Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 117

Kuva Vakanaka

Kuva Vakanaka

(2 Makoronike 6:41)

  1. 1. She Jehovha Mwari wedu,

    Makatikomborera.

    Mutsvene, makavimbika,

    Makanaka pazvese.

    Munotinzwirawo ngoni,

    Dzatisingakodzeri.

    Ndimi She makakodzera

    Kunamatwa nevese.

  2. 2. Toona kunaka kwenyu

    Muvamunosarudza.

    Vane tsika dzakachena;

    Vanoparidza shoko.

    Nevafudzi vakanaka,

    Ungano dzosimbiswa.

    Tipeiwo mweya wenyu,

    Tiite zvakanaka.

  3. 3. Zvi’to zvedu zvakanaka,

    Muzvikomborerewo.

    Totanga nehama dzedu,

    Kwozoti vamwe vese.

    Mumba medu nem’ungano

    Mese matinogara,

    Nechikomborero chenyu,

    Tiite zvakanaka.