Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VAKAROORANA

Zvaungaita Kuti Uremekedze Mumwe Wako

Zvaungaita Kuti Uremekedze Mumwe Wako

DAMBUDZIKO

Murume anoti: “Patakaroorana nemudzimai wangu, ndakaona kuti maonero ataiita nyaya yekuremekedzana ainge akasiyana. Handirevi hangu kuti zvandaiita kana kuti zvaaiita zvainge zvakaipa. Kungoti ndaiona sekuti aifanira kuti wedzerei kundiremekedza pamatauriro aaiita neni.”

Mudzimai anoti: “Patsika dzedu hapana chakaipa nekutaura uchishandisa chiso, inzwi riri pamusoro, kana kudimbudzira mumwe paanenge achitaura. Asi murume wangu akakurira mumhuri isingaiti zvakadaro.”

Murume nemudzimai vanofanira kugara vachiremekedzana. Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unoremekedza mumwe wako?

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Varume vagara vanoda zvekuremekedzwa. Bhaibheri rinoudza varume kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita.” Asi rinobva razowedzera kuti: “Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33) Varume nemadzimai vanoda kudiwa uye kuremekedzwa, asi chinonyanya kudiwa nevarume kuremekedzwa. Mumwe murume anonzi Carlos * anoti, “Varume vanoda kuti madzimai aone kuti vanogona kugadzirisa dambudziko rinenge ramuka uye kuchengeta mhuri.” Kana mudzimai akaziva izvi, obva aremekedza murume wake, hazvingobatsiri murume wake chete asiwo naiye. Mumwe mudzimai anonzi Corrine anoti, “Murume wangu anowedzera kundiratidza rudo paanoona kuti ndiri kumuremekedza.”

Kunyange madzimai anodawo kuremekedzwa. Ichi ichokwadi nekuti hazviiti kuti murume ati anoda mudzimai wake kana asingamuremekedzi. Daniel anoti, “Ndinofanira kuremekedza zvinotaurwawo nemudzimai wangu. Kana ndikatadza kunzwisisa maonero aanoita zvimwe zvinhu handibvi ndafunga kuti hazvina basa.”

Ita zvinodiwa nemumwe wako. Unogona kufunga kuti uri kuremekedza mumwe wako, asi pane nyaya ndepekuti iye wacho ari kuzviona here kuti unomuremekedza. Mudzimai ataurwa pachikamu chakanzi “Dambudziko” akazoona kuti izvi ndizvo zvinokosha. Akati: “Kana murume wangu akaona sekuti handina kumuremekedza, asi ini ndichiona sekuti handina chandakanganisa, ndinobva ndatoona kuti ndini ndinotofanira kuchinja maonero angu.”

ZVAUNGAITA

  • Nyora zvinhu 3 zvaunoyemura pamurume wako kana kuti mudzimai wako. Zvinhu izvozvo zvichakubatsira kuti uwane pekutangira kuti uzomuremekedza.

  • Kwevhiki chimbozviongorora pazvinhu zvinotevera kwete kutarisa zviri kuitwa nemumwe wako.

Zvaunotaura. Imwe ongororo yakaitwa pavanhu vakaroorana yakati ‘varume nemadzimai vaiva nedzimba dzinofara ndevaya vaiti kana vasiri kuwirirana, vaikurukura vachitarisa zvakanaka zvinoitwa nemumwe. Asi vaya vainge vava pedyo nekurambana vaigona kutoshaya kana chimwe chete chavaiyemura pane mumwe wavo.’ *Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 12:18.

Zvibvunze kuti: ‘Ndinoremekedza mumwe wangu here pandinotaura naye? Ndinomurumbidza here kana kuti ndinogara ndichingomushora? Kana pane chisina kundifadza ndinotaura nenzwi rakaita sei?’ Mumwe wako anobvumirana here nemhinduro dzako?Zvinotaurwa neBhaibheri: VaKorose 3:13.

Edza izvi: Pazuva, edza kurumbidza mumwe wako chero kamwe chete hako. Zvaungaita: Tarisa pazvinhu 3 zviya zvawanyora. Gara uchiudza mumwe wako zvaunoyemura paari.Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 VaKorinde 8:1.

Zvaunoita. Mumwe mudzimai anonzi Alicia anoti: “Ndinoswera ndichiita mabasa epamba uye kana murume wangu akarongedza zvinhu zvake kana kusukawo ndiro, ndinonzwa sekuti anenge achiratidzawo kuti mabasa andinoitawo akakosha uye kuti anondida.”

Zvibvunze kuti: ‘Mabatiro andinoita mumwe wangu anoratidza here kuti ndinomuremekedza? Ndinowana nguva yakakwana here yekumbovawo naye? Pandinenge ndinaye ndinorega kumbofunga zvimwe zvinhu here?’ Mumwe wako anobvumirana here nemhinduro dzako?

Edza izvi: Nyora zvinhu 3 zvaunoda kuti mumwe wako aite kuratidza kuti anokuremekedza. Mumwe wako ngaanyorewo zvake. Chichinjanai zvamanyora uye moedza kuita zvataurwa nemumwe. Kana iwe ukatanga kumuremekedza, zvichamuitirawo nyore kuti akuremekedze.

^ ndima 8 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

^ ndima 14 Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi Ten Lessons to Transform Your Marriage.