JW LANGUAGE
Zviri paJW Language
Ine Mitauro Yakawanda
Pamitauro 18 iripo, sarudza mutauro waunonzwisisa, wozosarudza waunoda kudzidzira. Sarudza pamitauro iyi inoti, Bengali, Chinese (Iri nyore kunzwisisa) ine mashoko echiMandarin akarekodhwa, English, French, German, Hindi, Indonesian, Italian, Japanese, Korean, Myanmar, Portuguese, Russian, Spanish, Swahili, Tagalog, Thai, neTurkish.
Mashoko Ekushandisa Muushumiri
Mashoko ari paJW Language ndeekushandisa muushumiri, pakudzidzisa, uye ndeemuBhaibheri. Maturakiti akati kuti aripowo, zvekuti unogona kumaonera padivi nepadivi uchitarisa rakanyorwa nemutauro waunonzwisisa uye remutauro wauri kudzidzira.
Nzira Dzakasiyana-siyana Dzekudzidza Nadzo
Verenga: Mashoko akanyorwa mumutauro waunonzwisisa ari padivi nepadivi neakanyorwa mumutauro wauri kudzidzira
Inzwa: Shoko rimwe nerimwe, chikamu chemashoko, uye mabhuku zvakarekodhwa zvichiverengwa nemuridzi wemutauro wacho
Ona: Mavhidhiyo akanzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? uye Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei? ari mumutauro waunonzwisisa uye wauri kudzidzira
Makadhi: Ekuti uone kana uchiri kuyeuka zvawakadzidza
Inoita Kuti Ukwanise Kuchengeta Zvinhu Zvaunofarira
Unogona kuchengeta chero mashoko aunogara uchishandisa kana kuti anokunetsa seZvinhu Zvaunofarira kuitira kuti uzokurumidza kuawana. Unogonawo kuita kuti Zvinhu Zvaunofarira zvibude zviri paMakadhi.
Mabhii Atakajaira
Pamitauro ine mashoko anonyorwa zvakasiyana nezvatakajaira, mashoko acho anobuda akanyorwawo nemabhii atakajaira.
Rubatsiro
Kana uine dambudziko neJW Language App, tapota nyora zviri kudiwa pafomu rekukumbira kubatsirwa repaIndaneti wobva waritumira.