Enda pane zvauri kuda

Sei Pasi Rose Pasina Rugare?

Sei Pasi Rose Pasina Rugare?

Mhinduro yeBhaibheri

 Vanhu vakundikana kuita kuti pasi rose pave nerugare uye vacharamba vachikundikana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana:

  •   “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Jeremiya 10:​23) Vanhu havana kusikwa vachikwanisa kana kuti vaine kodzero yokuzvitonga, saka havakwanisi kuita kuti pasi rose parambe paine rugare.

  •   “Usavimba nevatungamiriri vevanhu; hapana munhu anogona kukuponesa. Pavanofa, vanodzokera kuguruva; pazuva iroro zvirongwa zvavo zvose zvinobva zvaguma.” (Pisarema 146:​3, 4, Good News Translation) Vatungamiriri vehurumende, kunyange vaya vanenge vachida kuitira vanhu zvakanaka, havagoni kuwana nzira dzokupedza nadzo zvinokonzera hondo.

  •   “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava. . . vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada.” (2 Timoti 3:​1-4) Tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” enyika ino yakaipa, apo vanhu vari kuratidza unhu hunoita kuti zviome kuita kuti pave nerugare.

  •   “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:​12) Dhiyabhorosi, muvengi waMwari, ari pano panyika uye ari kukusvudzira vanhu kuti vave nemafungiro ake eutsinye. Kana iye achiri “mutongi wenyika ino,” pasi pano hapafi pakava nerugare.​—Johani 12:31.

  •   “[Umambo hwaMwari] huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [hunopikisa Mwari], uye ihwo huchamira nokusingagumi.” (Dhanieri 2:​44) Umambo hwaMwari, kwete hurumende dzevanhu, ndihwo huchagutsa chido chedu chokuva nerugare pasi rose.​—Pisarema 145:16.