Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Bhaibheri Rinotii Nezvekunamata Zvifananidzo?

Bhaibheri Rinotii Nezvekunamata Zvifananidzo?

 Maererano neCatholic News Service, pane mumwe musangano wakaitwa paSt. Peter’s Basilica musi wa25 March 2022, Pope Francis akamira pamberi pechifananidzo chaMariya achibva “avhara maziso ake akakotamisa musoro achinyengetera.” “Akakumbira Mariya” kuti pave nerugare. Vatican News yakataurawo kuti “Pope akanyengetera kuna Amai Mariya achiti vanzwirewo ngoni vanhu vari kuRussia neUkraine.”

 Iwe unozvionawo sei? Zvakanaka here kuti munhu anyengetere ari pamberi pechifananidzo kana kuti ashandise chifananidzo pakunamata? Inzwa zvinotaurwa nemavhesi anotevera:

  •   “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika. Usazvikotamira kana kunyengedzwa kuti uzvishumire, nekuti ini, Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara.”—Eksodho 20:4, 5. a

  •   “Zvidhori zvavo isirivha negoridhe, basa remaoko emunhu. Zvine muromo, asi hazvitauri; zvine maziso, asi hazvioni; zvine nzeve, asi hazvinzwi; zvine mhino, asi hazvinhuhwidzi; zvine maoko, asi hazvibati; zvine tsoka, asi hazvifambi; pahuro pazvo hapabudisi inzwi. Vanhu vanozvigadzira vachafanana nazvo, uye ndizvo zvichaitawo vese vanovimba nazvo.”—Pisarema 115:4-8.

  •   “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; hapana wandinogovana naye kukudzwa kwangu, uye handipi kurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”—Isaya 42:8, mashoko emuzasi.

  •   “Tizai kunamata zvidhori.”—1 VaKorinde 10:14.

  •   “Zvichenjererei pazvidhori.”—1 Johani 5:21.

 Kuti unzwe zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri nezvekunamata zvifananidzo, verenga nyaya yakanzi “Tinofanira Kunamata Zvifananidzo Here?” kana kuti ona vhidhiyo yakanzi “Mwari Anoda Here Kuti Tishandise Mifananidzo Pakunamata?

 Unogonawo kunzwa zvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzinotevera:

Photo credit: Vincenzo Pinto/AFP via Getty Images

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?