Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mazano Anotibatsira Kuti Tiwirirane Nevamwe

Mazano Anotibatsira Kuti Tiwirirane Nevamwe

Musiki wedu anotiudza zvatinofanira kuita kuti tiwirirane nevanhu vatinogara navo, vatinoshanda navo, uyewo neshamwari dzedu. Imboona mamwe mazano aanotipa ayo ari kubatsira vanhu vakawanda.

Iva Munhu Anoregerera

“Rambai . . . muchiregererana nemwoyo wese kunyange kana paine ane chaakatadzirwa nemumwe.”—VAKOROSE 3:13.

Tese tinokanganisa. Tinogona kuita zvinhu zvinogumbura vamwe kana kuti vanogona kutigumburawo. Saka tinoda kuti vamwe vatiregerere uye tinodawo kuvaregerera. Kana tikaregerera mumwe munhu, tinenge tisisina chigumbu naye. ‘Hatidzoreri chakaipa nechakaipa,’ uye hatizorambi tichimuyeuchidza nezvezvinhu zvaakakanganisa. (VaRoma 12:17) Asi ko kana zvakaitika zvacho zvakatirwadza zvakanyanya uye tiri kuramba tichingozvifunga? Tinofanira kutaura nemunhu wacho nezvenyaya yacho tiri tega. Chinangwa chedu chinofanira kuva chekuita kuti tive nerugare nemunhu wacho kwete kuda kutsvaga kuti ndiani akakanganisa.—VaRoma 12:18.

Zvininipise Uye Remekedza Vamwe

“Zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri.”—VAFIRIPI 2:3.

Vanhu vanonakidzwa nekuva nesu kana tiri vanhu vanozvininipisa uye vanoremekedza vamwe. Vanoziva kuti tichavabata zvakanaka tichifungawo zvakavanakira uye kuti hatizombovarwadzisi nemaune. Asi kana tichizvionera pamusoro uye tichingoda kuti vamwe vaite zvatinoda isusu, zvinoita kuti pave nekusawirirana. Vanhu havazodi kuva pedyo nesu uyewo tinoshaya shamwari.

Usasarura

“Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—MABASA 10:34, 35.

Musiki wedu haaoni sekuti vamwe vanhu vari nani pane vamwe nemhaka yerudzi rwavo, mutauro wavo, upfumi hwavainahwo kana ruvara rweganda. “Akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete.” (Mabasa 17:26) Saka tese tiri hama nehama. Patinobata munhu wese zvakanaka uye zvine ruremekedzo, tichaita kuti vamwe vafare. Nesuwo tichafara uyewo tichafadza Musiki wedu.

Iva Munhu Munyoro

“Pfekai. . . unyoro.”—VAKOROSE 3:12.

Kana tiri vanhu vanyoro, vamwe vanonzwa vakasununguka kana vainesu. Havatyi kutaura nesu kana kutigadzirisa patinokanganisa nekuti vanenge vachiziva kuti hatizovapopoteri. Kana mumwe munhu akatigumbukira uye topindura zvinyoronyoro, munhu wacho anogona kutobva adzikama. Zvirevo 15:1 inoti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.”

Iva Nerupo Uye Tenda Zvaunoitirwa

“Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—MABASA 20:35.

Mazuva ano, vakawanda vane makaro uye vanongofunga zvakavanakira. Asi vanhu vane rupo ndivo vanonyatsofara. (Ruka 6:38) Vanhu vasinganyimi vanofara nekuti vanoda vanhu kupfuura zvinhu. Rudo irworwo runoitawo kuti vatende zvavanoitirwa nevamwe. (VaKorose 3:15) Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kushamwaridzana nevanhu vakaita sei, vakaomera here uye vasingatendi kana kuti vane rupo uye vanotenda zvavanoitirwa nevamwe?’ Tinodzidzei apa? Zvaunoda kuti vamwe vakuitire, iwe vaitirewo saizvozvo.—Mateu 7:12.