Enda pane zvauri kuda

Michato yeZvapupu zvaJehovha Inoitwa Sei?

Michato yeZvapupu zvaJehovha Inoitwa Sei?

 Panobatanidzwa vanhu pamichato yeZvapupu zvaJehovha panopiwa mharidzo pfupi inenge ichitaura zviri muBhaibheri. Kana vaviri vapedza kubatanidzwa panogona kuzoitwa mabiko, vanhu pavanenge vachidya nekufara. a Jesu akamboenda kumuchato wakadaro muguta reKana paakanga achangotanga basa rake rekuparidza.—Johani 2:1-11.

 Zvii zvinoitwa panobatanidzwa vachati?

 Chinhu chinokosha imharidzo yemuchato inotaurwa kwemaminitsi anenge 30 uye inopiwa neChapupu chaJehovha. Mharidzo yacho inotaura mashoko anovaka uye anokurudzira, ichisimbisa kubatsira kunoita Bhaibheri kuti vaviri vari kuchata vagare pamwe chete vachidanana uye vachifara kweupenyu hwavo hwese.—VaEfeso 5:33.

 Munyika dzakawanda, hurumende dzinobvumidza Zvapupu zvaJehovha kuti zvichatise vanhu zviri pamutemo. Mharidzo yemuchato painenge yapera, vaviri vanenge vachichata vanoita mhiko. Vanogona kupfekedzanawo marin’i. Anenge achivachatisa anobva ataura kuti vaviri vacho vava murume nemudzimai.

 Mune dzimwe nyika, mutemo unoti vanhu vanenge vachida kuchata vaende kunochatiswa kwamudzviti. Nguva pfupi pashure pekunge vachatiswa vanobva vazopiwa mharidzo yemuchato. Kana vaviri vacho vasina kuita mhiko yemuchato pavakachatiswa kwamudzviti, vanogona kuzozviita mharidzo yemuchato painenge yava kupera. Kana vakaita mhiko kwamudzviti, vanogona kusarudza kuitazve mhiko yacho asi vachishandisa mashoko anoratidza kuti vakatoita mhiko yacho. Mharidzo yemuchato painopera, panobva papiwa munyengetero wekukumbira Mwari kuti akomborere vaviri vanenge vachangobva kuchata.

 Michato yeZvapupu zvaJehovha inoitirwa kupi?

 Zvapupu zvakawanda zvinosarudza kuchatira paImba yeUmambo kana iripo. b Kana vaviri vacho vachida kuzoita mabiko, vanosarudza imwe nzvimbo yekuzonoitira mabiko.

 Ndiani anobvumidzwa kuvapo?

 Kana muchato wacho uchiitirwa paImba yeUmambo, munhu wese anogona kuuya, angava Chapupu chaJehovha kana kuti kwete. Kana vari kuchata vachizoita mabiko, vanosarudza kuti ndiani wavachakoka.

 Vanenge vakokwa vanofanira kupfeka sei?

 Hapana mutemo chaiwo unotaura zvinofanira kupfekwa pamichato inoitirwa paImba yeUmambo. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri nezvemapfekero akanaka uye ane mutsigo. Vanofarawo kana vamwe vanenge vauya vakapfekawo zvakanaka. (1 Timoti 2:9) Ndiwo mapfekero anofanira kuitwawo kumabiko kana vaviri vanenge vachichata vakasarudza kuita mabiko.

 Vanenge vakokwa vanouya nezvipo here?

 Bhaibheri rinokurudzira kuti tive vanhu vanopa. (Pisarema 37:21) Zvapupu zvaJehovha zvinofarira kupa vamwe uye kugamuchira zvipo pamuchato. (Ruka 6:38) Asi Zvapupu hazviiti zvekukumbira zvipo kana kuti kutaura mazita evanhu vanenge vapa zvipo. (Mateu 6:3, 4; 2 VaKorinde 9:7; 1 Petro 3:8) Kuita izvozvo hakuenderani nezvinotaurwa neBhaibheri uye kunoita kuti vanenge varipo vanzwe vasina kusununguka.

 Panorovaniswa magirazi here pakunwa?

 Aiwa. Zvapupu zvaJehovha hazvirovanisi magirazi pakunwa nekuti tsika yacho yakatangira pazvinhu zvine chekuita nekunamata kwenhema. c Zvapupu zvinoshandisa dzimwe nzira kuratidza kuti vanoshuvira vachati kuti vave newanano yakanaka.

 Panomwayiwa mupunga here?

 Aiwa. Mune dzimwe nzvimbo, vanhu vanomwaya mupunga kana zvimwe zvinhu pavachati. Vanenge vachiti ndokuti vachati vave nerombo rakanaka, vafare uye vararame kwenguva yakareba. Asi Zvapupu zvaJehovha hazviiti zvinhu izvi zvine chekuita nekutenda mashura, nekuti zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri.—Isaya 65:11.

 Panodyiwa nekunwiwa here?

 Panobatanidzwa vachati paImba yeUmambo, vanhu havadyi kana kunwa. Vamwe vachati vanosarudza kuzoita mabiko uye vanhu vanogona kuzodya nekunwa ikoko. (Muparidzi 9:7) Kana vakasarudza kuti pave nedoro, vanova nechokwadi chekuti vanhu havapiwi rakawanda uye rinongopiwa vane zera rinobvumirwa nehurumende kunwa.—Ruka 21:34; VaRoma 13:1, 13.

 Panoridzwa nziyo uye vanhu vanotamba here?

 Kana vachati vakaita mabiko, vanogona kusarudza kuti kumabiko ikoko kuridzwe nziyo uye vanhu vatambe. (Muparidzi 3:4) Vachati ndivo vanosarudza nziyo dzicharidzwa asi vanofanira kusarudza nziyo dzine mutsigo. Panobatanidzwa vachati kuImba yeUmambo panoridzwa nziyo dzinotaura zviri muBhaibheri.

 Zvapupu zvaJehovha zvinopemberera zuva remuchato gore negore here?

 Bhaibheri harina zvarinotaura nezvekupemberera zuva remuchato gore negore, saka Zvapupu zvaJehovha zvinozvisarudzira kuti zvinoda here kupemberera zuva iri kana kuti kwete. Kana vakasarudza kupemberera, vanogona kuzviita vari vega kana kuti nehama neshamwari.

a Zvinoitwa pamuchato uye mitemo yehurumende zvinosiyana zvichienderana nenzvimbo.

b Muchatisi haabhadharwi uye hapana mari inobhadharwa kuti vashandise Imba yeUmambo.

c Kuti unzwe kwakabva tsika yekurovanisa magirazi pakunwa, verenga nyaya yakanzi “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaFebruary 15 2007.