Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza Rudo

Ratidza Rudo

Dambudziko

Zvinotora nguva kuti munhu abvise rusarura. Sezvinongoita munhu anenge aine chirwere, zvinotora nguva uye zvinoda kuti ashande nesimba kuti chirwere ichocho chipere. Zvii zvaungaita kuti ubvise rusarura mumwoyo mako?

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Pfekai rudo, nekuti irwo chisungo chakakwana chekubatana.”—VAKOROSE 3:14.

Zvinorevei? Kuitira vamwe vanhu zvakanaka kunoita kuti vanhu vabatane. Paunowedzera kuratidza vamwe rudo, pfungwa yerusarura inotanga kupera zvishoma nezvishoma.

Zvaunogona Kuita

Funga zvaunogona kuita kuti uratidze rudo kuvanhu vaunotarisira pasi. Hazvifaniri hazvo kuva zvinhu zvakakura. Edza kuita chimwe chezvinotevera:

Paunoramba uchivaratidza rudo, kapfungwa kerusarura kanotanga kupera

  • Ratidza kuti une tsika dzakanaka kuvanhu ivavo nekuvavhurira dhoo kana kuvapa pekugara mukombi kana mubhazi.

  • Edza kutaura navo kunyange zvazvo vasingakwanisi kunyatsotaura mutauro wako.

  • Iva nemwoyo murefu kana vakaita zvinhu zvausinganzwisisi.

  • Vanzwire tsitsi pavanenge vachitaura nezvematambudziko avo.