Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Kuti Mwari Ariko

Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Kuti Mwari Ariko

“Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa . . . nokuti makasika zvinhu zvose.”—ZVAK. 4:11.

1. Tinofanira kuitei kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba?

VAKAWANDA vanoti vanongodavira chete zvinhu zvavanoona nemaziso. Tingabatsira sei vanhu ivavo kuti vatende muna Jehovha kunyange zvazvo Bhaibheri richiti “hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo”? (Joh. 1:18) Tingaitawo sei kuti kutenda kwedu muna “Mwari asingaoneki,” Jehovha, kurambe kwakasimba? (VaK. 1:15) Tinofanira kutanga taziva dzidziso dzinoita kuti vanhu vasaziva chokwadi nezvaJehovha. Tadaro, toshandisa Bhaibheri nounyanzvi kuti tiputse kufunga kwose ‘kunomutsirwa kupesana nokuziva Mwari.’—2 VaK. 10:4, 5.

2, 3. Idzidziso dzipi mbiri dzinoita kuti vanhu vasaziva chokwadi nezvaMwari?

2 Imwe dzidziso yenhema yakakurumbira inoita kuti vanhu vasaziva chokwadi nezvaMwari ndeyekushanduka-shanduka. Dzidziso iyi inopesana nezvinotaurwa neBhaibheri uye inoita kuti vanhu vasava netariro. Inoti zvinhu zvose zvipenyu zvakangoerekana zvavapo, saka inopa pfungwa yokuti upenyu hwedu hahuna chinangwa.

3 Uyewo, vamwe vari muchiKristudhomu vanodzidzisa kuti zvinhu zvose zvakasikwa, izvo zvinosanganisira pasi redu uye zvipenyu zvose, zvinongova nezviuru zvishomanana zvemakore zvavapo. Kunyange zvazvo vangava vachiremekedza Bhaibheri, vaya vanodzidzisa dzidziso iyi vanongotora mashoko eBhaibheri sezvaari vachiti Mwari akasika zvinhu zvose mumazuva matanhatu emaawa 24. Vanoramba uchapupu hunogutsa hwesayenzi husingaenderani nezvavanodavira. Izvi zvinotoita kuti vanhu vasavimba neBhaibheri, vachiriona serinotaura zvisina musoro uye serisina kururama. Vaya vanodzidzisa dzidziso iyi vangatiyeuchidza nezvevamwe vanhu vakararama panguva yevaKristu vepakutanga vaishingairira kushumira Mwari asi kwete “maererano nezivo yakarurama.” (VaR. 10:2) Tingashandisa sei Shoko raMwari kuti tiputse dzidziso ‘yakadzika midzi’ yokushanduka-shanduka uye yokuti zvinhu zvose zvakasikwa zvinongova nezviuru  zvishomanana zvemakore zvavapo? * Tinogona kungoita izvozvo chete kana tikashanda nesimba kuti tiwane zivo yakarurama yezvinodzidziswa neBhaibheri.

KUTENDA KUNOFANIRA KUBVA PAUCHAPUPU UYE PAKUSHANDISA PFUNGWA

4. Kutenda kwedu kunofanira kubva pachii?

4 Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tinofanira kuchengeta zivo. (Zvir. 10:14) Jehovha anoda kuti kutenda kwedu kubve pauchapupu uye pakushandisa pfungwa, kwete pauzivi hwevanhu kana kuti tsika dzechitendero. (Verenga VaHebheru 11:1.) Kuti tive nokutenda kwakasimba muna Mwari, tinofanira kutanga tava nechokwadi chokuti Jehovha ariko. (Verenga VaHebheru 11:6.) Tinosvika pakudavira kuti ariko, kwete nokungoti ndizvo zvatinoda, asi nokuongorora uchapupu huripo uye kushandisa ‘simba redu rokufunga.’—VaR. 12:1.

5. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti Mwari ariko?

5 Muapostora Pauro akataura chikonzero chinoita kuti tive nechokwadi chokuti Mwari ariko kunyange zvazvo tisingamuoni. Achitaura nezvaJehovha, Pauro akanyora kuti: “Izvo zvaari zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa.” (VaR. 1:20) Ungabatsira sei munhu asina chokwadi chokuti Mwari ariko kuti aone kuti mashoko akafemerwa aPauro ndeechokwadi? Unogona kushandisa humwe uchapupu hunotevera hwezvinhu zvakasikwa hunoratidza kuti Musiki wedu ane simba uye uchenjeri.

SIMBA RAMWARI RINOONEKWA PAZVINHU ZVAKASIKWA

6, 7. Simba raJehovha rinooneka sei pazvinhu zviviri zvinotidzivirira?

6 Simba raJehovha rinoonekwa pazvinhu zviviri zvinotidzivirira, zvinoti mhepo inoita seyakaputira nyika (atmosphere) uye simba renyika rinonzi magnetic field. Somuenzaniso, mhepo inoita seyakaputira nyika haingoiti kuti tiwane mweya wokufema chete asi inotidzivirirawo pamatombo anovhiririka muchadenga. Mazitombo iwayo anogona kukonzera njodzi yakakura kana akadonhera panyika. Asi izvozvo hazviitiki nokuti anotsva oparara paanosvika mumhepo yakapoteredza nyika. Paanotsva, tinoaona muchadenga usiku achiita kunge nyeredzi dziri kuwa.

7 Simba renyika rinonzi magnetic field rinotidzivirirawo. Simba iri rinobva pakatikati penyika. Nechepakati penyika pane simbi yakanyunguduka inopisa. Simba guru rinobva pasimbi iyoyo rinobuda richikwira kusvika kure kure muchadenga. Simba iri rinotidzivirira nokuita kuti mwaranzi yezuva inokuvadza uye kupisa kwaro zvisasvika panyika. Kudai pasina simba iroro, zvinhu zvipenyu zvose zviri panyika zvaizogochwa. Uchapupu hwokuti simba iri ririko hunooneka pachiedza chine ruvara runoyevedza chinooneka kuchamhembe nokumaodzanyemba kwepasi redu. Chokwadi, Jehovha ane “simba guru.”—Verenga Isaya 40:26.

UCHENJERI HWAMWARI HUNOONEKWA PAZVINHU ZVAKASIKWA

8, 9. Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa sei paurongwa hwaakaita hunoita kuti upenyu hwezvinhu zviri panyika hurambe huchienderera mberi?

8 Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwa paurongwa hwaakaita hunoita kuti upenyu hwezvinhu zviri panyika hurambe huchienderera mberi. Somuenzaniso, fungidzira uchigara muguta rine vanhu vakawanda rakavakirirwa risina kumwe kunobva mvura yakachena kana kwekurasira tsvina. Guta rakadaro haritori nguva risati rava kusemesa uye risisagarike. Nyika yedu yakada kufanana neguta iroro rakavakirirwa. Hakuna kumwe kwatinogona kuwana imwe mvura yokuwedzera uye hatina kumwe kwatinokwanisa kurasira tsvina. Zvisinei, nyika inokwanisa kutsigira mabhiriyoni ezvisikwa nokusingaperi. Inozviita sei? Nenzira  inoshamisa, nyika yedu inokwanisa kuita kuti tirambe tichingoshandisa zvinhu zvinotsigira upenyu zvatagara tiinazvo.

9 Somuenzaniso, chimbofunga nezvemhepo yakachena yatinofema. Zvisikwa zvine mabhiriyoni zvinofema mhepo iyoyo yakachena (oxygen) zvichibudisa mhepo yakasviba (carbon dioxide). Kunyange zvakadaro, mhepo yakachena haimboperi uye nyika haimbozari nemhepo yakasviba. Nei zvakadaro? Zvinomera zvinotora mhepo iyoyo yakasviba, chiedza chezuva, mvura, uye chikafu chinobva muvhu, zvogadzira makabhohaidhiretsi uye zvobudisa mhepo yakachena. Saka tinoramba tichichinjana mhepo nezvinomera. Jehovha anoita kuti zvinomera zvaakasika zvipe “vanhu vose upenyu nemhepo yokufema.” (Mab. 17:25) Chokwadi Jehovha ane uchenjeri hunoshamisa!

10, 11. Bhatafurayi rinonzi monarch uye mukonikoni zvinoratidza sei kuti Jehovha ane uchenjeri?

10 Uchenjeri hwaJehovha hunoonekwawo pazvisikwa zvakawanda zviri panyika. Zvinofungidzirwa kuti panyika pane marudzi ezvisikwa anenge mamiriyoni maviri kusvika kumamiriyoni 100. (Verenga Pisarema 104:24.) Ngationei kuti uchenjeri hwaMwari hunooneka sei pane zvimwe zvisikwa izvi.

Uchenjeri hwaMwari hunoonekwa pamasikiro aakaita ziso remukonikoni; pikicha iri pazasi inoratidza ziso remukonikoni kana rakudzwa (Ona ndima 11)

11 Somuenzaniso, bhatafurayi rinonzi monarch rine uropi hwakaenzana nekamuromo kebhiro. Asi rinokwanisa kubhururuka makiromita anenge 3 000, kubva kuCanada kuenda kune rimwe sango kuMexico richibatsirwa nezuva kuziva kwarinenge richienda. Harirasiki here zuva parinofamba? Jehovha akagadzira uropi hwaro hudikidiki zvokuti rinokwanisa kuziva kwarinenge richienda pasinei nokuti zuva riri papi. Kana kuti funga nezveziso remukonikoni. Chipukanana ichi chine maziso maviri akakura. Ziso rimwe chete remukonikoni rine twunenge tumaziso twunosvika 30 000. Kunyange zvakadaro, uropi hudikidiki hwemukonikoni hunokwanisa kugamuchira zvose zvinoonekwa netumaziso itwotwo kunyange kakupfakanyika kese kangaitika.

12, 13. Chii chinokushamisa nezvemasikiro akaita Jehovha masero anoumba muviri wako?

12 Chimwe chinotonyanya kushamisa masikiro akaita Jehovha masero ezvinhu zvipenyu zvose. Somuenzaniso, muviri wako une masero anenge matiririyoni 100. Musero rimwe nerimwe mune inonzi DNA. DNA ine mirayiridzo yakawanda chaizvo inodiwa kuumba muviri wako wose.

13 Mirayiridzo iri muDNA iyi yakambowanda zvakadini? Ngatimboenzanisai mirayiridzo inokwanisa kuchengetwa negiramu rimwe chete reDNA nemashoko anokwana paCD. CD rinogona kuchengeta mashoko ose ari muduramazwi. Izvi zvinoshamisa chaizvo kunyanya kana tikafunga kuti CD kanongova kapurasitiki katetetete. Zvisinei, giramu rimwe chete reDNA rinogona kuchengeta mirayiridzo inoenderana nemaCD anosvika tiririyoni imwe chete! Tinogonawo kuzvitsanangura seizvi, tisipunu yeDNA yakaomeswa inogona kuchengeta mirayiridzo inogona kuita kuti  pave nevanhu vakawanda kuenzana nenhamba yevanhu vari panyika iye zvino yakapetwa ka350.

14. Zvakawanikwa nemasayendisiti zvinoita kuti unzwe sei nezvaJehovha?

14 Mambo Dhavhidhi akatsanangura nezvemirayiridzo inodiwa pakuumba muviri womunhu seyakanyorwa mubhuku. Achitaura nezvaJehovha Mwari, akati: “Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu, kuti mazuva api adzakaumbwa uye pakanga pasati pava neimwe chete yadzo.” (Pis. 139:16) Dhavhidhi akarumbidza Jehovha paakafunga nezvemasikirwo akaitwa muviri wake. Makore mashoma apfuura, masayendisiti akawana zvinhu zvinoshamisa zvine chokuita nemuviri womunhu. Zvavakawana zvinoita kuti tibvumirane nemunyori wepisarema uyo akati nezvaJehovha: “Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa. Mabasa enyu anoshamisa, mweya wangu unonyatsozviziva.” (Pis. 139:14) Chokwadi pane uchapupu hwakawanda hwezvinhu zvakasikwa zvokuti vanhu havangambotadzi kuona kuti Mwari ariko!

BATSIRA VAMWE KUTI VAKUDZE MWARI

15, 16. (a) Mabhuku edu akatibatsira sei kuti tiwedzere kuonga Jehovha nemhaka yezvaakasika? (b) Wakanyanya kunakidzwa nenyaya ipi panyaya dzaiva nemusoro unoti “NdiMwari Akasika Here?”

15 Kwemakumi emakore, magazini yeMukai! yeChirungu yakabatsira mamiriyoni evanhu kuti aone kuti zvinhu zvakasikwa zvinoratidzei nezvaMwari wedu. Somuenzaniso, Mukai! yeChirungu yaSeptember 2006 yaiva nemusoro unoti “Is There a Creator?” Yakanyanya kunyorerwa kuti ibatsire vaya vakapofumadzwa nedzidziso yokushanduka-shanduka uye yokuti zvinhu zvose zvakasikwa zvinongova nezviuru zvishomanana zvemakore zvavapo. Imwe hanzvadzi yakanyora tsamba kuhofisi yebazi rokuUnited States ichitaura nezvemagazini iyoyo yaiva nenyaya inokosha, ichiti: “Mushandirapamwe wokugovera magazini iyi wakafamba zvakanaka zvikuru. Mumwe mukadzi akakumbira magazini 20. Mukadzi uyu anodzidzisa biology uye aida kuti mumwe nemumwe wevaanodzidzisa ave nemagazini yake.” Imwe hama yakanyora kuti: “Ndange ndichiita basa roushumiri kubva pakupera kwema1940 uye ndava kuda kusvitsa makore 75, asi handisati ndambonakidzwa zvakadai noushumiri sezvandaita mwedzi uno ndichigovera Mukai! ine nyaya inokosha.”

16 Mumakore achangopfuura, magazini akawanda eMukai! anga achibudisa nyaya dzine musoro unoti “NdiMwari Akasika Here?” Nyaya idzi pfupi dzinotaura nezvokushamisa kunoita zvinhu zvakasikwa uye kuti vanhu pavanogadzira zvimwe zvinhu vanoedza sei kutevedzera zvinhu zvakasikwa naMwari. Takawanawo mamwe mashoko anotibatsira kuti tikudze Mwari pakabudiswa bhurocha rinonzi Was Life Created? muna 2010. Mifananidzo yakanaka uye madhayagiramu anodzidzisa zviri mubhurocha iroro zvakagadzirirwa kutibatsira kuti tionge Jehovha nemhaka yezvaakasika. Mibvunzo iri panoperera chikamu chimwe nechimwe inobatsira muverengi kuti afungisise zvaanenge adzidza. Wakanakidzwa here nokushandisa bhurocha iri pawaiparidza paimba neimba, mumugwagwa, kana kuti zvisina kurongwa?

17, 18. (a) Vabereki mungabatsira sei vana venyu kuti vawedzere kuva nechivimbo pavanenge vachidzivirira kutenda kwavo? (b) Makashandisa sei mabhurocha anotaura nezvezvinhu zvakasikwa pakunamata kwemhuri?

17 Vabereki, makambokurukura here nevana venyu bhurocha iri rine mifananidzo inoyevedza pakunamata kwenyu kwemhuri? Kana mukadaro, muchavabatsira kuti vawedzere kutenda muna Jehovha. Zvichida mune vana vari kuenda kuchikoro chesekondari. Ndivo vanonyanya kudiwa nevaya vanodzidzisa dzidziso yenhema yokushanduka-shanduka. Masayendisiti, vadzidzisi vokuchikoro, nyaya dzine chokuita nezvisikwa, uye kunyange varaidzo dzakadai semapurogiramu epaTV uye  mafirimu, zvinosimudzira pfungwa yokuti dzidziso yokushanduka-shanduka ndeyechokwadi. Munogona kubatsira vana venyu kuti vadzivirire chokwadi nokushandisa bhurocha rinonzi The Origin of Life—Five Questions Worth Asking, iro rakabudiswawo muna 2010. Bhurocha iri rinokurudzira vechiduku kuti vashandise “mano okufunga,” sezvinongoitawo bhurocha rinonzi Was Life Created? (Zvir. 2:10, 11) Rinovadzidzisa kuti vaone kana zvavanodzidziswa kuchikoro zviine musoro.

Vabereki, batsirai vana venyu kuti vakwanise kudzivirira kutenda kwavo (Ona ndima 17)

18 Bhurocha rakanzi Origin of Life rakagadzirirwa kubatsira vana vechikoro kuti vaongorore kana zvinobudiswa nenhau zviri zvechokwadi zvokuti masayendisiti akawana zvisaririra zvemhuka zvinoratidza kuti dzidziso yokushanduka-shanduka ndeyechokwadi. Rinovabatsira kuti vazvionere kana mashoko iwayo achinyatsoratidza kuti vanhu vakabva kumhuka. Rinovadzidzisawo kuti vangapindura sei vanhu vanoti masayendisiti akaongorora mumarabhoritari avo akaona kuti upenyu hwakangoerekana hwavapo. Vabereki, kana mukashandisa mabhurocha aya munogona kubatsira vana venyu kuti vawedzere kuva nechivimbo pakupindura vanhu vanovabvunza chikonzero chokutenda kwavo kuti kune Musiki.—Verenga 1 Petro 3:15.

19. Tose tine ropafadzo yei?

19 Nyaya dzakanyatsotsvakurudzwa dzatinobudisirwa nesangano raJehovha dzinotibatsira kunzwisisa unhu hwake hwakanaka hwatinoona pane zvakasikwa. Uchapupu hwose uhwu hunoita kuti tide kurumbidza Mwari wedu zvichibva pamwoyo. (Pis. 19:1, 2) Chokwadi, Jehovha, Musiki wezvinhu zvose, akakodzera kuti timupe rukudzo noruremekedzo uye iyoyo tinoiona seropafadzo yakakura!—1 Tim. 1:17.

^ ndima 3 Mamwe mashoko anobatsira pakukurukura nevanhu vanodavira dzidziso iyi, ari pamapeji 24-28 ebhurocha rinonzi Was Life Created?