Enda pane zvauri kuda

Jesu ndiMwari Wemasimbaose Here?

Jesu ndiMwari Wemasimbaose Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Vaishora Jesu vaimupomera mhosva yokuti aizviti akaenzana naMwari. (Johani 5:​18; 10:​30-​33) Asi Jesu haana kumbobvira azviti akaenzana naMwari Wemasimbaose. Akati: “Baba vakuru kwandiri.”​—Johani 14:28.

 Vateveri vaJesu vepakutanga-tanga havana kumbobvira vaona Jesu semunhu akaenzana naMwari. Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyora kuti pashure pokunge Jesu amutswa, Mwari “akamukwidziridza [Jesu] kunzvimbo yepamusoro.” Zviri pachena kuti Pauro aibvuma kuti Jesu haasi Mwari Wemasimbaose. Dai aiva Mwari Wemasimbaose, Mwari aizokwidziridzwa sei Jesu pachinzvimbo chepamusorosoro?​—VaFiripi 2:9.