NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA March 2013

Magazini ino inoyeuchidza vaKristu vose kuti vangaramba sei vari munhangemutange youpenyu. Uye inotibatsira kuziva zvakaita mwoyo yedu uye kuziva Mwari wedu, Jehovha.

Vaya Vanoda Jehovha ‘Havana Chinovagumbura’

Tingati hapana chinogona kugumbura vaya vanoda mutemo waJehovha pakuti kudii? Ona kuti chii chinogona kutibatsira kuramba tiri munhangemutange youpenyu.

Une ‘Mwoyo Wokuti Uzive’ Jehovha Here?

Mashoko omuprofita Jeremiya anogona kukubatsira kuti uve uye urambe uine mwoyo wokufananidzira une utano.

“Zvamakasvika Pakuziva Mwari”—Chii Chasara?

Dzidza kuti nei uchifanira kugara uchiongorora kutenda uye kuzvipira kwako kuna Jehovha Mwari.

Nyaradzwa Uyewo Nyaradza Vamwe

Munhu wose akamborwara, pamwe pacho zvakanyanyisa. Patinosangana nematambudziko akadaro, tingatsungirira sei?

Jehovha—Nzvimbo Yedu Yokugara

Kunyange zvazvo tichigara munyika yakaipa, nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha achadzivirira vanhu vake?

Kudza Zita Guru raJehovha

Unoona sei ropafadzo yokushandisa zita raJehovha? Zvinorevei kuziva zita raMwari uye kufamba nezita iroro?

Zvechokwadi Josephus Ndiye Akanyora Mashoko Acho Here?

Flavius Josephus, muJudha ainyora zvaiitika kare ndiye akanyora mashoko anozivikanwa seTestimonium Flavianum here?

Usarasa Tariro!

Haufaniri kurasa tariro yokuti mumwe munhu achazogamuchira chokwadi. Verenga nezvevamwe vasina kurasa tariro uye chakaita kuti vasarasa tariro.