Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usarasa Tariro!

Usarasa Tariro!

Wave uri Chapupu chaJehovha kwemakore uye uine chido chokuti murume wako kana kuti mudzimai wako abatane newe pakunamata Jehovha here?

Kana kuti wakaora mwoyo here mudzidzi wako weBhaibheri aiita seari kufambira mberi chaizvo paakarega kudzidza?

 Zvakaitika zvishomanana kuBritain zvichakubatsira kuona kuti nei usingafaniri kurasa tariro. Uchaonawo zvaungaita kuti uite seuri kukanda “zvokudya zvako pamusoro pemvura” kuti ubatsire vaya vasati vagamuchira chokwadi.—Mup. 11:1.

ZVINOKOSHA KUTI UTSUNGIRIRE

Chimwe chinhu chinokosha chaunofanira kuita ndechokuti utsungirire. Unofanira kubatisisa chokwadi uye kunamatira pana Jehovha. (Dheut. 10:20) Izvozvo ndizvo zvakaitwa naGeorgina. Paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muna 1970, murume wake Kyriacos akagumbuka chaizvo. Akaedza kumurambidza kudzidza, aisabvumidza Zvapupu kupinda mumba, uye aimutorera chero bhuku reZvapupu zvaJehovha raaiwana.

Georgina paakatanga kupinda misangano yeungano, Kyriacos akatowedzera kugumbuka. Mumwe musi akaenda kuImba yoUmambo achida zvokupopota. Imwe hanzvadzi payakaona kuti Kyriacos aigona chiGiriki kupfuura Chirungu, yakabva yafonera imwe hama yechiGiriki yekune imwe ungano kuti iuye kuzobatsira. Kyriacos akateerera nemhaka yemutsa wehama yacho, uye kwemwedzi inoverengeka vakatombodzidza vese Bhaibheri. Asi Kyriacos akazorega kudzidza.

Kwemamwe makore matatu, Georgina akaramba achipikiswa. Kyriacos akati aizomusiya kana akangobhabhatidzwa. Zuva rokubhabhatidzwa parakasvika, Georgina akateterera kuna Jehovha kuti Kyriacos asamusiya. Zvapupu pazvakaenda kunomutora kuti vaende kugungano, Kyriacos akavaudza kuti: “Endai zvenyu. Tichatevera nemota yedu.” Akapinda purogiramu yemangwanani ndokuona mudzimai wake achibhabhatidzwa!

Kyriacos akazobhabhatidzwa kwapera makore anenge 40 kubva Georgina paakatanga kuonana neZvapupu

Pashure paizvozvo kupikisa kwaKyriacos kwakadzikira, uye zvishoma nezvishoma akachinja chaizvo. Kyriacos akazobhabhatidzwa kwapera makore anenge 40 kubva Georgina paakatanga kuonana neZvapupu! Chii chakabatsira Kyriacos? Anoti: “Ndakafarira kuti Georgina akaramba akatsunga.” Georgina anoti: “Pasinei nokupikisa kwaiita murume wangu, ndaisazorega kunamata Mwari wangu. Nguva yose iyi ndainyengetera kuna Jehovha, uye handina kumborasa tariro.”

ZVINOKOSHA KUTI UVE NEUNHU HUTSVA

Chimwe chinhu chinokosha kana uchida kubatsira mumwe wako ndechokuti unofanira kuvavarira kuva neunhu hwechiKristu. Muapostora Petro akakurudzira madzimai echiKristu kuti: “Zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa.” (1 Pet. 3:1) Christine akashandisa zano iroro, kunyange zvazvo zvakatora makore kuti murume wake ave Chapupu. Paakava Chapupu makore anodarika 20 akapfuura, murume wake John, aisava nebasa naMwari muupenyu hwake. John aisada zvechitendero, asi aiona kuti Christine aikoshesa chaizvo chitendero chake chitsva. “Ndaiona kuti chaiita kuti afare,” akataura kudaro. “Akasvika pakuva munhu akashinga wandinogona kuvimba naye zvokuti akandibatsira mumatambudziko akawanda.”

Christine haana kumbomanikidza murume wake kuti abvume chitendero chake, uye murume wacho anobvuma kuti: “Christine akazviona kubvira pakutanga kuti aifanira kundisiya ndakadaro, uye akandirega ndichidzidza pandaida uye sezvandaida.” Christine paaiona nyaya dzomuNharireyomurindi kana Mukai! dzaaiziva kuti dzaigona kufarirwa naJohn, dzakadai sedzesayenzi nedzezvakasikwa, aimuratidza achiti, “Ndinofunga kuti uchanakidzwa nenyaya iyi.”

John akazosiya basa ndokutanga kuita zvegadheni. Paainge ava nenguva yakawanda yokufunga nezvemibvunzo inokosha youpenyu, akatanga kufungisisa kuti, ‘Zvakangoitika zvoga here kuti vanhu tivepo, kana kuti takasikwa paine chinangwa?’ Rimwe zuva, hama yaikurukura naJohn yakamubvunza kuti, “Ungada here kuti tidzidze?” “Sezvo ndainge ndatanga kutenda muna Mwari,” anodaro John, “Ndakabvuma.”

Chokwadi zvaikosha kuti Christine asarase tariro! Pashure pokunge anyengetera kwemakore 20 kuti John agamuchire chokwadi, akazobhabhatidzwa. Iye zvino vava kushumira Jehovha pamwe chete vachishingaira. John anoti: “Pane zvinhu zviviri zvakanyanya kuita kuti ndide chokwadi, mutsa uye ushamwari hweZvapupu. Uye kana wakaroorana neChapupu chaJehovha, unenge uine mudzimai akatendeka, waunogona kuvimba naye uye  anozvipira.” Chokwadi, Christine akaita zvinotaurwa pana 1 Petro 3:1, uye zvakashanda!

MBEU DZINOZOMERA KWAPERA MAKORE

Zvakadini nevadzidzi veBhaibheri vanotanga vachifarira asi vozorega kudzidza? Mambo Soromoni akanyora kuti: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nokuti hauzivi kuti zvichabudirira kupi, kuno here kana kuti uko, uye kana zvose zvazvo zvichava zvakanaka.” (Mup. 11:6) Dzimwe nguva mbeu yechokwadi inotora makore akawanda kuti imere. Kunyange zvakadaro, munhu anogona kuzoona kukosha kwekuswedera pedyo naMwari. (Jak. 4:8) Chokwadi, rimwe zuva unogona kuzoshamisika.

Funga nezvaAlice, akatamira kuEngland achibva kuIndia. Muna 1974 akatanga kudzidza Bhaibheri. Aitaura chiHindi asi aida kunatsiridza Chirungu chake. Alice akadzidza kwemakore, uye akatombopinda misangano zvishoma neungano yeChirungu. Aiziva kuti zvaaidzidza chaiva chokwadi asi aisachikoshesa. Uyewo aingofunga mari uye kuenda kumapati. Nokufamba kwenguva, akazorega kudzidza.

Kwapera makore anenge 30, Stella, aimbodzidzisa Alice Bhaibheri, akatambira tsamba yaibva kwaari. Yaiti: “Ndinofunga kuti muchafara kuziva kuti munhu wamaidzidza naye Bhaibheri muna 1974 akabhabhatidzwa pagungano reruwa rapfuura. Makandibatsira chaizvo muupenyu hwangu. Makadyara mbeu yechokwadi mandiri, uye kunyange zvazvo ndainge ndisati ndagadzirira kuzvitsaurira kuna Mwari, ndakachengeta mbeu iyoyo yechokwadi mupfungwa dzangu nemwoyo.”

Tsamba yakanyorerwa Stella naAlice yaiti: “Ndinofunga kuti muchafara kuziva kuti munhu wamaidzidza naye Bhaibheri muna 1974 akabhabhatidzwa pagungano reruwa rapfuura”

Chii chainge chaitika? Alice anotsanangura kuti akaora mwoyo chaizvo pakafa murume wake muna 1997. Akanyengetera kuna Mwari. Pasina maminitsi gumi, Zvapupu zviviri zvinotaura chiPunjabi zvakamushanyira, zvikamusiyira turakiti rakanzi Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa? Alice akafunga kuti munyengetero wake wapindurwa akabva asarudza kuwadzana neZvapupu zvaJehovha. Asi aizozviwana kupi? Akawana dhayari rekare raiva nekero yaainge apiwa naStella yeungano yechiPunjabi. Alice akaenda kuImba yoUmambo uye akagamuchirwa neushamwari nehama nehanzvadzi dzinotaura chiPunjabi. Alice anoti, “Ndakaramba ndichifara uye izvozvo zvakaita kuti ndinzwe ndazorodzwa pakuora mwoyo kwandainge ndaita.”

Akatanga kupinda misangano nguva dzose ndokutangazve kudzidza Bhaibheri, achidzidza kunyatsotaura uye kuverenga chiPunjabi. Akazobhabhatidzwa muna 2003. Mutsamba yaakanyorera Stella akapedzisa nokuti, “Makaita basa chaizvo nokudyara mbeu iyoyo makore 29 akapfuura uye nomuenzaniso wenyu wakanaka wokuti nditevedzere.”

“Makaita basa chaizvo nokudyara mbeu iyoyo makore 29 akapfuura uye nomuenzaniso wenyu wakanaka wokuti nditevedzere.”—Alice

Ungadzidzei pane zvakaitika izvi? Zvingatora nguva yakareba kupfuura yaungatarisira, asi kana munhu aine nzara yechokwadi, akatendeseka, uye achizvininipisa, Jehovha achaita kuti chokwadi chikure mumwoyo make. Yeuka mashoko omumufananidzo waJesu okuti: “Mbeu inomera yoreba, kuti zvinoitika sei [mudyari] haazivi. Ivhu pacharo rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga chipande, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura.” (Mako 4:27, 28) Kukura ikoko kunoitika zvishoma nezvishoma uye kunongoitika kwoga. Chokwadi ndechokuti, muzivisi woUmambo mumwe nemumwe haazivi kuti izvi zvinoitika sei. Saka ramba uchidyara zvakawanda. Ungangozokohwa zvakawanda.

Usakanganwa kuti munyengetero unokosha. Georgina naChristine vakaramba vachinyengetera kuna Jehovha. Kana ‘ukaramba uchinyengetera’ uye ukasarasa tariro, “kwapera mazuva mazhinji” unogona kuzowanazve “zvokudya” zvawakakanda pamusoro pemvura.—VaR. 12:12; Mup. 11:1.