Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHANDISIRWO ARI KUITWA MARI YENYU YEZVIPO

Matsi Hadzina Kukanganwika

Matsi Hadzina Kukanganwika

1 JULY 2022

 Jehovha Mwari anoda kuti vanhu vese, pasinei nemamiriro avo ezvinhu, vadzidze nezvake uye nezveUmambo hwake hwekudenga. (1 Timoti 2:3, 4) Nekuda kwechikonzero ichocho, Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa maBhaibheri uye mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri zvichiitira kubatsira vanhu vakawanda, kusanganisira matsi. Sangano redu rakatobudisa zviuru zvemavhidhiyo emutauro wemasaini a mumitauro inopfuura 100! Mavhidhiyo acho anogadzirwa nekuparadzirwa sei? Uye ndezvipi zvavandudzika nekufamba kwanga kuchiita nguva?

Mavhidhiyo eMutauro Wemasaini Anogadzirwa Sei?

 Mavhidhiyo emasaini anogadzirwa nevashanduri vari munyika dzakawanda. Vashanduri vacho vanonyatsoongorora bhuku ravanenge vachida kushandura. Zvadaro, vanobva vasarudza nzira yakanakisisa yekubudisa nayo mashoko acho mumutauro wemasaini. Kana vapedza, vanobva varekodha vhidhiyo yebhuku racho. Pari zvino, pane mapoka 60 anogara achishandura mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri mumutauro wemasaini uye panewo mamwe 40 anoshandura pano neapo.

 Kare, zvaidhura chaizvo kugadzira mavhidhiyo emutauro wemasaini. Makamera nemimwe michina inoshandiswa zvaidhura chaizvo kupfuura zvazvava kuita mazuva ano. Uyewo, mavhidhiyo airekodherwa mustudio, iyo yataifanira kuzvivakira tega, pamwe pacho tichitoita zvekugadziridza chivakwa chagara chiripo. Zvaida mari inopfuura US$30 000 kuti boka rimwe chete revashanduri vemutauro wemasaini rive nezvese zvinodiwa.

 Kuitira kuti mari yezvipo isapambadzwa, sangano redu rakatsvaga nzira dziri nani dzekuita kuti basa rekushandura rive nyore. Saka takatanga kushandisa zvigadzirwa zvemazuva ano zvinoshanda zvakanaka uye zvisinganyanyi kudhura. Panzvimbo pekushandisa studio, vashanduri vanogona kurekodhera vari muhofisi mavo vachishandisa madziro anenge aine ruvara rwegirini kana kuti screen yegreen. Kana vanhu vakawanda vachifanira kurekodhwa, mumwe nemumwe anorekodha chikamu chake muhofisi make kana mumba; havachafaniri kuenda kustudio.

 Takagadzirawo purogiramu yepakombiyuta inobatsira vemutauro wemasaini kuita basa ravo. Izvi zvakaderedza nehafu nguva inotorwa nevashanduri pakugadzira bhuku remutauro wemasaini. Hama dzinoonga chaizvo kuvandudzwa uku. Imwe hama inonzi Alexander inoti: “Mavhidhiyo emutauro wemasaini ava kubudiswa kakawanda kudarika kare. Izvi zvinondifadza chaizvo. Ndinoona mavhidhiyo aya zuva rega rega.”

 Iko zvino panongodiwa mari isingasviki US$5 000 kuti boka rimwe chete revashanduri rive nezvese zvinodiwa. Izvi zviri kuita kuti tikwanise kubudisa mavhidhiyo emutauro wemasaini mune mimwe mitauro yemasaini yakawanda.

Mavhidhiyo eMutauro Wemasaini Anoparadzirwa Sei?

 Kana vashanduri vapedza kurekodha bhuku remutauro wemasaini, mavhidhiyo anofanira kusvika kune vaya vanoashandisa. Kare, taibudisa mavideocassette uye maDVD, asi izvozvo zvaidhura chaizvo, zvaitora nguva yakawanda uye raiva basa rakakura. Zvainge zvarekodhwa zvacho zvaizotumirwa kune imwe kambani kuti ikope yobva yabudisa maDVD nemakaseti akawanda. Taizofanira kuendesa mavideocassette nemaDVD kuungano. Muna 2013 chete, takashandisa mari inopfuura US$2 000 000 pakugadzira maDVD emutauro wemasaini.

 Matsi dzaionga chaizvo mavhidhiyo iwayo. Asi dzimwe nguva zvaisava nyore kushandisa mavhidhiyo acho, kunyanya nhamba yemakaseti kana kuti yemaDVD payairamba ichiwedzera. Pamwe pacho paidiwa maDVD akawanda kurekodha bhuku rimwe chete reBhaibheri. Imwe hama yekuBrazil inonzi Gilnei inoyeuka zvaiitika, uye inoti: “Pese pataida kuverenga rugwaro, taifanira kuva nevideocassette chairo raiva nerugwaro rwacho uye kuwana rugwaro chairwo rwataida kuverenga. Zvainge zvakaoma chaizvo.” Hanzvadzi inonzi Rafayane, uyo aishandisa maDVD emutauro wemasaini, anoti: “Kudzidza semunhu ega kwakanga kwakaoma uye kwainetesa. Taitora nguva yakawanda tichingotsvaga magwaro kana imwe nyaya yawaida.” Uyewo hama nehanzvadzi dzedu padzaiita basa rekuparidza, kakawanda dzaifamba nemaDVD kana kuti mavideocassette, ayo adzaizoona nemunhu anenge aratidza kufarira vachishandisa TV yake. Dzimwe hama dzaitofamba nemaDVD player adzo. Asi pasina nguva, kwakazenge kwava nemaDVD player ane sikirini ayo anotakurika, uye hama dzakawanda dzakatanga kushandisa iwayo. Bobby, uyo anogara kuUnited States, anoti: “Waiti kana wapedza kuratidza munhu rugwaro uye uchida kumuratidza rumwe, kakawanda kacho waitofanira kushandisa rimwe DVD. Izvi zvaitora nguva yakawanda uye zvaiita kuti tisanyanya kushandisa Bhaibheri pataikurukura nevanhu.”

 Muna 2013, sangano raJehovha rakabudisa JW Library Sign Language app, iyo inoita kuti hama dzikwanise kudhaunirodha uye kuona mavhidhiyo emutauro wemasaini pamafoni avo nepamatablet avo. Pakutanga app iyi yakangobudiswa mumutauro weAmerican Sign Language. Zvadaro, muna 2017, yakavandudzwa kuti ivewo mune mimwe mitauro yese yemasaini. Hama nehanzvadzi pasi rese dzakafara chaizvo. Juscelino, imwe hama yekuBrazil, anoti: “Ndakashamisika! Ndaingoramba ndichifunga nezvekuti Dare Rinotungamirira rinotiratidza rudo isu matsi uyewo kuti vanoda kuti tifambire mberi muchokwadi kungofanana nevamwe vanhu vese vasiri matsi. Ndakafara chaizvo, uye app iyi yakaita kuti nditowedzera kuda kudzidza Bhaibheri.”

Hanzvadzi iri kushandisa JW Library Sign Language app

 Mazuva ano tinobudisira mavhidhiyo emutauro wemasaini pawebsite yedu uye paJW Library Sign Language app. Izvi zvava kuita kuti, mabhuku emutauro wemasaini akwanise kushandurwa, kurekodhwa uye kuparadzirwa mumazuva mashoma, pane kutora mwedzi kana makore. Iye zvino, mumitauro yemasaini yakawanda, mabhuku ava kutobudiswa panguva imwe chete nemimwe mitauro isiri yemasaini.

 Inzwa zvakataurwa nedzimwe hama nehanzvadzi dzedu dziri matsi. Hanzvadzi inonzi Klízia inoti: “Nderipi sangano rine hanya nematsi rinoda kuvabatsira kuwana mashoko avanoda nenzira iri nyore yekuti vave nekutenda kwakasimba? Hakuna chimwe chinhu pasi pano chingaenzaniswa nezvatiri kuitirwa nesangano raJehovha.” Vladimir anoti: “Mavhidhiyo aya anoratidza kuti Jehovha ane hanya chaizvo nematsi sezvaanongoitawo vamwe vanhu vese vasiri matsi.”

 Mavhidhiyo edu emutauro wemasaini anowanzotaura kuti: “Bhuku rino nderimwe remabhuku anoshandiswa pabasa rekudzidzisa Bhaibheri munyika yese uye basa iri rinotsigirwa nezvipo.” Tinokutendai chaizvo nemari yenyu yezvipo iyo kakawanda kacho iri kupiwa pachishandiswa donate.isa4310.com. Mari iyoyo inoita kuti tikwanise kubudisa maBhaibheri uyewo mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri nevanhu vese, kusanganisira vaya vanoshandisa mutauro wemasaini.

a Sezvo mumutauro wemasaini vanhu vachitaura vachishandisa maoko uyewo chiso, mabhuku emutauro wemasaini anobudiswa ari mavhidhiyo.