Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?

Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mwari haasi iye anokonzera njodzi dzinongoitika dzega dziri kuitika mazuva ano, uye anotorwadziwa vanhu pavanowirwa nenjodzi idzodzo. Pazvinhu zvinokonzera kutambura kwevanhu zvichabviswa neUmambo hwaMwari, chimwe chacho injodzi dzinoitika dzega. Iye zvino, Mwari anonyaradza vanhu pavanowirwa nenjodzi dzinoitika dzega.—2 VaKorinde 1:3.

 Tinoziva sei kuti njodzi dzinongoitika dzega haisi shamhu yaMwari?

 Njodzi dzinongoitika dzega dzakasiyana nezvaiitwa naMwari paaiparadza vanhu achishandisa zvinhu zvakadai semvura, moto nezvimwewo.

  •   Njodzi dzinongoitika dzega dzinouraya nekuremadza chero munhu. Asi kana ari Mwari, Bhaibheri rinotiudza kuti akanga asingaparadzi munhu wese wese. Paakaparadza Sodhoma neGomora, akaponesa murume akanga akanaka ainzi Roti nevanasikana vake vaviri. (Genesisi 19:29, 30) Mwari akaona zvakanga zvakaita mwoyo yevanhu ivavo achibva aparadza vanhu vaaiona kuti vakanga vakaipa.—Genesisi 18:23-32; 1 Samueri 16:7.

  •   Kakawanda kacho njodzi dziri kuitika mazuva ano dzinongoerekana dzaitika. Asi kana ari Mwari, aitanga ayambira vanhu vakaipa asati avaparadza. Kana vanhu vacho vaizomuteerera aibva aita kuti vasaparadzwa.—Genesisi 7:1-5; Mateu 24:38, 39.

  •   Vanhu vane zvavari kuitawo pakukonzera njodzi dzinongoitika dzega. Sei? Nekuparadza kwavari kuita nharaunda uye kuvaka munzvimbo dzinoitika kudengenyeka kwenyika, mafashamo, uye munzvimbo dzine mamiriro ekunze akaipa. (Zvakazarurwa 11:18) Mwari haanganzi ane mhosva pakadaro.—Zvirevo 19:3.

 Njodzi dzinongoitika dzega dzinoratidza kuti tava mumazuva ekupedzisira here?

 Ehe, uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti kuchava nenjodzi dzichaitika panguva yekuguma kwenyika kana kuti “mumazuva okupedzisira.” (Mateu 24:3; 2 Timoti 3:1) Jesu paaitaura nezvenguva yatiri kurarama akati: “Kuchava nokushomeka kwezvokudya nokudengenyeka kwenyika munzvimbo nenzvimbo.” (Mateu 24:7) Kwasara nguva pfupi kuti Mwari abvise zvinhu zvese zvinokonzera kuti vanhu vatambure, kusanganisira njodzi dzinongoitika dzega.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

 Mwari anobatsira sei vanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega?

  •   Mwari anovanyaradza neShoko rake, Bhaibheri. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anotida uye kuti anorwadziwa patinotambura. (Isaya 63:9; 1 Petro 5:6, 7) Rinotiudzawo kuti achaita kuti njodzi idzi dzisazovapo zvekare.—Ona chikamu chakanzi “ Mavhesi anonyaradza vanhu vanenge vawirwa nenjodzi.”

  •   Mwari anovabatsira achishandisa vashumiri vake. Mwari anoshandisa vashumiri vake kuti vatevedzere zvaiitwa naJesu. Zvakaprofitwa kuti Jesu aizonyaradza “vakaora mwoyo” uye “vose vanochema.” (Isaya 61:1, 2) Vashumiri vaMwari vanoedzawo kuita izvozvo.—Johani 13:15.

     Mwari anoshandisawo vashumiri vake kuti vape ruyamuro kuvanhu vanenge vawirwa nenjodzi dzinongoita dzega.—Mabasa 11:28-30; VaGaratiya 6:10.

Zvapupu zvaJehovha zvichibatsira vanhu kuPuerto Rico pashure pekunge kwaitika dutu

  Bhaibheri rinogona kutibatsira here kugadzirira njodzi dzinongoitika dzega?

 Ehe. Kunyange zvazvo Bhaibheri risiri bhuku rinotiudza zvekuita kana pakaitika njodzi, rinewo mazano anogona kubatsira. Mamwe acho ndeaya:

  •   Gara wakagadzirira njodzi dzingangoitika. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Zvakanaka kuti tigare taronga zvatingazoita kana pakaitika njodzi. Izvi zvinosanganisira kuva nebhegi rine zvinhu zvekushandisa kana pakaitika njodzi uye kugara muchidzidzira semhuri kuti ndekupi kwamuchasangana kana pakaitika njodzi.

  •   Koshesa upenyu kupfuura zvinhu. Bhaibheri rinoti: “Hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho.” (1 Timoti 6:7, 8) Zviri nani kurasikirwa nezvinhu pane kuti tife. Upenyu hunokosha kupfuura zvinhu.—Mateu 6:25.