Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Johani 1:1—“Pakutanga Shoko Rakanga Riripo”

Johani 1:1—“Pakutanga Shoko Rakanga Riripo”

 “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riina Mwari, uye Shoko rakanga riri mwari.”—Johani 1:1, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari.”—Johani 1:1, Bhaibheri Dzvene muChishona Chanhasi.

Zvinorehwa naJohani 1:1

 Vhesi iyi inotaura nezveupenyu hwaJesu Kristu paakanga asati auya panyika. (Johani 1:14-17) Muvhesi 14 munoshandiswa zita rekuremekedza rekuti “Shoko” (kana kuti “Logos” uye muchiGiriki ndiho loʹgos). Zita rekuremekedza rekuti “Shoko” rinoratidza basa raJesu rekuudza vamwe zvaanenge atumwa naMwari. Jesu akaramba achizivisa shoko raMwari paaiita ushumiri hwake panyika uye paakazodzokera kudenga.—Johani 7:16; Zvakazarurwa 1:1.

 Mashoko ekuti “pakutanga” anoreva nguva yakatanga Mwari kusika zvinhu uye paakasika Shoko. Kubvira ipapo, Mwari akazoshandisa Shoko kusika zvimwe zvinhu zvese. (Johani 1:2, 3) Bhaibheri rinotaura kuti Jesu ndiye “dangwe rezvisikwa zvese” uye kuti “pachishandiswa iye zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa.”—VaKorose 1:15, 16.

 Mashoko ekuti “Shoko rakanga riri mwari” anotsanangura kuti Jesu asati auya panyika akanga aine simba uye aine humwe unhu hwakafanana nehwaMwari. Zvakakodzera kuti Bhaibheri ritaure nezvaJesu seizvi nekuti iye anoshanda seMutauriri waMwari uye seMwanakomana waMwari wedangwe akashandiswa kusika zvimwe zvinhu zvese.

Mashoko akapoteredza Johani 1:1

 Bhuku raJohani rinotaura nezveupenyu hwaJesu paaiva panyika uye ushumiri hwake. Mavhesi ekutanga emuchitsauko 1 anotaura nezveupenyu hwaJesu asati auya panyika, ukama hwepedyo hwaaiva nahwo naMwari, uye basa rinokosha raaiita semumiririri waMwari. (Johani 1:1-18) Mashoko iwayo anotibatsira kunzwisisa zvakazotaurwa uye zvakaitwa naJesu paaiita ushumiri hwake panyika.—Johani 3:16; 6:38; 12:49, 50; 14:28; 17:5.

Nhema Dzinotaurwa Nevanhu nezvaJohani 1:1

 Zvavanotaura: Vhesi iyi inodzidzisa kuti Shoko ndiye Mwari Wemasimbaose.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mashoko ekuti “Shoko rakanga riina Mwari” anoratidza kuti pane vanhu vaviri vari kutaurwa muvhesi iyi. Hazviiti kuti Shoko ringe “riina Mwari,” panguva imwe chete riri Mwari Wemasimbaose. Mamwe mavhesi ari mberi anoratidza kuti Shoko naMwari Wemasimbaose haasi munhu mumwe chete. Johani 1:18 inoti “hapana munhu akambobvira aona Mwari.” Asi vanhu vakaona Shoko, kureva Jesu, nekuti Johani 1:14 inoti “Shoko rakava nyama rikagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake.”

 Zvavanotaura: Shoko rakagara ririko.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Mashoko ekuti “pakutanga” muvhesi iyi haasi kureva ‘kutanga’ kwaMwari nekuti Mwari haana paanotangira. Jehovha a Mwari aripo “kubvira nariini kusvikira nariini.” (Pisarema 90:1, 2) Asi Shoko, kureva Jesu Kristu ane paakatangira. Ndiye “wekutanga pane zvakasikwa naMwari.”—Zvakazarurwa 3:14.

 Zvavanotaura: Kutaura kuti Shoko ‘ndimwari’ kunodzidzisa kuti tinofanira kunamata vanamwari vakawanda.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Shoko rechiGiriki rinoreva kuti “Mwari” (the·osʹ) rakafanana nemashoko echiHebheru ekuti ʼel uye kuti ʼelo·himʹ anonyanya kushandiswa muTestamende Yekare. Mashoko aya echiHebheru anofungidzirwa kuti anoreva kuti “Munhu Ane Simba” uye anoshandiswa pachitaurwa nezvaMwari wemasimbaose, vamwewo vanamwari, kunyange vanhu. (Pisarema 82:6; Johani 10:34) Shoko, kureva Jesu, ndiye akashandiswa naMwari kusika zvinhu zvese saka zvinoita kuti anzi munhu ane simba. (Johani 1:3) Kurondedzera Shoko ‘samwari’ kunowirirana neuprofita hwakataurwa pana Isaya 9:6 hwaitaura nezveakasarudzwa naMwari, Mesiya kana kuti Kristu, huchiti aizonzi “Mwari Ane Simba” (shoko racho rechiHebheru ndiʼEl Gib·bohrʹ), kwete kuti aizonzi “Mwari Wemasimbaose” (ʼEl Shad·daiʹ, sezviri pana Genesisi 17:1; 35:11; Eksodho 6:3; Ezekieri 10:5).

 Bhaibheri haridzidzisi kuti tinofanira kunamata vanaMwari vakawanda. Jesu Kristu akati: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Bhaibheri rinoti: “Nekuti kunyange variko vanonzi vanamwari, kungava kudenga kana panyika, sezvo kuine ‘vanamwari’ vakawanda uye ‘madzishe’ akawanda, kwatiri kunongova naMwari mumwe chete, ivo Baba, kunova ndiko kunobva zvinhu zvese, uye isu tiri vake; uye kuna Ishe mumwe chete, iye Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo naye, nesu tiripo naye.”—1 VaKorinde 8:5, 6.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.