Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Huchadzokera Pahwaiva Here? Bhaibheri Ringakubatsira Sei Kurarama Munyika Yachinjwa neCOVID-19?

Upenyu Huchadzokera Pahwaiva Here? Bhaibheri Ringakubatsira Sei Kurarama Munyika Yachinjwa neCOVID-19?

 “Tese tiri kuda kuti upenyu hudzokere pahwaiva.”—Angela Merkel, German chancellor.

 Unogona kubvumirana nemashoko aya nekuti COVID-19 iri kuramba ichivhiringidza upenyu hwevanhu pasi rese. Asi vanhu vari kutarisirei kana COVID yapera?

  •   Kuenderera mberi neupenyu hwavaimborarama. Vamwe vanoshuva kutandara nevamwe, kumbundirana, kumhoresana uye kukwanisa kufamba vachienda kune dzimwe nzvimbo. Vanofunga kuti “kana zvichinzi upenyu hwadzokera pahwaiva kare,” munhu anenge achikwanisa kuenda “kumarestorendi, kunzvimbo dzinoonerwa mafirimu uye kuita zvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana,” vanodaro Dr. Anthony Fauci. a

  •   Kutanga upenyu hutsva. Vamwe vari kuona sekuti kana COVID yapera, vachange vaine mukana wekutanga upenyu hutsva huri nani pane hwavaimborarama. Vanofunga kuti pane zvinhu zvinofanira kuchinja munyika zvakadai sekusarurwa kuri kuitwa vanhu, kushandiswa zvakaoma kuri kuitwa vanhu kumabasa uye kurwara kuri kuita vanhu nezvirwere zvepfungwa. Klaus Schwab, uyo akatanga sangano reWorld Economic Forum akati: “COVID-19 yatipa mukana wekuti tifunge zvatinoda kuti upenyu hwedu hunge hwakaita, tobva tahugadzirisa uye hatifaniri kutambisa mukana uyu.”

 Vamwe havafungi kuti upenyu hwavo huchazombodzokera pahwaiva nekuti COVID yakavhiringidza upenyu hwavo chaizvo. Semuenzaniso, vamwe vakapererwa nemabasa, havasisina pekugara, vava kurwara uye chinotonyanya kurwadza ndechekuti vakafirwa nehama neshamwari dzavo.

 Chokwadi ndechekuti hapana anonyatsoziva kuti upenyu huchange hwakaita sei kana COVID ikapera. (Muparidzi 9:11) Asi Bhaibheri rinotibatsira kuti tive nemaonero akanaka pane zvatinotarisira uye kuti tizokwanisa kutsungirira chero zvinenge zvavapo. Uyewo, Bhaibheri rinonyatsotaura zvichatoitika mune ramangwana, zvaunogona kunge usina kumbobvira wafunga nezvazvo.

Kuva nemaonero akanaka nezvechirwere cheCOVID-19

 Bhaibheri rakagara rataura kuti kana “nyika yava kumagumo kwayo,” kwaizova nezvirwere zvinopararira kana kuti ‘matenda.’ (Ruka 21:11; Mateu 24:3) Kana tikayeuka izvi patinofunga nezveCOVID-19, tichaona chirwere ichi sechimwe chezviratidzo zvakaprofitwa kuti zvaizoitika izvo zvinosanganisira hondo, kudengenyeka kwenyika, uye nzara.

 Kuziva izvi kunobatsirei? Kunyange zvavo chirwere ichi chava kuita sechava kunopera, Bhaibheri rinotiudza kuti tiri ‘munguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.’ (2 Timoti 3:1) Kuziva izvi kuchakubatsira kuti usatarisira kuti zvinhu zvichabva zvatonaka mumazuva ano atiri kurarama.

 Tinofanira kuva nemaonero anoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Rinotiudza kuti zvinhu zvava pedyo kuchinja munyika ino iri kuwedzera kuoma. Zvichachinja sei?

Ramangwana raunogona kunge usina kumbofunga nezvaro

 Bhaibheri haringotiudzi nezvematambudziko atiri kusangana nawo iye zvino chete asi rinotiudzawo nezvezvinhu zvakanaka zvava pedyo kuitika. Hakuna hurumende dzevanhu dzinogona kuita zvinhu izvozvo kunze kwaMwari chete. “Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”—Zvakazarurwa 21:4.

 Jehovha b Mwari anotivimbisa kuti: “Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” (Zvakazarurwa 21:5) Panyika pakazara matambudziko uye COVID yakatoita kuti mamwe acho awedzere asi Mwari achabvisa matambudziko ese iwayo. Anovimbisa kuita zvinhu zvinotevera:

  •   Achabvisa zvirwere nerufu, oita kuti vanhu vese vave neutano hwakanaka.—Isaya 25:8; 33:24.

  •   Achaita kuti vanhu vave nemabasa anoita kuti vagutsikane, kwete anovasiya vaparara nekuneta.—Isaya 65:22, 23.

  •   Achaita kuti vanhu vese vawane zvekudya uye achabvisa urombo.—Pisarema 72:12, 13; 145:16.

  •   Achaita kuti vanhu vasava nendangariro dzinokonzerwa nezvinhu zvinorwadza zvakaitika kare uye achavapa tariro yekuona hama dzavo dzakafa dzichimutswa.—Isaya 65:17; Mabasa 24:15.

 Kuziva izvi kunobatsirei? Bhaibheri rinoti: “Tine tariro iyi sechinhu chinotitsigisa.” (VaHebheru 6:19, mashoko emuzasi) Tariro yakadaro yekuti zvinhu zvichanaka inoita kuti tirambe takadzikama. Inotibatsira kuti titsungirire matambudziko atiri kusangana nawo, tisanyanya kuzvidya moyo uye tirambe tichifara.

 Asi zvine musoro here kubvuma kuti zvinovimbiswa neBhaibheri zvichatoitika? Ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinotaura Chokwadi.”

Mazano eBhaibheri achatibatsira kuzvidzivirira paCOVID-19

  •   Koshesa upenyu

     Rugwaro: “Uchenjeri hunochengetedza upenyu hwemuridzi wahwo.”—Muparidzi 7:12.

     Zvaungaita: Ita zvisarudzo zvichaita kuti uderedze mukana wekubatwa nechirwere ichi. Ziva kuti zvinhu zvakamira sei kwaunogara. Funga nezvemitemo yekuzvidzivirira iri kupiwa vanhu kwaunogara uye zivawo kuti chirwere ichi chiri kupararira zvakadii ikoko uye kuti vanhu vakawanda sei vakabayiwa mavaccine.

  •   Ramba wakangwarira

     Rugwaro: “Munhu akachenjera anongwarira obva pane zvakaipa, asi benzi harifungi uye rinozvivimba.”—Zvirevo 14:16.

     Zvaungaita: Ramba uchiita zvaunokwanisa kuti uzvidzivirire. Nyanzvi dzinoongorora nezveCOVID-19 dzinoti chirwere ichi chichamboramba chiriko kwenguva yakareba.

  •   Tsvaga mashoko kuvanhu vanovimbwa navo

     Rugwaro: “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.

     Zvaungaita: Ongorora kuti mazano auri kuda kushandisa ari kubva kupi. Izvi zvinokosha nekuti zvimwe zvinotaurwa nevamwe hazvisi zvechokwadi uye ukazvitevedzera, unogona kukanganisa utano hwako.

  •   Ramba uine maonero akanaka

     Rugwaro: “Usati, ‘Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?’ nekuti kubvunza izvi kushaya uchenjeri.”—Muparidzi 7:10.

     Zvaungaita: Shanda nezviripo. Usapedza nguva uchifunga nezveupenyu hwawairarama COVID isati yatanga, uye nezvemikana yawakarasikirwa nayo nemhaka yechirwere ichi.

  •   Remekedza vamwe

     Rugwaro: “Kudzai vanhu vese.”—1 Petro 2:17.

     Zvaungaita: Maonero ane vanhu nezvechirwere cheCOVID akasiyana-siyana, saka remekedza mafungiro evamwe, asi iwe usachinja zvisarudzo zvakanaka zvawakaita. Iva nehanya nevasina kubayiwa mavaccine, vakwegura, uye vane matambudziko eutano.

  •   Iva nemwoyo murefu

     Rugwaro: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.”—1 VaKorinde 13:4.

     Zvaungaita: Ratidza kuti unonzwisisa kana vamwe vachizeza kutangazve kuita zvimwe zvinhu zvataimboita COVID isati yatanga. Kana zvinhu zvati sunungukei, mava kubvumirwa kuita zvimwe zvinhu, usanetseka kana ukatadza kuita zvese zvaunenge wakaronga.

Bhaibheri riri kubatsira sei vanhu panguva ino yeCOVID-19?

 Zvapupu zvaJehovha zvinonyaradzwa nevimbiso iri muBhaibheri yeramangwana rakanaka uye izvi zvinovabatsira kuti vasangoisa pfungwa pachirwere ichi. Vanotsigirana pavanoteerera murayiro uri muBhaibheri wekuti vagare vachinamata pamwe chete. (VaHebheru 10:24, 25) Munhu wese akasununguka kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha iri kuitwa pachishandiswa mafoni kana makombiyuta munguva ino yeCOVID.

 Vamwe vanoti kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha kuri kuvabatsira chaizvo munguva ino yakaoma. Semuenzaniso, mumwe mukadzi airwara neCOVID akakokwa kumusangano weZvapupu zvaJehovha achibva abvuma. Misangano iyi yakamubatsira kuti asanyanya kuzvidya mwoyo pasinei nekurwara kwaakanga ari kuita. Akati: “Ndinonzwa sekunge nditoriwo mumwe wavo. Kuverenga Bhaibheri kunondibatsira kuti ndisanyanya kunetseka uye ndinzwe ndakadzikama. Kunondibatsirawo kuti ndiise pfungwa dzangu pane ramangwana rakajeka kwete pamatambudziko andiinawo. Makaita henyu nekundibatsira kuti ndive pedyo naMwari, chinhu chandaishuvira muupenyu hwangu.”

a Director of the National Institute of Allergy and Infectious Diseases in the United States.

b Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.