Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Hwakatanga Sei?

Upenyu Hwakatanga Sei?

 Ungapedzisa sei mutsara unotevera?

 UPENYU KUTI HUVEPO ZVINHU ZVAKAITA . . .

  1.   ZVEKUSHANDUKA-SHANDUKA

  2.   ZVEKUSIKWA

 Vamwe vanofunga kuti munhu anobvuma zvinhu zvesainzi anoti zvinhu zvakaita “zvekushanduka-shanduka” asi anonamata anoti zvinhu zvakaita “zvekusikwa.”

 Asi kazhinji kacho hazvisirizvo.

 Chokwadi ndechekuti vanhu vakadzidza, kusanganisira nyanzvi dzesainzi, havana chokwadi nedzidziso yekushanduka-shanduka.

 Inzwa zvakataurwa naGerard, mumwe purofesa anodzidza nezvezvipukanana uye akadzidziswa kuchikoro kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka. Anoti: “Pandainyora bvunzo, ndaingopindura mibvunzo sezvaidiwa nemapurofesa, asi ini ndakanga ndisingazvibvumi.”

 Chii chinoita kuti dzimwe nyanzvi dzesainzi dzisabvuma dzidziso yekuti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo ngatikurukurei mibvunzo miviri inonetsa vanhu vanotsvakurudza: (1) Upenyu hwakatanga sei? uye (2) Zvinhu zvese zvinorarama zvakavapo sei?

Upenyu Hwakatanga Sei?

 ZVINOTAURWA NEVAMWE. Upenyu hwakangoerekana hwavapo kubva pazvinhu zvisina upenyu.

 NEI VAMWE VANHU VASINGAGUTSIKANI NEMHINDURO IYOYO? Nyanzvi dzesainzi dzava kuziva zvakawanda nezvechemistry uye zvakaita upenyu kupfuura zvavaiita kare, asi havakwanisi kunyatsoti dyoo panyaya yekuti upenyu chii. Pane musiyano mukuru pazvinhu zvisina upenyu nekasero kadiki-diki.

 Nyanzvi idzi dzinongoita zvekufungidzira kuti upenyu hwakanga hwakaita sei mabhiriyoni emakore adarika. Vane maonero akasiyana pakuti upenyu hwakatanga sei. Semuenzaniso vamwe vanoti hwakatangira muvolcano panoputika gomo uye vamwe vanoti hwakatangira pasi penyanza. Vamwe vanoti zvinhu zvakaita kuti pazova neupenyu zvakatanga zvagadzirwa muchadenga zvikazouya panyika. Asi izvozvo hazvipinduri mubvunzo wekuti upenyu hwakatanga sei; vanenge vachingoti hwakatanga kune imwe nzvimbo kwete pano panyika.

 Nyanzvi dzesainzi dzinoti pane zvinhu zvakatanga zviriko zvakazochinja kusvika pazvinhu zvine upenyu zvatinoziva mazuva ano. Saka vanoti zvinhu izvozvo zvakazoramba zvichingopatsanuka zvichigadzira zvimwe. Asi havasati vawana umboo hunoratidza kuti kune zvinhu zvakadaro zvakamboitika, uye vatadza kana kugadzira zvinhu zvakada kufanana naizvozvo.

 Zvinhu zvipenyu zvine nzira inoshamisa yazvinochengeta nazvo mashoko. Masero anokwanisa kunzwisisa mirayiridzo inenge iri muDNA. Vamwe vakafananidza DNA nesoftware yekombiyuta uye zviri mukati memasero nehardware yekombiyuta. Asi vanotsigira zvekushanduka-shanduka havakwanisi kutsanangura kuti inombonyatsozviita sei.

 Maprotein molecules anokosha pakushanda kwemasero. Protein molecule rimwe chete rine mazana emaamino acids anenge akabatanidzwa. Uyezve, protein molecule rinofanira kupeteka-peteka kuti rinyatsoshanda zvakanaka. Masayendisiti anoti zvakaoma chaizvo kuti protein molecule rigadzire rimwe protein molecule. “Sezvo sero rimwe nerimwe richida zviuru zvemaprotein akasiyana-siyana, hazvina musoro kuti titi anogona kuzvigadzira ega zvetsaona” akanyora kudaro mumwe murume anoita zvephysics anonzi Paul Davies.

 MHEDZISO. Pashure pemakumi emakore ekutsvakurudza, chokwadi chinoramba chiripo ndechekuti pane mumwe munhu ane simba guru akaita kuti upenyu huvepo.

Zvinhu Zvese Zvinorarama Zvakavapo Sei?

 ZVINOTAURWA NEVAMWE. Pane chinhu chakatanga kurarama chichibva chazopedzisira chabudisa vanhu nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana.

 NEI VAMWE VANHU VASINGAGUTSIKANI NEMHINDURO IYOYO? Mamwe masero akaoma kunzwisisa kupfuura mamwe. Vamwe vanoongorora vanoti kuchinja kunoita masero madiki kuti azove masero makuru “kunowanzonzi ndicho chinhu chechipiri chisingazivikanwi pakushanduka-shanduka, chekutanga chiri chekuti upenyu hwakatanga sei.”

 Nyanzvi dzesainzi dzakaona kuti musero rimwe nerimwe mune maprotein molecule ayo anoita mabasa akaoma zvikuru. Mabasa aya anosanganisira kugadzira zvinhu zvinoita kuti protein molecule iwane simba, kugadzirisa masero anenge akuvara, uye kutumira mashoko. Zvingaita here kuti zvinhu izvi zvingoerekana zvaitika? Vakawanda vanoomerwa nekuzvibvuma.

 Kuti munhu avepo panoda kuti zai rimwe chete raamai risangane nembeu yababa uye ndizvo zvazvakaitawo nekumhuka. Masero anoberekana muzai iroro opedzisira atanga kuita mabasa akasiyana-siyana kuti muviri ukwanise kuumbwa. Vaya vanobvuma dzidziso yekushanduka-shanduka havakwanisi kutsanangura kuti sero rimwe nerimwe rinoziva sei kuti zvii zvarava kufanira kuita kuti muviri uumbwe.

 Nyanzvi dzesainzi dzava kuziva kuti pane zvinofanira kuchinja-chinja musero kuti pakwanise kuva neimwe mhuka. Sezvo nyanzvi idzi dzisingakwanisi kuratidza kuti sero rinogadzirwa sei pachishandiswa kushanduka-shanduka, zvingaita here kuti titi zvinhu zvese zviri panyika zvakangoerekana zvaitika? Achitaura nezvemhuka, Michael Behe, mumwe purofesa webiological science, anoti kunyange zvazvo tsvakurudzo dzakaitwa “dzichiratidza kuti zvinhu izvi zvakaoma kunzwisisa, hapana ari kumbokwanisa kutsanangura kuti kushanduka-shanduka kunogona sei kuita kuti zvinhu zvipenyu izvi zvivepo.”

 Vanhu vanokwanisa kufunga, kuva nerupo, kuzvipira uye kukwanisa kuziva kuti ichi chakanaka ichi chakaipa. Vaya vanoti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka kana kuti zvakangoerekana zvavapo havakwanisi kutsanangura kuti sei vanhu vachikwanisa kuva neunhu hwavainahwo.

 MHEDZISO. Kunyange zvazvo vakawanda vachisimbirira nerekuti zvinhu zvakaita zvekushanduka-shanduka, vamwe havagutsikani netsanangudzo dzinopiwa nevanhu vanotsigira dzidziso iyoyo nezvematangiro akaita upenyu.

Mhinduro Yatinofanira Kufunga Nezvayo

 Pashure pekuongorora umboo, vanhu vakawanda vanopedzisira vati pane mumwe munhu ane uchenjeri akaita kuti upenyu huvepo. Funga nezvapurofesa wephilosophy ainzi Antony Flew, uyo aiti hakuna Mwari. Paakadzidza nezvekushamisa kwakaita zvinhu zvipenyu akapedzisira achinja mafungiro aaiva nawo. Mashoko aakataura akafanana neaitaurwa nedzimwe nyanzvi dzakararama kare kare dzaiti: “Tinofanira kubvuma zvinhu zvinotsigirwa neumboo huripo, totevera izvozvo.” Purofesa Flew, akaona kuti umboo huripo hunoratidza kuti kune Musiki.

 Gerard, ataurwa kwatangira nyaya ino, ndiwo mafungiro aakazopedzisira avawo nawo. Pasinei nekudzidza kwaakanga aita uye nebasa raaiita, akati: “Handina kuona umboo hunoratidza kuti zvinhu zvakangoerekana zvavapo zvega. Kurongeka uye kuoma kwakaita kunzwisisa zvinhu zvakasikwa kwakaita kuti ndione kuti pane munhu ane uchenjeri akagadzira zvinhu izvi.”

 Kana munhu akatarisa zvinhu zvinenge zvakadhirowewa nemumwe munhu anogona kuona unyanzvi uye zvakaita munhu wacho akadhirowa. Gerard akasvika pakunzwisisa unhu hweMusiki nekuongorora zvinhu zvakasikwa. Akaverengawo Bhaibheri, bhuku rakabva kuMusiki. (2 Timoti 3:16) Akawana mhinduro dzinogutsa nezvekwakabva vanhu uye kuti matambudziko ari kusangana nevanhu mazuva ano angagadziriswa sei. Akabva ava nechokwadi chekuti Bhaibheri rakanyorwa nemunhu ane pfungwa dzakakwirira zvikuru.

 Gerard akaona kuti zvakakosha kuwana mhinduro dzeBhaibheri. Tinokukurudzira kuti uzvionerewo.