Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Russia Inorwisa Ukraine

Russia Inorwisa Ukraine

 Mangwanani emusi wa24 February 2022, mauto eRussia akatanga kubhomba Ukraine. Vatungamiriri vedzimwe nyika vakanga vamboedza kuita kuti hondo iyi isatanga asi zvakashaya basa. Kurwisana kuri kuita Russia neUkraine kunogona kukanganisa sei dzimwe nyika pasi rese? Mazuva mashoma apfuura, mukuru mukuru weUnited Nations, António Guterres, akati: “Kutambura kuchaita vanhu uye kuparadzwa kwezvinhu kuchange kwakakura chaizvo uye zvichakanganisa kuchengeteka kwenyika dziri muEurope nedzimwewo dziri pasi rese.”

Zviri kuitika izvi zviri kurevei tichifunga zvinotaurwa neBhaibheri?

Nei tiine chokwadi chekuti zvinhu zvichanaka mune ramangwana?

 MuUkraine mune Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 129 000. Sezvinongoita Zvapupu pasi rese, Zvapupu zviri kuUkraine zvinotevedzerawo Jesu nekusapindira mune zvematongerwo enyika uye kusatsigira hondo. (Johani 18:36) Pasi rese Zvapupu zvaJehovha zviri kuramba zvichizivisa “mashoko akanaka” ekuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchapedza matambudziko evanhu, kusanganisira hondo. (Mateu 24:14) Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvetariro yatinovimbiswa neBhaibheri, unogona kuzadza fomu riri pajw.org kana kutaura nemumwe weZvapupu zvaJehovha.

a Kuti unyatsonzwa kutsanangurwa kweuprofita uhwu zvakadzama, verenga nyaya yakanzi “‘Mambo Wekuchamhembe’ Munguva Yekuguma” uye imwe yakanzi “Ndiani ‘Mambo Wekuchamhembe’ Mazuva Ano?