Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 115

Kuonga Kushivirira kwaMwari

Kuonga Kushivirira kwaMwari

(2 Petro 3:15)

  1. 1. Jehovha Mwari mune simba,

    Munoda zvakarurama.

    Uipi hwazara m’nyika,

    M’noziva zvinotirwadza.

    Hamusi kuzombononoka;

    Nguva yenyu ya’kutosvika.

    (KORASI)

    Totarisira nem’faro,

    Tichirumbidza zita renyu.

  2. 2. Churu chemakore chapera,

    Kwamuri izuva rimwe.

    Zuva guru raswedera,

    Harisi kuzononoka.

    Hamutombofariri chivi.

    Asi m’nofara tikapfidza.

    (KORASI)

    Totarisira nem’faro,

    Tichirumbidza zita renyu.