Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Chivi Chisingaregererwi?

Chii Chinonzi Chivi Chisingaregererwi?

Mhinduro yeBhaibheri

 Chivi chisingaregererwi maitiro nemafungiro akashata anoita kuti munhu asambofa akaregererwa naMwari. Zvinombofamba sei kuti munhu azosvika pakuita zvakadaro?

 Kana munhu akapfidza zvivi zvake, oita zvinodiwa naMwari muupenyu hwake uye otenda muna Jesu Kristu, Mwari anomuregerera. (Mabasa 3:19, 20) Asi munhu anogona kunge anyura muchivi zvokuti haachafi akachinja maitiro ake kana kuti mafungiro. Bhaibheri rinoti munhu akadaro anenge ava ‘nemwoyo wakaipa unenge waomeswa nesimba rinonyengera rechivi.’ (VaHebheru 3:12, 13) Chidhinha chinenge chapiswa muhovhoni kana chikapwanywa, ivhu racho harizokwanisi kuumbazve chimwe chinhu. Ndizvo zvinoitikawo nemwoyo womunhu unenge waoma zvokuti hauchachinji. (Isaya 45:9) Panenge pasisinazve imwe nzira yokuti aregererwe nokuti rufu rwaJesu runenge rusingachashandi kumunhu akadaro, saka anenge ava kunzi aita chivi chisingaregererwi.​—VaHebheru 10:26, 27.

 Vamwe vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakararama panguva yaJesu vakaita chivi chisingaregererwi. Vaiziva kuti mudzimu mutsvene waMwari ndiwo waishandiswa naJesu kuita zvishamiso, asi vaitomuzvidza vachiti simba rake rinobva kuna Satani Dhiyabhorosi.​—Mako 3:22, 28-30.

Mienzaniso yezvivi zvinogona kuregererwa

  •  Kumhura usingazivi. Muapostora Pauro ndizvowo zvaaimboita asi paakazotendeuka akati: “Ndakanzwirwa ngoni, nokuti ndakanga ndisingazivi uye ndakazviita ndisina kutenda.”​—1 Timoti 1:13.

  •  Upombwe. Bhaibheri rinotaura kuti kune vamwe vakamboita upombwe asi vakazozvisiya uye Mwari akavakanganwira.​—1 VaKorinde 6:9-11.

“Chivi chandakaita chinogona kuregererwa here?”

 Kana uine chivi chawakaita asi uchizvidemba nezvazvo uye uchinyatsoda kuchinja, unenge usina kuita chivi chisingaregererwi. Zvinogona kungoendawo nepamwe woramba uchidzokorora chivi chawakamboita asi pasi pemwoyo wako uchida kuita zvakanaka pamberi paMwari, pakadaro Mwari anogona kukuregerera.​—Isaya 1:18.

 Vamwe vanhu vanonzwa sokuti vakaita chivi chisingaregererwi nemhaka yokuti hana yavo iri kuramba ichingovapa mhosva. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti mwoyo hausi wokuvimba nawo nguva dzose. (Jeremiya 17:9) Hapana munhu akapiwa simba naMwari rokutonga vamwe, kunyange isu pachedu hatifaniri kuzvitonga. (VaRoma 14:4, 12) Anogona kutiregerera kunyange mwoyo wedu paunenge uchitipa mhosva.​—1 Johani 3:19, 20.

Judhasi Iskarioti akaita chivi chisingaregererwi here?

 Ehe. Kukara kwake ndiko kwakaita kuti abe mari yezvipo yaishandiswa pamabasa okunamata. Akatombonyepedzera kunge aida kubatsira varombo nepo iye aitoitira kuti dai mari yakawanda yaiswa mubhokisi kuti azowana yokuvhomora. (Johani 12:4-8) Mwoyo waJudhasi wakanga waipa zvokuti akatozosvika pakutengesa Jesu nemasirivha 30. Jesu akazvioona kuti Judhasi akanga asingachakwanisi kupfidza zvichibva pamwoyo, saka akabva amuti “mwanakomana wokuparadzwa.” (Johani 17:12) Izvi zvinoreva kuti Judhasi paakazofa, pakanga pasisina tariro yokuti azomutswa pachamutswa vanhu vakafa.​—Mako 14:21.

 Judhasi haana kupfidza zvichibva pamwoyo. Panzvimbo pokuti areurure kuna Mwari akanoreurura kuvatungamiriri vechitendero vaakanga aronga navo kuurayisa Jesu.​—Mateu 27:3-5; 2 VaKorinde 7:10.