Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mwari Aiva Kupi?”

“Mwari Aiva Kupi?”

“NDINORAMBA NDICHINGOZVIBVUNZA KUTI: MWARI AIVA KUPI?”​—Mashoko akataurwa naPope Benedict XVI, paakashanyira waimbova musasa wevasungwa muAuschwitz, kuPoland.

PANOITIKA NJODZI, UNOMBONETSEKA HERE KUTI, ‘MWARI AIVA KUPI?’ KANA KUTI PANE DAMBUDZIKO RAWAKAMBOSANGANA NARO RAKAITA KUTI UNETSEKE KUTI MWARI ANE HANYA NEWE HERE?

Zvimwe unonzwa sezvakaitawo Sheila, uyo anogara kuUnited States. Akakurira mumhuri yaikoshesa zvekunamata, uye anoti: “Pandaiva mudiki, ndaibvuma kuti Mwari ariko nekuti ndiye Musiki wedu. Asi handina kumbobvira ndanzwa ndiri pedyo naye. Ndainzwa sekuti akanga asina hanya neni, asiwo ndaisaona seaindivenga.” Chii chakaita kuti Sheila ave nemafungiro aya? Anoti: “Mumhuri yedu takasangana nematambudziko akatevedzana uye zvaiita sekuti Mwari akanga asiri kutombotibatsira.”

Zvimwe unobvumawo kuti Mwari Wemasimbaose ariko. Asi unogona kunge uchinetseka kuti Mwari ane hanya newe zvechokwadi here. Mumwe murume ainzi Jobho, aibvuma kuti Musiki ane simba uye akachenjera. Asi akambonetsekawo kuti Mwari aiva nehanya naye here. (Jobho 2:3; 9:4) Paakanga amomoterwa nematambudziko, akasvika pakubvunza Mwari kuti: “Munovanzirei chiso chenyu, mondiona somuvengi wenyu?”​—Jobho 13:24.

Bhaibheri rinoti kudii? Tinofanira kupomera Mwari mhosva here panoitika njodzi? Pane chinoratidza kuti Mwari ane hanya nevanhu vese uye anotida semunhu mumwe nemumwe here? Munhu angasvika here pakuva nechokwadi chekuti Mwari anotikoshesa, anotinzwisisa, anotinzwira tsitsi uye anotibatsira patinosangana nematambudziko?

Munyaya dzinotevera, tichaongorora kuti zvinhu zvakasikwa zvinoratidza sei kuti Mwari ane hanya nesu. (VaRoma 1:20) Kana tapedza, tichaongororawo zvinotaurwa neBhaibheri. Kuwedzera ‘kumuziva’ kwauchaita nekuongorora zvinhu zvaakasika uye Shoko rake kuchaita kuti uwedzere kuva nechokwadi chekuti ‘ane hanya newe.’​—1 Johani 2:3; 1 Petro 5:7.