Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RAMBAI MAKAMUKA!

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupfurwa Kuri Kuitwa Vanhu Pasi Rese?

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupfurwa Kuri Kuitwa Vanhu Pasi Rese?

 Muna July 2022, takanzwa nezvekupfurwa kwevanhu kunotyisa kwakaitika munyika dzakasiyana-siyana:

  •   “Kuurayiwa kwakaitwa mumwe murume aizivikanwa chaizvo anonzi Shinzo Abe, uyo aimbova mutungamiriri wehurumende yeJapan kwakavhundutsa vanhu munyika yacho nedzimwewo nyika pasi rese nekuti muJapan hamunyanyi kuitika mhosva dzekurwisana uye mune mitemo inorambidza kushandiswa kwepfuti.”—10 July 2022, The Japan Times.

  •   “Kuurayiwa kwakaitwa vanhu 3 nepfuti pane zvimwe zvitoro muguta reCopenhagen kwakavhundutsa vanhu muDenmark.”—4 July 2022, Reuters.

  •   “Mumwe murume akapfura vanhu 15 vakafa pane rimwe bhawa muSoweto.”—10 July 2022, The Guardian.

  •   “Vanhu vanopfuura 220 vakapfurwa vakafa muUnited States pakupera kwevhiki ra4 July vanhu pavaipemberera Independence.”—5 July 2022, CBS News.

 Zvinhu zvakadai zvichazombopera here? Bhaibheri rinoti kudii?

Kupera Kuchaita Kurwisana

 Bhaibheri rinodana nguva yatiri kurarama kuti “mazuva ekupedzisira.” Rinoti panguva iyi vanhu vaizoita zvinhu zvinotyisa uye zveutsinye. (2 Timoti 3:1, 3) Zvinhu izvozvo zviri kuita kuti vanhu vararame vachitya. (Ruka 21:11) Asi Bhaibheri rinovimbisa kuti kurwisana kwese kuchapera, uye vanhu “vachagara munzvimbo ine rugare, munzvimbo dzekugara dzakachengeteka nemunzvimbo dzekuzororera dzine runyararo.” (Isaya 32:18) Kurwisana kuchapera sei?

 Mwari achabvisa vanhu vakaipa uye achaparadza zvombo zvese.

  •   “Kana vari vakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:22.

  •   “[Mwari] ari kugumisa hondo munyika yese. Anotyora uta uye anotyora-tyora pfumo; anopisa ngoro dzehondo nemoto.”—Pisarema 46:9.

 Mwari achagadzirisa zvacho zvinoita kuti vanhu varwisane nekuvadzidzisa kuti vagarisane murunyararo.

  •   “Hazvizombokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rese dzvene, nekuti chokwadi nyika ichazara nekuziva Jehovha sekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.”—Isaya 11:9.

  •   Iye zvino chaiye, Mwari ari kudzidzisa vanhu pasi rese kuti vasaita zvekurwisana kana kushandisa zvombo, uye kuti ‘vapfure mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.’—Mika 4:3.

 Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvenyika inovimbiswa neBhaibheri, inenge isina kurwisana, verenga nyaya yakanzi “Freedom From Fear—Is It Possible?” iri muAwake yaAugust 8, 2005.

 Kana uchida kunzwa magadzirisirwo achaitwa dambudziko iri rekurwisana, verenga nyaya yakanzi “Peace on Earth at Last!” iri muAwake yaJune 2006.