Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuremekedzana kwakafanana nedhaka rekuvakisa pakuti kunosimbisa wanano yenyu

VAKAROORANA

3: Kuremekedzana

3: Kuremekedzana

ZVINOREVEI?

Murume nemudzimai vanoremekedzana vanoramba vachidanana kunyange paine chinhu chavasiri kuwirirana. “Havasi vanachandagwinyira,” rinodaro bhuku rinonzi Ten Lessons to Transform Your Marriage. “Vanoramba vachikurukurirana kunyange kana paine chavasiri kuwirirana. Vanoteererana kana mumwe achitaura uye mumwe nemumwe anoedza kuchinja zvaanga achida oita zvinodiwawo nemumwe wake.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.”​—1 VaKorinde 13:4, 5.

“Mudzimai wangu ndinomukoshesa uye handidi kuita chinhu chingamurwadzisa kana kuti chingaparadza imba yedu.”​—Micah.

NEI ZVICHIKOSHA?

Kana pasina kuremekedzana, murume nemudzimai vanopedzisira vava kushorana, kutsvinyirana kana kuudzana magara mwoyo. Vaongorori vanoti zvinhu izvi imviro-mviro dzekurambana.

“Kunyomba, kutsvinyira kana kuwanzira mudzimai wako kunoita kuti azvitarisire pasi, asakuvimba uye zvinoparadza wanano yenyu.”​—Brian.

ZVAUNGAITA

ZVIONGORORE

Ongorora matauriro nemaitiro ako kwevhiki, wozozvibvunza kuti:

  • ‘Kangani pandakashora mumwe wangu, uye kangani pandakamurumbidza?’

  • ‘Ndezvipi zvandakaita zvinoratidza kuti ndinoremekedza mudzimai wangu?’

KURUKURA NEMUMWE WAKO

  • Zvii zvaunoda kuti mumwe wako akuitire kana kuti ataure kuratidza kuti anokuremekedza?

  • Zvii zvaanoita kana kuti zvaanotaura zvinoita kuti unzwe sekuti haakuremekedzi?

MAZANO

  • Nyora zvinhu zvitatu zvaunoda kuitirwa zvinoratidza kuti mumwe wako anokuremekedza. Mumwe wako ngaanyorewo zvake zvaanoda kuitirwa. Chinjanai zvamanyora uye mumwe nemumwe ngaaedze kuita zvanyorwa nemumwe.

  • Nyora zvinhu zvaunoyemura pane mumwe wako. Chimuudza kuti nei uchiyemura zvinhu izvozvo.

“Ndinoita zvinhu zvinoratidza kuti ndinokoshesa murume wangu uye ndinoda kuti agare achifara. Hazvisi zvinhu zvihombe chete zvinoratidza kuti ndinomuremekedza, kunyange kumuitirawo zvinhu zvidiki kunoratidza kuti ndinomuremekedza.”​—Megan.

Asi chinokosha haisi nyaya yekuti unofunga kuti unoremekedza mumwe wako. Nyaya iri pakuti iye wacho anonzwa kuti unomuremekedza here.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.”​—VaKorose 3:12.