Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Ari Kukonzera Kutambura?

Ndiani Ari Kukonzera Kutambura?

Kana Mwari asiriye ari kukonzera kutambura, ndiani ari kukonzera nzara, urombo, hondo, zvirwere uye njodzi? Shoko raMwari Bhaibheri rinotiudza zvinhu zvitatu zviri kuita kuti vanhu vatambure:

  1. Kusafunga Vamwe, Makaro, Uye Kuvengana. “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Muparidzi 8:9) Vanhu vanowanzotambura nemhaka yekuti vanoitirwa utsinye nevanhu vasingafungi vamwe kana kuti vane utsinye.

  2. Zviitiko Zvisingafanooneki. Vanhu vanowanzotamburawo nekuti “vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Izvi zvinoreva njodzi dzinongoerekana dzaitika vanhu vasingafungiri, kana kuti dzinokonzerwa nekuita zvinhu vasina kungwarira.

  3. Mutongi Wenyika Ino Akaipa. Bhaibheri rinotaura chinonyanya kuita kuti vanhu vatambure. Rinoti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) “Akaipa” iyeye ndiSatani Dhiyabhorosi, uyo aimbova ngirozi yaMwari asi “haana kumira zvakasimba muchokwadi.” (Johani 8:44) Dzimwewo ngirozi dzakapandukira Mwari dzichibva dzabatana naSatani, uye ndidzo dzinonzi madhimoni. (Genesisi 6:1-5) Kubva pakapanduka Satani nemadhimoni ake, vari kutonga nyika ino zvine utsinye. Izvi zviri kunyatsooneka panguva yatiri kurarama. Iye zvino, Dhiyabhorosi akatsamwa kwazvo uye “ari kutsausa nyika yose,” izvo zvaita kuti ive ‘nenhamo.’ (Zvakazarurwa 12:9, 12) Zvechokwadi, Satani mutongi ane utsinye. Anonakidzwa nekuona vanhu vachitambura. Ndiye ari kuita kuti vanhu vatambure, kwete Mwari.

FUNGA IZVI: Munhu ane mwoyo wakaipa uye ane utsinye ndiye anokonzera kuti vanhu vasina mhosva vatambure. Bhaibheri rinoti: “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Saka “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!”​—Jobho 34:10.

Asi pamwe unogona kuva nemubvunzo wekuti, ‘Kusvika riini Mwari Wemasimbaose achibvumira Satani kuti arambe achitonga zvine utsinye kudaro?’ Sezvataona, Mwari anovenga zvinhu zvakaipa uye kutambura kwatinoita kunotomurwadza chaizvo. Uyezve, Shoko rake rinotikurudzira kuti, ‘Kandai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.’ (1 Petro 5:7) Mwari anotida uye ane simba, rekubvisa kutambura uye udzvanyiriri, sezvichatsanangurwa nenyaya inotevera. *

^ Kuti unzwe zvakawanda nezvekuti nei kuine kutambura, verenga chidzidzo 26 chebhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye unogona kuridhaunirodha pawebsite yedu inonzi www.isa4310.com.