Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kudhaunirodha uye Kushandisa maBhaibheri​—Android

Kudhaunirodha uye Kushandisa maBhaibheri​—Android

JW Library inobatsira chaizvo pakuverenga uye pakudzidza Bhaibheri.

Ita zvinotevera kuti udhaunirodhe kana kuti ushandise maBhaibheri:

 Dhaunirodha Bhaibheri

Unogona kudownlodha maBhaibheri wozomaverenga hako paunenge usiri paindaneti.

  • Tsvaira pascreen uchibva kuruboshwe, wobaya pakanzi Bible kuti uone mabhuku eBhaibheri.

  • Baya bhatani rinobudisa mitauro yakasiyana-siyana kuti uone maBhaibheri aripo. MaBhaibheri aunonyanya kushandisa ndiwo anenge ari nechepamusoro. Unogonawo kutsvaga Bhaibheri raunoda uchiita zvekunyora zita racho. Somuenzaniso, kana ukataipa “int” unowana reKingdom Interlinear muChirungu, ukataipa “port” unowana maBhaibheri ose echiPortuguese.

  • MaBhaibheri aunenge usati wadhaunirodha anenge aine kapikicha kegore. Baya Bhaibheri racho kuti uridhaunirodhe. Kana wangodhaunirodha Bhaibheri racho, kagore kaya kanobva kanyangarika. Baya zvekare Bhaibheri racho kuti uriverenge.

Kana ukashaya Bhaibheri raunenge uchida, unogona kuzoritsvaga pane imwe nguva. Mamwe maBhaibheri achazoita achiwedzerwa kana ava kuwanika.

 Kubvisa Rimwe Bhaibheri

Unogona kubvisa Bhaibheri kana usisaride, kana kuti zvimwe foni kana tablet yako inenge isisina nzvimbo.

Tsvaira screen uchibva kuruboshwe, wobaya pakanzi Bible, wosarudza mutauro waunoda pamaBhaibheri anenge abuda. Baya bhatani rinenge riine tumadot, wobva wabaya Delete.

 Wana zvakagadziridzwa paBhaibheri

Pano neapo, rimwe Bhaibheri raunaro rinogona kugadziridzwa.

Bhaibheri racho rakagadziridzwa rinenge riine tumaarrow. Paunoribaya, panobva pabuda mashoko anokuratidza kuti pane zvakagadziridzwa. Baya pakanzi Download kuti uwane rakagadziridzwa, kana kuti pakanzi Later kana uchida kuti Bhaibheri rako rirambe rakadaro.

Izvi zvakatanga kushanda muna February 2015 paJW Library 1.4, iyo inoshanda neAndroid 2.3 zvichikwira. Kana uchitadza kuona kushanda kunoita izvi, enda panyaya inoti “Tanga Kushandisa JW Library​—Android,” pasi pemusoro unoti Kuti Uwane Zvitsva Zviripo.