Enda pane zvauri kuda

Munoita Basa Roumishinari Here?

Munoita Basa Roumishinari Here?

 Hongu. Kwose kwatinogara, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuva nemafungiro akafanana neemamishinari, kuburikidza nokuudzawo vanhu vatinosangana navo Shoko raMwari.​—Mateu 28:19, 20.

 Uyewo zvimwe Zvapupu zvinoshanya kana kuti kutotamira kunzvimbo dzine vanhu vakawanda vanoda kunzwa mashoko akanaka omuBhaibheri. Zvimwe Zvapupu zvinotamira kune dzimwe nyika kuti zviwedzere basa razvo pakuparidza. Vanofara kuziva kuti vari kubatanidzwawo pakuzadzisa uprofita hwakataurwa naJesu hwokuti “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mabasa 1:8.

 Muna 1943, takatanga kuva nechikoro chinodzidzisa mamishinari edu kuti anyatsoita basa nomazvo. Kubvira gore iroro Zvapupu zvinopfuura 8 000 zvakapinda chikoro ichi chinonzi Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi.