHondo Yenyika II, hondo uye kurwisana kuri kuita vanhu mazuva ano, kwanyanya chaizvo. Pavanhu 8 bhiriyoni vari panyika, vanenge 2 bhiriyoni vari kugara munzvimbo dziri kurwiwa.

 Nei vanhu vari kutadza kuita kuti panyika pave nerugare? Bhaibheri rinomboti kudii?

Zvikonzero zvitatu zvinoita kuti vanhu vatadze kuita kuti panyika pave nerugare

  1.  1. Vanhu vari kuedza chaizvo kuti panyika pave nerugare, asi unhu hwavainahwo ndihwo huri kuvatadzisa kuti pave nerugare. Bhaibheri rakagara rataura kuti panguva yatiri kurarama, “vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, . . . vasina kuvimbika, . . . vasingatombodi kubvumirana, . . . vasingazvidzori, vanotyisa, . . . vakaoma musoro, vanozvitutumadza.”—2 Timoti 3:2-4.

  2.  2. Kunyange kana vanhu vakaisa misoro pamwe chete, havambokwanisi kugadzirisa matambudziko ari panyika vasingabatsirwi neMusiki wavo, Jehovha a Mwari. Bhaibheri rinototi, “hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.”—Jeremiya 10:23.

  3.  3. Nyika dzese pari rese dziri kutongwa nemutongi ane simba uye akaipa, Satani Dhiyabhorosi, “uyo ari kutsausa nyika yese.” (Zvakazarurwa 12:9) Chero bedzi “nyika yese iri musimba reakaipa,” panyika pacharamba paine hondo uye kurwisana.—1 Johani 5:19.

Ndiani anokwanisa kuita kuti panyika pave nerugare?

 Bhaibheri rinotiudza kuti panyika pachava nerugare, uye Mwari ndiye achaita kuti zvidaro kwete zvese zvingaitwa nevanhu.

  •   “‘Nekuti ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.’”—Jeremiya 29:11.

 Mwari achazadzisa sei vimbiso iyi? ‘Mwari anopa rugare achapwanya Satani.’ (VaRoma 16:20) Mwari achashandisa hurumende yekudenga, iyo inonzi neBhaibheri “Umambo hwaMwari,” kuti aite kuti pave nerugare panyika. (Ruka 4:43) Jesu ndiye Mambo hweUmambo ihwohwo uye achadzidzisa vanhu kuti vagarisane murunyararo.—Isaya 9:6, 7.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.