Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaradzwa Uyewo Nyaradza Vamwe

Nyaradzwa Uyewo Nyaradza Vamwe

Sezvo tiri vanhu vane chivi, tose zvedu takamborwara, pamwe pacho zvakanyanyisa. Patinosangana nematambudziko akadaro, tingatsungirira sei?

Tinogona kubatsirwa chaizvo pakutsungirira nokunyaradzwa nevemumhuri, shamwari, uye vatinonamata navo.

Mashoko emutsa uye erudo anotaurwa neshamwari anogona kuita semafuta anorapa uye anozorodza. (Zvir. 16:24; 18:24; 25:11) Asi vaKristu vechokwadi havangofungi zvokunyaradzwa chete. Vanovavarirawo “kunyaradza vaya vari pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo nokunyaradza [kwavari] kunyaradzwa nako naMwari.” (2 VaK. 1:4; Ruka 6:31) Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika kuna Antonio, mutariri weruwa wokuMexico.

Paakabatwa kuti aiva nekenza yemuropa, Antonio akashungurudzika zvisingaiti. Kunyange zvakadaro, aiedza kusazvifunga. Akazviita sei? Aiedza kuyeuka nziyo dzoUmambo uye kudziimba zvinonzwika achifungisisa mashoko acho. Kunyengetera zvinonzwika pamwe nokuverenga Bhaibheri zvakamunyaradzawo chaizvo.

Zvisinei, iye zvino Antonio ava kuziva kuti akabatsirwawo chaizvo nehama dzake dzechiKristu. Anoti: “Ini nemudzimai wangu patainyanya kuzvidya mwoyo, taikumbira mumwe mukuru watiine ukama naye kuti auye kuzonyengetera nesu. Izvi zvaitinyaradza uye zvaiita kuti tidzikame. Chokwadi,” anowedzera kudaro, “kutsigirwa kwatakaitwa nemhuri uye hama dzedu dzatinonamata nadzo, kwakaita kuti munguva pfupi tisanyanya kuzvidya mwoyo.” Akatenda chaizvo rudo rwakadaro rweshamwari!

Mudzimu mutsvene watakavimbiswa unotibatsirawo chaizvo patinenge tiine matambudziko. Muapostora Petro akataura kuti mudzimu mutsvene waMwari “chipo chepachena.” (Mab. 2:38) Izvozvo zvakaoneka pakazodzwa vanhu vakawanda paPendekosti ya33 C.E. Kunyange zvazvo aitaura nezvevakazodzwa, tose zvedu tinogonawo kuwana chipo ichocho chomudzimu mutsvene. Mudzimu mutsvene hauperi, saka unodii kukumbira wakawanda?—Isa. 40:28-31.

NYATSOFARIRA VAYA VANENGE VACHITAMBURA

Muapostora Pauro akatsungirira matambudziko akawanda, uye pamwe pacho akatopotsa afa. (2 VaK. 1:8-10) Asi Pauro aisanyanya kutya kufa. Ainyaradzwa nokuziva kuti Mwari aiva naye. Akanyora kuti: “Ngaarumbidzwe iye Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaK. 1:3, 4) Pauro haana kurega matambudziko ake achimupedza simba. Asi, miedzo yaakatsungirira yakamubatsira kuti ave netsitsi, zvokuti akazokwanisa kunyaradza vamwe pavainge vava kuda kubatsirwa.

Paakapora, Antonio akadzokera kubasa rake rokufambira. Ainge agara achifarira vaainamata navo, asi iye zvino iye nemudzimai wake vanoedza chaizvo kushanyira uye kukurudzira vanorwara. Somuenzaniso, pavakashanyira mumwe muKristu airwara chaizvo, Antonio akaziva kuti hama iyi yaisada kuenda kumisangano. “Hakusi kuti yaisada Jehovha kana kuti dzimwe hama,” anotsanangura kudaro Antonio, “asi kurwara kwainge kwaikanganisa zvokuti yainzwa sokuti haibatsiri.”

Kuti akurudzire hama yacho, Antonio akaikumbira kuti inyengetere pane kumwe kuungana kwakaitwa munguva pfupi yapfuura. Kunyange zvazvo hama yacho yaifunga kuti haikwanisi, yakabvuma. Antonio akati: “Yakapa munyengetero wakazonaka, uye pashure, yainge yachinja kuva mumwe munhu. Yainge yavazve kunzwa sokuti inokosha.”

Chokwadi, tose zvedu takatombotambura, zvichida zvakanyanya kana kuti zvishoma. Asi sezvakataura Pauro, izvi zvinogona kuita kuti tikwanise kunyaradza vamwe pavanenge vachida kubatsirwa. Saka, ngatinzwirei tsitsi hama dzedu dzinenge dzichitambura, totevedzera Mwari wedu, Jehovha, nokunyaradza vamwe.