Enda pane zvauri kuda

Kushandura Mumutauro Wemasaini

Kushandura Mumutauro Wemasaini

Zvapupu zvaJehovha zvinoshandura mabhuku anotsanangura Bhaibheri kubva mumutauro weChirungu vachiaendesa mumitauro inopfuura 900. Kushandura mashoko emumwe mutauro hakusi nyore. Kuzoti kana kwava kushandura mumutauro wemasaini basa racho rinobva ratowedzera kuoma. Matsi dzakawanda dzinoshandisa maoko nechiso pakutaura, saka kana vashanduri vemutauro wemasaini vapedza kushandura, vanobva vabudisa ari mavhidhiyo. Zvapupu zvaJehovha zviri kushandura mabhuku mumitauro yemasaini inopfuura 90.

Ndivanaani vanoshandura?

Vaya vanoshandura mumutauro wemasaini, vanhu vanonyatsoziva mutauro wacho. Vakawanda vavo imatsi uye vakakura vachishandisa masaini kana kuti vanonzwa asi vakakura vachigara nematsi. Vashanduri vacho vanhu vanonyatsodzidza Bhaibheri.

Vashanduri vatsva vanodzidziswa kuti basa rekushandura rinoitwa sei. Semuenzaniso, Andrew anoti: “Kunyange zvazvo ndakakura ndichidzidza pachikoro chematsi, kudzidziswa kushandura kwandibatsira kunzwisisa girama remutauro wemasaini. Vamwe vashanduri vakandidzidzisa kuti ndingavandudza sei masaini angu, zvandinoita chiso uye dzimwe nhengo dzemuviri kuti zvandinotaura zvinyatsojeka.”

Zvavanoita kuti shanduro yacho inyatsobuda zvakanaka

Vashanduri vanoshanda vari boka. Mumwe nemumwe ane basa raanenge achiita. Mumwe anoshandura, mumwe achiongorora kuti zvashandurwa ndizvo here uye mumwe achitarisa kuti hapana zvasiyirirwa here kana kuti zvawedzeredzwa. Dzimwe nguva zvinenge zvashandurwa zvinoongororwa nerimwe boka rematsi dzinobva kunzvimbo dzakasiyana-siyana. Zvichataurwa neboka iri zvinobatsira kuti shanduro yacho izonyatsobuda zvakanaka. Danho iri rinoita kuti masaini achashandiswa uye masainiro acho anyatsova aya anoshandiswa nematsi pakutaura kwavanoita zuva nezuva.

Vashanduri vemutauro wemasaini wekuFinland vachikurukura kuti voshandura sei

Vashanduri vemutauro wemasaini vanopinda misangano yeungano inoitwa nemasaini. Uyewo vanodzidzisa Bhaibheri dzimwe matsi dzisiri Zvapupu. Izvi zvinovabatsira kuti vagare vachiona mataurirwo anoitwa mutauro uyu kuitira kuti vazozvishandisa pavanenge vava kushandura.

Mushanduri wemutauro wemasaini wekuBrazil achimborekodha zvashandurwa kuti aone kuti zvichabuda sei

Zvese izvi vanozviitirei?

Shoko raMwari rinoti vanhu ‘vanobva kumarudzi ose nemadzinza nendimi’ vachateerera mashoko anonyaradza uye etariro ari muBhaibheri. (Zvakazarurwa 7:9) Pavanhu ava, vamwe vacho imatsi.

Vashanduri vanofara chaizvo kushandisa nguva yavo neunyanzvi hwavo pakuita basa iri rinokosha. Mumwe mushanduri anonzi Tony anoti: “Sezvo ndiriwo matsi, ndinonyatsoziva kunetseka kunoita matsi. Chido changu ndechekuti ndiudzewo matsi dzakawanda tariro yechokwadi iri muBhaibheri.”

Amanda, uyo anoshandawo nevashanduri anoti: “Ndaiva nerimwe basa randaimboshanda, asi iye zvino pandiri kushanda basa iri rekushandura, ndinonyatsonzwa kuti ndiri kushandira zviripo.”

Ungaita sei kuti uone mavhidhiyo emutauro wako wemasaini?

Tevedzera mirayiridzo iri pakanzi “Kana Uchida Mutauro Wemasaini.” Uchakwanisa kuona mavhidhiyo emutauro wemasaini ari pajw.org.