Enda pane zvauri kuda

Mwari Ane Mazita Mangani?

Mwari Ane Mazita Mangani?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mwari angori nezita rimwe chete. MuchiHebheru rinonyorwa kuti יהוה uye muchiShona rinonzi “Jehovha.” a Achishandisa muprofita wake Isaya, Mwari akati: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Zita iri rinowanika ka7 000 muzvinyorwa zveBhaibheri zvekare. Rinowanika kakawanda kupfuura mamwe mazita ese ekuremekedza aMwari uye kupfuura chero zita raani zvake anotaurwa muBhaibheri. b

Mwari ane mamwe mazita here?

 Kunyange zvazvo Bhaibheri richiti Mwari ane zita rimwe chete, rinoshandisawo mamwe mazita akawanda pakumuremekedza uye pakutsanangura zvaari. Mamwe emazita iwayo anotevera netsanangudzo zvinoratidza chimwe chinhu nezvaJehovha kana kuti zvaari.

Zita rekuremekedza

Parinowanika

Zvarinoreva

Allah

(Harisi muBhaibheri)

Zita rechiArabic rekuti “Allah” harisi zita chairo asi nderekuremekedza rinoreva kuti “Mwari.” Shanduro dzemaBhaibheri echiArabic neemimwewo mitauro dzinoshandisa “Allah” panzvimbo perekuti “Mwari.”

Wemasimbaose

Genesisi 17:1

Hapana ane simba rakaenzana nerake. Zita rechiHebheru rekuti ʼEl Shad·daiʹ, kureva kuti “Mwari Wemasimbaose,” rinowanika muBhaibheri ka7.

Arufa naOmega

Zvakazarurwa 1:8; 21:6; 22:13

“Wekutanga newekupedzisira,“ kana kuti “mavambo nemagumo,“ kureva kuti hapana kumbova nemumwe Mwari Wemasimbaose kunze kwaJehovha uye hakuzombovi nemumwe kunze kwake. (Isaya 43:10) Arufa ibhii rekutanga paarufabheti yechiGiriki uye Omega ibhii rekupedzisira.

Wemazuva Mazhinji

Dhanieri 7:9, 13, 22

Haana mavambo; akagara aripo pasati patombova naani zvake kana kuti chero chii zvacho.​—Pisarema 90:2.

Musiki

Isaya 40:28

Ndiye akaita kuti zvinhu zvese zvivepo.

Baba

Mateu 6:9

Ndiye anopa upenyu.

Mwari

Genesisi 1:1

Ane simba guru uye ndiye anofanira kunamatwa. Shoko rechiHebheru rekuti ʼElo·himʹ riri muuwandu, kuratidza ukuru hwaJehovha, chiremerera uye kunaka kwake.

Mwari wavanamwari

Dheuteronomi 10:17

Ndiye Mwari mukuru, akasiyana “navanamwari vasina zvavanobatsira” vanonamatwa nevamwe.​—Isaya 2:8.

Murayiridzi Mukuru

Isaya 30:20, 21

Anotidzidzisa kuti tibatsirwe uye anotitungamirira.​—Isaya 48:17, 18.

Muiti Mukuru

Pisarema 149:2

Ndiye akaita kuti zvinhu zvese zvivepo.​—Zvakazarurwa 4:11.

Mwari anofara

1 Timoti 1:11

Anogara achifara.​—Pisarema 104:31.

Munzwi wemunyengetero

Pisarema 65:2

Anonzwa munyengetero wemunhu mumwe nemumwe anonyengetera kwaari aine kutenda.

Ndiri Iye Wandiri

Eksodho 3:14, Bhaibheri Rine Apokirifa

Anova chero zvaanoda kuti azadzise chinangwa chake. Chirevo ichocho chinoshandurwawo kuti “Ndichava Wandichava” kana kuti “Ndichava Zvandinenge Ndasarudza.” (Bhaibheri Dzvene; Bhaibheri​—Shanduro yeNyika Itsva) Mashoko iwayo anotibatsira kuti tinzwisise zvinorehwa nezita raMwari rekuti Jehovha, rinozotaurwa muvhesi inotevera.​—Eksodho 3:15.

Godo

Joshua 24:19, Bhaibheri Dzvene

Anoda kunamatwa iye ega. Shoko iri rakashandurwawo kuti “anoda kuzvipira kwakazara.”Bhaibheri​—Shanduro yeNyika Itsva.

Mambo asingagumi

Zvakazarurwa 15:3

Kutonga kwake hakuna mavambo kana magumo.

Ishe

Pisarema 135:5

Muridzi kana kuti Tenzi; muchiHebheru ʼA·dhohnʹ kana kuti ʼAdho·nimʹ.

Tenzi wehondo

Isaya 1:9, Bhaibheri Rine Apokirifa

Mutungamiriri wemauto engirozi kana kuti “Jehovha wemauto.”​—VaRoma 9:29

Wekumusorosoro

Pisarema 47:2

Ane nzvimbo yepamusorosoro.

Mutsvenetsvene

Zvirevo 9:10

Mutsvene (akachena patsika) kupfuura chero munhu upi zvake.

Muumbi

Isaya 64:8

Ane simba pamusoro pemunhu mumwe nemumwe uye pemarudzi, sezvakangoita muumbi ane simba pamusoro peivhu raanoshandisa pakuumba.​—VaRoma 9:20, 21.

Mudzikinuri

Isaya 41:14

Anodzikinura kana kuti anotenga vanhu kubva muchivi nerufu achishandisa chibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu.​—Johani 3:16.

Dombo

Pisarema 18:2, 46

Ndiye nzvimbo yakachengeteka yekutizira uye ndiye muponesi.

Muponesi

Isaya 45:21

Anonunura kubva pazvinhu zvinokuvadza kana kuparadza.

Mufudzi

Pisarema 23:1

Ane hanya nevanamati vake.

Changamire Ishe

Genesisi 15:2

Ane simba guru; muchiHebheru ʼAdho·naiʹ.

Mukurusa

Dhanieri 7:18, 27

Changamire mukurusa

Mazita enzvimbo ari muMagwaro echiHebheru

MuBhaibheri mune mamwe mazita enzvimbo ane zita raMwari, asi hazvirevi kuti ndemamwe mazita aMwari.

Zita renzvimbo

Parinowanika

Zvarinoreva

Jehovha-jire

Genesisi 22:13, 14

“Jehovha achapa zvinenge zvichidiwa”

Jehovha-nisi

Eksodho 17:15

“Jehovha ndiye Mureza wangu.” Jehovha ndiMwari anodzivirira uye anobatsira vanhu vake.​—Eksodho 17:13-16.

Jehovha-sharomu

Vatongi 6:23, 24

“Jehovha Rugare.”

Nei tichifanira kuziva uye kushandisa zita raMwari?

  • Mwari anoona zita rake rekuti Jehovha serinokosha nekuti akaita kuti rinyorwe kane zviuru muBhaibheri.​—Maraki 1:11.

  • Mwanakomana waMwari Jesu, akasimbisa asimbisazve kukosha kwezita raMwari. Semuenzaniso, akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.”​—Mateu 6:9; Johani 17:6.

  • Vaya vanosvika pakuziva zita raMwari vorishandisa, vanenge vachitora matanho ekutanga pakuumba ushamwari naJehovha. (Pisarema 9:10; Maraki 3:16) Ushamwari ihwohwo hunoita kuti vabatsirwe nevimbiso iyi yaMwari yekuti: “Nekuti anondida, ndichamununura. Ndichamudzivirira nekuti anoziva zita rangu.“​—Pisarema 91:14.

  • Bhaibheri rinoti: “Variko vanonzi ‘vanamwari,’ kungava kudenga kana panyika, sezvo kuine ‘vanamwari’ vakawanda uye‘madzishe’ akawanda.” (1 VaKorinde 8:5, 6) Asi rinonyatsotaura nezvaMwari mumwe chete wechokwadi nezita rake rekuti Jehovha.​—Pisarema 83:18.

a Dzimwe nyanzvi dzechiHebheru dzinofarira kushevedza Mwari nezita rekuti “Yahweh”.

b Zita raMwari rakapfupikiswa kuti “Jah,” rinowanika kanenge ka50 muBhaibheri, kusanganisira kushandiswa kwarinoitwa mushoko rekuti “Hareruya,” izvo zvinoreva kuti “Rumbidzai Jah.”​—Zvakazarurwa 19:1; Bhaibheri Dzvene.