Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

alashi/DigitalVision Vectors via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Nei Panyika Pakazara Ruvengo?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Nei Panyika Pakazara Ruvengo?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Munhau makazara nyaya dzevanhu vanotaura mashoko anoratidza ruvengo, vanorwisana nevamwe nemhaka yerusarura uye nyaya dzehondo.

  •   “Vanhu vane ruvengo uye vanoda zvekurwisana pamwe chete nehondo iri kurwiwa pakati peIsrael neGaza, zvaita kuti pasocial media pazare mashoko eruvengo.”—The New York Times, 15 November 2023.

  •   “Kubvira musi wa 7 October, kuvengana, mashoko anoratidza ruvengo uyewo kurwisana zvichikonzerwa nerusarura zvawedzera panyika.”—Dennis Francis, purezidhendi wesangano reUnited Nations General Assembly, 3 November 2023.

 Kurwisana, mashoko anoratidza ruvengo uye hondo hazvina kutanga nhasi. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vekare ‘vainangisa mashoko avo eutsinye semiseve’ uye vaifarira hondo nekurwisana. (Pisarema 64:3; 120:7; 140:1) Asi Bhaibheri rinotsanangura kuti ruvengo rwatiri kuona mazuva ano rwune zvarunoreva.

Ruvengo runoratidzei nezvenguva yatiri kurarama?

 Bhaibheri rinotiudza zvikonzero zviviri zviri kuita kuti panyika pazare ruvengo.

  1.  1. Rakagara rataura kuti paizosvika nguva yekuti ‘rudo rwevazhinji rwaizotonhora.’ (Mateu 24:12) Pane kuti varatidze rudo, vanhu vaizova neunhu hunoita kuti pave neruvengo.—2 Timoti 3:1-5.

  2.  2. Satani Dhiyabhorosi ndiye ari kukonzera kuvengana zvakanyanya kuri kuita vanhu mazuva ano. Bhaibheri rinoti “nyika yese iri musimba reakaipa.”—1 Johani 5:19; Zvakazarurwa 12:9, 12.

 Asi Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ava pedyo kubvisa zvacho zvinokonzera ruvengo. Uyewo, achabvisa kutambura kwese kuri kuita vanhu zvichikonzerwa neruvengo. Bhaibheri rinovimbisa kuti:

  •   Mwari “achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.