Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muri kugadzirira vana venyu nzira yakaita sei?

VABEREKI

8: Zvamunoita

8: Zvamunoita

ZVINOREVEI?

Vabereki vanofanira kuita zvavanodzidzisa vana vavo. Semuenzaniso, kana munhu akauya pamba uye mwana wenyu okunzwai muchitaurirana kuti, “Muudze kuti handipo pamba,” hamungazotarisiri kuti iye ataure chokwadi.

“Vanhu vanowanzoti ‘Ita zvandinotaura, kwete zvandinoita.’ Asi izvozvo hazvishandi kuvana. Vakaita sechipanji pakuti vanoita zvese zvatinotaura nezvatinoita, uye vanotiudza kana tisingaiti zvatinovadzidzisa.”​—David.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ haubi here?”​—VaRoma 2:21.

NEI ZVICHIKOSHA?

Vana vanonyanya kutevedzera zvavanoona zvichiitwa nevabereki vavo. Izvi zvinoreva kuti ndimi munotofanira kubatsira vana venyu kuti vaite zvinhu zvakanaka, ndokunge muchiitawo zvamunovadzidzisa.

“Tinogona kuramba tichiudza mwana chinhu chimwe chete tichishaya kuti ari kuteerera here, asi patinozongotadza kuita chinhu ichocho, anozvitaura. Vana vanotarisa zvese zvatinoita, kunyange patinenge tichifunga kuti havasi kuzviona.”​—Nicole.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hahunyengeri.”​—Jakobho 3:17.

ZVAMUNGAITA

Ongororai maitiro enyu. Munofarira kuona zvinhu zvakaita sei paTV? Munogarisana zvakanaka here newamakaroorana naye uye nevana venyu? Munoshamwaridzana nevanhu vakaita sei? Munoitirawo vamwe hanya here? Nemamwe mashoko, munoita zvamunoda kuti vana venyu vaite here?

“Ini nemurume wangu hatiudzi vana vedu kuti vaite zvinhu zvatisingaitiwo.”​—Christine.

Kumbirai ruregerero kana makanganisa. Vana venyu vanotoziva kuti munokanganisa. Kuudza wamakaroorana naye uye vana venyu kuti “ndine urombo” kuchaita kuti vadzidze kuva vanhu vakavimbika uye vanozvininipisa.

“Vana vedu ngavanzwewo tichibvuma kuti takanganisa uye tichikumbira ruregerero. Kana tikasadaro, havazobvumiwo pavanenge vakanganisa.”​—Robin.

“Vana vedu vanotevedzera zvatinoita nekuti ndizvo zvavanogara vachiona. Zvatinoita zvakafanana nebhuku ravanogara vakavhura vachiverenga.”​—Wendell.