Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Mamishinari Ari ‘Kusvika Kunzvimbo Dziri Kure Dzenyika’

Mamishinari Ari ‘Kusvika Kunzvimbo Dziri Kure Dzenyika’

1 JUNE 2021

 Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mabasa 1:8) Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zviri kushingaira kuita basa iroro. Asi dzimwe nzvimbo dzenyika kusanganisira nzvimbo dzakakura dzinogara vanhu vakawanda, hadzisati dzanyatsoparidzwa. Uye dzimwe nyika hadzina Zvapupu zvakawanda. (Mateu 9:37, 38) Zvii zvatiri kuita kuti tikwanise kuparidzira vanhu vakawanda?

 Komiti Yebasa yeDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha, iri kuteerera murayiro waJesu nekutumira mamishinari kundima dzinoda vaparidzi pasi rese. Pari zvino, pasi rese pane mamishinari ari mundima anosvika 3 090. a Vakawanda vavo vakadzidziswa kuchikoro cheBhaibheri chakadai seChikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo. Mamishinari anozvipira kusiya misha yavo achienda kune dzimwe nyika. Kukura mune zvekunamata kwakaita mamishinari aya akatendeka, kudzidziswa kwavakaitwa uye ruzivo rwavainarwo, zvinoita kuti vakwanise kubatsira pakuparidza mashoko akanaka uye vakwanise kubatsira vadzidzi vatsva.

Mamishinari anobatsira pakuparidza mashoko akanaka kunzvimbo dzisina Zvapupu zvakawanda

Kubatsira Mamishinari Kuti Akwanise Kubatsira Vamwe

 Pahofisi yebazi imwe neimwe, Hofisi Inoona Nezvevashumiri Vari Mundima yeDhipatimendi Rebasa inoshanda neDare reBazi kuti vaone kuti mamishinari awana zvaanoda zvakadai sepekugara, kurapwa uye mari shoma yekurarama nayo. Mugore rebasa ra2020, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa mari yekuAmerica inoda kusvika mamiriyoni 27 kuti zvichengete mamishinari. Kubatsira mamishinari nenzira iyi kunoita kuti akwanise kuisa pfungwa dzawo paushumiri uye pakusimbisa ungano dzaanenge ari.

Mamishinari anobatsira pakusimbisa ungano

 Mamishinari ari mundima ari kubatsira sei pabasa rekuparidza? Frank Madsen uyo anoshumira muDare reBazi rekuMalawi anoti: “Ushingi uye unyanzvi zvine mamishinari aya zviri kubatsira ungano kuti dzikwanise kuparidza mundima dzakaoma dzakadai senzvimbo dzinochengetedzwa uye nzvimbo dzinogara vanhu vanotaura mumwe mutauro. Uye kushanda nesimba kwavanoita kuti vadzidze mutauro uye tsika zvekwavanenge vava kugara zvinokurudzira vamwe uye vanobatsira vechidiki kuti vafarire basa renguva yakazara. Tinotenda Jehovha nekuita kuti pave nemamishinari ari mundima.”

 Imwe hama iri muDare reBazi rekune imwe nyika inoti: “Mamishinari anoratidza kuti vanhu vaJehovha vakabatana pasi rese. Kunyange vanhu vasiri Zvapupu vanogona kunyatsoona kuti hatiparadzaniswi nekusiyana kwetsika, asi kuti zvatinodzidza muBhaibheri zvinotibatsira kuti tive vanhu vakabatana.”

 Mamishinari ari mundima anobatsira sei vaparidzi vemuungano dzavanenge vari? Paulo uyo anogara kuTimor-Leste, anoonga chaizvo kuti vane mamishinari muungano yavo. Anoti: “Kwatinogara kunopisa chaizvo. Asi kunyange zvazvo mamishinari aya achibva kunzvimbo inotonhora, haatadziswi kuita basa rekuparidza nemamiriro ekunze ari kuno. Havarovhi musangano webasa mangwanani ega ega. Kakawanda kacho ndinovaona vachidzokera kunoona vanhu vanenge vafarira masikati pakunenge kuchipisa chaizvo uyewo manheru. Vakabatsira vanhu vakawanda kuti vadzidze chokwadi, kusanganisira ini. Vanoshandisa upenyu hwavo hwese kushumira Jehovha vachishingaira uye vachifara uye izvi zvinokurudzira ungano yese kuti iwedzere zvainoita pakushumira Jehovha.”

 Ketti uyo anoshanda sapiyona wenguva dzese kuMalawi anotsanangura kubatsirwa kwakaitwa mhuri yake nemurume nemudzimai vaishanda semamishinari. Anoti: “Pakauya murume nemudzimai vaiva mamishinari muungano yedu ndini ndega ndaiva Chapupu mumhuri medu. Asi mamishinari aya akandibatsira chaizvo uye akatanga kuwirirana nevanhu vemumhuri medu. Zvavaiita zvakaita kuti vana vangu vaone kuti kushumira Jehovha kunoita kuti munhu afare uye agutsikane muupenyu. Zvakaitwa nemamishinari aya zvakabatsira chaizvo, iye zvino vanasikana vangu vatatu vava kushanda semapiyona enguva dzese uye murume wangu ava kupinda misangano.”

 Mari inoshandiswa pakuchengeta mamishinari inobvepi? Inobva pamari yezvipo iri kupiwa kubasa remunyika yese. Yakawanda yacho inopiwa pachishandiswa nzira dziri pakanzi donate.isa4310.com. Tinokutendai chaizvo nezvipo zvamuri kupa.

a Mamishinari aya anoendeswa kuungano dzinodiwa vaparidzi. Kune mamwe mamishinari 1 001 ari kushanda sevatariri vematunhu