Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Comstock Images/Stockbyte via Getty Images

Umambo hwaMwari Huchaitei Nevatungamiriri Vehurumende Vane Uori?

Umambo hwaMwari Huchaitei Nevatungamiriri Vehurumende Vane Uori?

 Vanhu vanoda vatungamiriri vehurumende vavanogona kuvimba navo; vaneta nevatungamiriri vehurumende vane uori. Mashoko akabudiswa muna 2023 eimwe ongororo yakaitwa akaratidza kuti vanhu vasisavimbwe navo kupfuura vamwe vese ndevezvematongerwo enyika. a

 Bhaibheri rinotaura nezvehurumende ine Mutungamiriri akavimbika uye asina uori. Hurumende iyoyo Umambo hwaMwari uye Mutungamiriri wacho ndiJesu Kristu.—Isaya 9:7.

 Zvakaitwa naJesu zvinonyatsoratidza kuti ane hanya nevanhu. (Mateu 9:35, 36) SaMambo weUmambo hwaMwari, achaita kuti vanhu vese vanobvuma kutungamirirwa naye vatongwe zvakarurama uye vave nerugare.—Pisarema 72:12-14.

a 2023 Edelman Trust Barometer Global Report.