Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Marek M. Berezowski/Anadolu Agency via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Tava Mugore Rechipiri Hondo yekuUkraine Yatanga—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Tava Mugore Rechipiri Hondo yekuUkraine Yatanga—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Pachasvika musi weChishanu 24 February 2023 hondo yekuUkraine inenge yava negore ichirwiwa. Zvinofungidzirwa kuti masoja anenge 300 000 ekuUkraine nekuRussia akaurayiwa kana kuti akakuvara uye vanhu vanenge 30 000 vakaurayiwa muhondo iyi. Asi nhamba idzi dzinogona kunge dzichipfuura ipapo.

 Zvinosuwisa kuti hondo iyi inenge isiri kuzokurumidza kupera.

  •   “Rava kutosvika gore kubva pakapinda masoja eRussia muUkraine nechisimba asi hapana chiri kuratidza kuti hondo iyi yava pedyo kupera. Hapana chiri kuratidza kuti ndeipi nyika ichakunda muhondo yacho uyewo hapana chiri kuratidza kuti vachagara pasi vowirirana kuti hondo yacho ingapedzwa sei.”—NPR (National Public Radio), 19 February 2023.

 Vanhu vakawanda vari kushungurudzika nekuti hondo iyi nedzimwewo dziri kukonzera kuti vanhu vasina mhosva pasi rese vatambure. Bhaibheri rinotii nezveramangwana? Hondo dzichazombopera here?

Hondo ichapedza hondo dzese

 Bhaibheri rinotaura nezvehondo ichaponesa vanhu, kwete kuvaparadza. Hondo iyoyo inonzi Amagedhoni uye Bhaibheri rinoiti: ‘Hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Achishandisa hondo iyoyo, Mwari achagumisa utongi hwevanhu, uhwo hwakonzera hondo dzakawanda dzaparadza vanhu. Verenga nyaya dzinotevera kuti unzwe kuti Amagedhoni ichaita sei kuti panyika pave nerugare rusingaperi: