Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Pane Zvawakakanganisa

Dzidza Pane Zvawakakanganisa

Dhaunirodha:

  1. 1. Chero kwaungaenda,

    Haungambowani

    Munhu angati,

    “Handisati ndambotadza.”

    Iye zvino ndiwe,

    Asi ungaitei?

    Bvuma zvawakatadza,

    Ubatsirwe naMwari werudo.

    (KORASI)

    Simuka, wadonha.

    Utangezve patsva.

    Simuka, wadonha.

    Utarise mberi.

    Bata Jah ruoko.

    Iye achak’simudza.

    Usaore mwoyo

    Uchava nemufaro

    Ukasimukazve.

  2. 2. Ratova rimwe zuva,

    Mwoyo uchingorwadza.

    Asi zvakadarika.

    Wotogadzirisa.

    Mira umbofunga,

    Batsirwa naJehovha.

    Verenga shoko rake,

    Richakupa simba wosimuka.

    (KORASI)

    Simuka, wadonha.

    Utangezve patsva.

    Simuka, wadonha.

    Utarise mberi.

    Bata Jah ruoko.

    Iye achak’simudza.

    Usaore mwoyo

    Uchava nemufaro

    (BHIRIJI)

    Sezviri muShoko raJah

    Rega kutarisa shure.

    Iye “mukuru k’pfuura mwoyo yedu,”

    Zviyeuke

    (KORASI)

    Simuka, wadonha.

    Utangezve patsva.

    Simuka, wadonha.

    Utarise mberi.

    Bata Jah ruoko.

    Iye achak’simudza.

    Usaore mwoyo

    Uchava nemufaro

    Ukasimukazve