Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kumaka Paunenge Uchida Kuzodzoka (maBookmark)​—iOS

Kumaka Paunenge Uchida Kuzodzoka (maBookmark)​—iOS

Mabookmark epaJW Library anoita kuti uwane paunenge uchida kuzodzoka mune chero bhuku zvaro, sezvaunoita paunoisa katambo mubhuku kuti uzokurumidza kuwana peji yaunoda. Bhuku rose riri muJW Library rine mabookmark 10.

Ita zviri pasi apa kuti ushandise mabookmark

 Kuisa Bookmark

Unogona kuisa bookmark panyaya yauri kuverenga, chitsauko, ndima kana vhesi chaiyo.

Kuti uise bookmark paunenge uchida, baya kabhatani kane ribhoni panobva pabuda mabookmark ebhuku rauri kuverenga. Kuti uise bookmark pauri kuverenga, baya pakaribhoni kasina chinhu.

Kana uchida kuisa bookmark pandima kana kuti vhesi, baya mashoko acho, wobaya karibhoni aka kanenge kabuda.

 Kuenda paBookmark

Kana wava kuda kudzoka pabookmark rawakasevha, vhura bhuku racho rawakamaka, wobaya kabhatani kane ribhoni. Chibaya pauri kuda pacho.

 Kushandisa maBookmark

Kana waisa bookmark, unogona kuzoribvisa kana kuritsiva.

  • Kuti ubvise bookmark, baya pane karibhoni, wotsvaira bookmark racho, wobva wabaya delete.

  • Kana uchida kutsiva bookmark, baya ribhoni, wotsvaira bookmark racho, wobva wabaya Replace. Izvi zvinobva zvaita kuti bookmark iroro ritsiviwe nepauri. Izvi zvinogona kubatsira chaizvo kana uchida kuyeuka paunenge wakasiyira. Somuenzaniso, zvichakubatsira kuti uyeuke pawakasiyira pakuverenga Bhaibheri kwaunoita mazuva ose.

Izvi zvakatanga kushanda muna May 2014 paJW Library 1.2, inoshanda neiOS 6.0 zvichikwira. Kana usiri kuzviona, ona mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library​—iOS,” pasi pemusoro wakanzi Wana Zvitsva Zviripo.