Enda pane zvauri kuda

Sainzi Inopindirana Nezviri muBhaibheri Here?

Sainzi Inopindirana Nezviri muBhaibheri Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu inopindirana. Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku resainzi, parinotaura zvine chekuita nesainzi rinotaura chokwadi. Ona mienzaniso inotevera inoratidza kuti sainzi neBhaibheri zvinopindirana uye kuti zvaifungwa nevanhu zvinosiyana sei nezviri mariri.

  •   Denga nenyika zvakaita zvekusikwa. (Genesisi 1:1) Izvi zvinopesana nezvinotaurwa mungano dzakawanda zvekuti denga nenyika hazvina kuita zvekusikwa asi zvakangoerekana zvavapo netsaona. VaBhabhironi vaiti denga nenyika zvakazvarwa navanamwari vakabva mumakungwa maviri. Vamwewo ndivo vanoti denga nenyika zvakabva pazizai zihombe.

  •   Jehovha Mwari ane mitemo yaakaisa kuti ishande muchadenga uye panyika kwete kuti vanamwari venhema ndivo vanoita zvavada. (Jobho 38:33; Jeremiya 33:25) Pasi rese pane nhema dzinodzidziswa zvichinzi matambudziko atinosangana nawo anokonzerwa nehasha dzavanamwari uye hatina zvatingaita kuti tizvidzivirire.

  •   Nyika yakarembedzwa pasina chinhu. (Jobho 26:7) Kare kare vakawanda vaiti nyika yakaita sepamusoro petafura uye tafura yacho yakagara pamusoro pezimhuka zihombe rakadai senyati kana kuti kamba.

  •   Mvura inenge iri mumakungwa painorohwa nezuva inosimuka yonoita makore yobva yazonaya ichipinda munzizi nemuzvitubu. (Jobho 36:27, 28; Muparidzi 1:7; Isaya 55:10; Amosi 9:6) Kare kare vaGiriki vaiti mvura iri mumakungwa inofamba nepasi yonozadza nzizi uye pfungwa iyi yakaramba iripo kusvikira kumakore ekuma1700.

  •   Makomo anokura uye anoitawo madiki, uye makomo atava kuona nhasi aimbova pasi pemakungwa. (Pisarema 104:6, 8) Asi, pane nhema dzinotaurwa zvichinzi vanamwari vakasika makomo ari sezvaari nhasi uno.

  •   Utsanana hunochengetedza utano. Mitemo yakapiwa vaIsraeri yaiti munhu ageze kana abata chitunha, vane zvirwere zvinotapukira vagariswe kwavo vega, uyewo tsvina yevanhu inyatsofushirwa. (Revhitiko 11:28; 13:1-5; Dheuteronomi 23:13) Asi panguva yakapiwa vaIsraeri mitemo iyi, vaIjipiti vakanga vaine tsika yekurapa maronda vachishandisa mishonga yakasanganiswa netsvina yevanhu.

Bhaibheri rine parinokanganisa here parinotaura zvesainzi?

 Zvikanyatsoongororwa, hapana panganzi Bhaibheri rinokanganisa. Pasi apa pane mienzaniso yezvinonzi Bhaibheri rinokanganisa panyaya dzesainzi:

 Zvavanotaura: Bhaibheri rinoti denga nenyika zvakasikwa mumazuva 6, zuva rimwe chete riri remaawa 24.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri haritauri kuti Mwari akatanga riini kusika denga nenyika. (Genesisi 1:1) Uyewo, mazuva ekusika anotaurwa muchitsauko 1 chaGenesisi haataurwi kuti aiva akareba zvakadii. Zvese zviri zviviri denga nenyika zvinotonzi zvakasikwawo ’muzuva’ rimwe chete.​—Genesisi 2:4.

 Zvavanotaura: Kuti miti ikure, inoda chiedza chinobva kuzuva, asi Bhaibheri rinoti miti ndiyo yakatanga kusikwa zuva richizotevera.​—Genesisi 1:​11, 16.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinotaura kuti zuva, iro riri imwe yenyeredzi dziri ‘mudenga’ rakasikwa miti isati yasikwa. (Genesisi 1:1) Chiedza chezuva chakasvika panyika pazuva rekutanga pakasikwa denga nenyika. “Zuva” rechitatu parakazosvika chiedza chakanga chava kukwanisa kukudza miti. (Genesisi 1:​3-5, 12, 13) Zuva rakazotanga kunyatsooneka panyika pave paya.​—Genesisi 1:​16.

 Zvavanotaura: Bhaibheri rinoti zuva rinotenderera nyika.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Muparidzi 1:5 inoti: “Zuva rinobuda, uye zuva rinovira; rinobva rakurumidza zvakare kudzokera kwarinobudira.“ Mashoko aya anoratidza kuti kana uri panyika zuva rinooneka seriri kufamba. Kunyange nhasi, munhu anogona kutaura kuti zuva “rabuda” kana kuti “ravira” asi achiziva zvake kuti nyika ndiyo iri kutenderera zuva.

 Zvavanotaura: Bhaibheri rinoti nyika yakaita setafura zvekuti kumucheto kwayo kune mawere.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rine mashoko ekuti “kumugumo wenyika” zvichireva nzvimbo iri kure kure kwete kuti nyika yakaita setafura. (Mabasa 1:8; mashoko emuzasi) Zvakangofanana nokutaura kunoita vanhu kwekuti “mativi mana enyika” zvichireva kuti nyika yese.​—Isaya 11:12; Ruka 13:29