Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?

Tinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?

NDIANI asati ambonetseka obva afunga kuti anofanira kutsvaka rubatsiro kune mumwe munhu? Zvichienderana nokuti chii chinenge chaita kuti tinetseke, tingasarudza shamwari ine mutsa uye yakambowirwa nedambudziko ratiinaro. Mutsa uye ruzivo zvaainazvo zvichaita kuti ave shamwari yatinonyatsokoshesa.

Vamwe vanganzwawo saizvozvo panyaya yemunyengetero. Pane kuti vataure naMwari uyo angaita seakakwirira zvikuru kwavari uye anoshamisa, vanonzwa vakasununguka kutaura nemumwe wevasande. Vanofunga kuti sezvo vasande vakasangana nemiedzo uye matambudziko anosangana nevakawanda, ndivo vangatogona kunyatsovanzwisisa. Somuenzaniso, kana vanhu vakarasa chimwe chinhu chinokosha zvikuru kwavari, vangasarudza kutaura na“Musande” Anthony wokuPadua—mubatsiri pazvinhu zvakarasika kana kuti zvakabiwa. Kana vachinyengeterera mhuka inenge ichirwara, vangasarudza kutaura na“Musande” Francis wokuAssisi kana kuti na“Musande” Jude Thaddeus kana vapererwa zvokusaziva zvokuita.

Saka, tingava sei nechokwadi kana kunyengetera kuva vasande iri nzira inobvumirwa neMagwaro? Sezvo munyengetero iri nzira yokutaura zviri pamwoyo pedu kuna Mwari, tingada kuziva kuti: Mwari anonzwa minyengetero yedu here? Hatifaniriwo here kuzvibvunza kuti: Mwari anonzwa sei patinonyengetera kuvasande?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI NEZVOKUNYENGETERA KUVASANDE

Tsika yokunyengetera kuvasande yakabva padzidziso yokuti vasande ndivo vanofanira kureverera vanhu iyo inodzidziswa neChechi yeRoma. Sezvinotaurwa neNew Catholic Encyclopedia, vanenge vachireva kuti “unofanira kuteterera kuna Mwari kuti unzwirwe nyasha asi uchiita izvi kuburikidza nomusande.” Saka munhu anonyengetera kuvasande anenge aine chivimbo chokuti achakomborerwa naMwari sezvo vasande vachifarirwa naMwari.

Bhaibheri rine dzidziso yakadaro here? Vamwe vanoti zvakanyorwa nomuapostora Pauro zvinoratidza kuti tinogona kunyengetera kuvasande. Somuenzaniso, achinyorera kuvaKristu vokuRoma, akati: “Zvino ndinokurayirai, hama, nokunaShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwomudzimu, kuti muzvishandise nesimba pamwe chete neni pakunyengetera kuna Mwari nokuda kwangu.” (VaRoma 15:30) Pauro aikumbira hama dzake kuti dzimureverere kuna Mwari here? Kwete. Dai chiri chokwadi kuti vanhu vanoda kurevererwa nemumwe munhu, ivo ndivo vaitofanira kukumbira Pauro, muapostora waKristu, kuti avareverere. Saka Pauro airatidza kuti zvakakodzera kuti tikumbire hama yedu yechiKristu kuti itinyengetererewo kuna Mwari. Asi izvi zvakasiyana zvikuru nokunyengetera kune mumwe munhu anodavirwa kuti ari kudenga kuti atisvitsire zvatinokumbira kuna Mwari. Nei zvakadaro?

 MuEvhangeri yomuapostora Johani, Jesu akati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.” (Johani 14:6) Anotiwo: “Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.” (Johani 15:16, The New Jerusalem Bible) Jesu haana kuti tinofanira kunyengetera kwaari kuti iye azotaura naMwari achitimiririra. Asi, kuti minyengetero yedu inzwiwe, tinofanira kunyengetera kuna Mwari kuburikidza naJesu chete kwete mumwe munhu.

Vadzidzi vaJesu pavakakumbira kuti avadzidzise kunyengetera, Jesu akapindura kuti: “Pose pamunonyengetera, itii, ‘Baba, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Ruka 11:2) Hongu, “pose,” kana kuti nguva dzose dzatinonyengetera, hatifaniri kunyengetera kuna Jesu kana kuti ani zvake asi kuna Mwari. Tichifunga nezvedzidziso yaJesu iyi inonzwisisika, hazvina musoro here kuti tinofanira kunyengetera kuna Mwari kuburikidza naJesu Kristu kwete varevereri kana kuti “vasande”?

Munyengetero unokosha chaizvo pakunamata kwedu, uye kunamata mumwe munhu kunze kwaMwari hakuwirirani nezvinodzidziswa neBhaibheri. (Johani 4:23, 24; Zvakazarurwa 19:9, 10) Ndokusaka tichifanira kunyengetera kuna Mwari chete.

UNOFANIRA KUTYA KUTAURA NAMWARI HERE?

Mumharidzo yake yepaGomo, Jesu akapa muenzaniso wemwana anokumbira baba vake kuti vamupe chokudya. Baba vacho vaizopa mwana wavo dombo here panzvimbo pechingwa? Kana kuti vaizomupa nyoka ine uturu here panzvimbo pehove? (Mateu 7:9, 10) Zvaisazova nomusoro kuti mubereki ane rudo aite chinhu chakadaro!

Sababa vane rudo vane mwana wavo, Mwari anoda kuti titaure naye

Funga nezvomuenzaniso wakafanana asi uchizviisa munzvimbo yomubereki. Ngatitii mwana wako ari kuda kukukumbira chimwe chinhu. Une ukama hwakanaka naye uye wagara uri munhu anotaurika naye. Kunyange zvakadaro, anotya kutaura newe, uye anotuma mumwe munhu kuti amukumbirire zvaari kuda kwauri. Waizonzwa sei? Ko kana akagara achingoita saizvozvo uye achiratidza kuti haasi kuzochinja? Waizofara here nemaitiro akadaro? Ichokwadi kuti waisazofara! Vabereki vane rudo vanoda kuti vana vavo vataure navo vasingatumi mumwe munhu uye vanoda kuti vanzwe vakasununguka kukumbira chero chavanoda.

Achitsanangura kuti muenzaniso wake wemwana ari kukumbira chokudya unoshanda sei, Jesu akati kuboka raivapo: “Naizvozvo, kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapa zvikuru sei zvinhu zvakanaka kune vaya vanovakumbira!” (Mateu 7:11) Hapana mubvunzo kuti, chido chokuti mubereki ape mwana wake zvinhu zvakanaka chakakura chaizvo. Chido chaBaba vedu vokudenga chokuteerera uye kupindura minyengetero yedu chakatonyanya kukura.

Mwari anoda kuti titaure naye zvakananga mumunyengetero kunyange patinenge takaora mwoyo pamusana pezvatinokanganisa. Haapi vamwe basa rokuteerera minyengetero yedu. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, Iye achakutsigira.” (Pisarema 55:22) Pane kuti tivimbe nokurevererwa nevasande kana kuti nemumwe munhu, tinofanira kuita kuti tive neukama hwepedyo naJehovha Mwari.

Baba vedu vokudenga vane hanya nesu semunhu mumwe nomumwe. Vanoda kutibatsira pamatambudziko edu uye vanotikoka kuti tiswedere pedyo navo. (Jakobho 4:8) Tinofara chaizvo kuti tine mukana wokutaura naMwari uye Baba vedu avo vari “Munzwi womunyengetero”!—Pisarema 65:2.