Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LANGUAGE

Zviri paJW Language

Zviri paJW Language

Ine Mitauro Yakawanda

Pamitauro 18 iripo, sarudza mutauro waunonzwisisa, wozosarudza waunoda kudzidzira. Sarudza pamitauro iyi inoti, Bengali, Chinese (Iri nyore kunzwisisa) ine mashoko echiMandarin akarekodhwa, English, French, German, Hindi, Indonesian, Italian, Japanese, Korean, Myanmar, Portuguese, Russian, Spanish, Swahili, Tagalog, Thai, neTurkish.

 

Mashoko Ekushandisa Muushumiri

Mashoko ari paJW Language ndeekushandisa muushumiri, pakudzidzisa, uye ndeemuBhaibheri. Maturakiti akati kuti aripowo, zvekuti unogona kumaonera padivi nepadivi uchitarisa rakanyorwa nemutauro waunonzwisisa uye remutauro wauri kudzidzira.

 

Nzira Dzakasiyana-siyana Dzekudzidza Nadzo

  • Verenga: Mashoko akanyorwa mumutauro waunonzwisisa ari padivi nepadivi neakanyorwa mumutauro wauri kudzidzira

  • Inzwa: Shoko rimwe nerimwe, chikamu chemashoko, uye mabhuku zvakarekodhwa zvichiverengwa nemuridzi wemutauro wacho

  • Ona: Mavhidhiyo akanzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? uye Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei? ari mumutauro waunonzwisisa uye wauri kudzidzira

  • Makadhi: Ekuti uone kana uchiri kuyeuka zvawakadzidza

 

Inoita Kuti Ukwanise Kuchengeta Zvinhu Zvaunofarira

Unogona kuchengeta chero mashoko aunogara uchishandisa kana kuti anokunetsa seZvinhu Zvaunofarira kuitira kuti uzokurumidza kuawana. Unogonawo kuita kuti Zvinhu Zvaunofarira zvibude zviri paMakadhi.

 

Mabhii Atakajaira

Pamitauro ine mashoko anonyorwa zvakasiyana nezvatakajaira, mashoko acho anobuda akanyorwawo nemabhii atakajaira.

 

Rubatsiro

Kana uine dambudziko neJW Language App, tapota nyora zviri kudiwa pafomu rekukumbira kubatsirwa repaIndaneti wobva waritumira.