Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 2

Ivai Vakavimbika Kune Mumwe Nemumwe

Ivai Vakavimbika Kune Mumwe Nemumwe

“Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”Mako 10:9

Jehovha anoda kuti tikoshese kuvimbika. (Pisarema 18:25) Izvi zvinonyanya kukosha muwanano yenyu nokuti pasina kuvimbika, hapana kuvimbana. Uye kuvimbana kunokosha pakuita kuti rudo ruwedzere.

Mazuva ano, pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti vanhu vatadze kuvimbika muwanano. Kuti uchengetedze wanano yenyu, pane zvinhu zviviri zvaunofanira kutsunga kuita.

1 KOSHESA WANANO YENYU ZVIKURU

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Muve nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaFiripi 1:10) Wanano yenyu ndechimwe chezvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu hwako. Inofanira kukosheswa zvikuru.

Jehovha anoda kuti ufunge nezvemumwe wako uye anoda kuti ‘mufadzwe noupenyu’ pamwe chete. (Muparidzi 9:9) Anojekesa kuti haufaniri kumboregeredza mumwe wako, asi mose munofanira kutsvaka nzira dzekuita kuti mufadzane. (1 VaKorinde 10:24) Ita kuti mumwe wako anzwe achikosheswa.

ZVAUNGAITA:

  • Iva nechokwadi chokuti munogara muchiva nenguva yekuva pamwe chete, nguva yekufunga nezvemumwe wako chete

  • Funga uchiti “isu” pane kuti “ini”

2 CHENGETEDZA MWOYO WAKO

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28) Kana munhu akaramba achifunga zvinhu zveunzenza, ikoko kunenge kuri kusatendeseka kune mumwe wake.

Jehovha anoti unofanira ku“chengetedza mwoyo wako.” (Zvirevo 4:23; Jeremiya 17:9) Kuti udaro, unofanira kuchengetedza maziso ako. (Mateu 5:29, 30) Tevedzera muenzaniso waJobho, uyo akaita sungano nemaziso ake kuti asambotarisa mumwe mukadzi achimuchiva. (Jobho 31:1) Ita chitsidzo chokuti usatomboona zvinonyadzisira. Uye tsunga kudzivisa kutorwa mwoyo nemumwe munhu asiri wawakaroorana naye.

ZVAUNGAITA:

  • Ita kuti zvive pachena kune vamwe kuti wakazvipira zvizere kune mumwe wako

  • Iva nehanya nemanzwiro emumwe wako, uye kurumidza kugura ushamwari chero hupi hungaita kuti mumwe wako asanzwa zvakanaka