Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Ino Ichaguma Here?

Nyika Ino Ichaguma Here?

Zvimwe unoziva kuti Bhaibheri rinotaura kuti nyika ichaguma. (1 Johani 2:17) Rinenge richireva kuparara kwevanhu vese here? Nyika nezvese zvinorarama pairi zvichaparadzwa here?

MHINDURO YEBHAIBHERI KUMIBVUNZO MIVIRI IYI NDEYEKUTI AIWA!

Chii Chisiri Kuzoguma?

VANHU

Zvinotaurwa neBhaibheri: Mwari ‘haana kungosikira nyika pasina, asi akaiumba kuti igarwe.’—ISAYA 45:18.

NYIKA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya, asi nyika inoramba iripo nekusingaperi.”—MUPARIDZI 1:4.

ZVAZVINOREVA: Bhaibheri rinodzidzisa kuti nyika haifi yakaparadzwa uye vanhu vacharamba vachigara pairi. Saka rinenge richirevei parinoti nyika ichaguma?

FUNGA IZVI: Bhaibheri rinofananidza kuguma kuchaita nyika ino nezvakaitika mumazuva aNoa. Panguva iyoyo ‘nyika yakanga yazara nekurwisana.’ (Genesisi 6:13) Asi Noa aiva munhu akarurama. Saka Mwari akamuchengetedza nemhuri yake, asi akaparadza vanhu vakaipa achishandisa mafashamo. Bhaibheri richitaura zvakaitika rinoti: “Nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.” (2 Petro 3:6) Uku ndiko kwaitova kuguma kwenyika panguva iyoyo. Asi chii chakaparadzwa? Haisi nyika chaiyo asi vanhu vakaipa vaiva panyika. Saka Bhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika rinenge risingarevi kuparadzwa kwenyika chaiyo chaiyo. Asi rinenge richireva kuparadzwa kwevanhu vakaipa nemasangano avo.

Chii Chichaguma?

ZVINHU ZVESE ZVAKAIPA

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve; uchatarisa pavaiva, asi vanenge vasisipo. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—PISAREMA 37:10, 11.

ZVAZVINOREVA: Mafashamo emunguva yaNoa haana kutsvaira zvachose zvinhu zvakaipa zvaiva panyika. Pakapera Mafashamo, vanhu vakaipa vakatangazve kuita zvinhu zvaiita kuti vamwe vanhu vatambure. Asi Mwari ava pedyo kubvisa zvinhu zvese zvakaipa. Ndizvo zvairehwa nemunyori wepisarema paakati: “Vakaipa havazovipozve.” Mwari achabvisa zvinhu zvese zvakaipa achishandisa Umambo hwake. Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga ichatonga vanhu vakarurama vanenge vari panyika.

FUNGA IZVI: Vatungamiriri venyika vachatsigira here Umambo hwaMwari? Bhaibheri rinoratidza kuti havasi kuzohutsigira. Vachatopikisa Umambo hwaMwari. (Pisarema 2:2) Zvichaguma nei? Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzese dziri panyika, uye “ndihwo hwega hucharamba huripo nekusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Asi nei hurumende idzi dzichifanira kuparadzwa?

ZVATINODA—Kubviswa Kweutongi Hwevanhu

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Hazvisi kumunhu ari kufamba kuti aruramise nhanho dzake.”—JEREMIYA 10:23.

ZVAZVINOREVA: Vanhu havana kusikirwa kuti vazvitonge. Havakwanisi kutonga vamwe vanhu kana kugadzirisa matambudziko avo.

FUNGA IZVI: Rimwe bhuku rinonzi Britannica Academic rinoti, zvinoita sekuti hurumende hadzisi kukwanisa “kupedza matambudziko akadai seurombo, nzara, zvirwere, njodzi dzinongoitika dzega, hondo, kurwisana nezvimwewo.” Rinoenderera mberi richiti: “Vamwe . . . vanofunga kuti kana hurumende dzese panyika dzikabatana, pova nehurumende imwe chete, hurumende iyoyo inogona kugadzirisa matambudziko aya.” Asi kunyange hurumende dzese dzikabatana, nyika inenge ichiri kungotongwa nevanhu vane chivi vasingakwanisi kugadzirisa matambudziko ataurwa. Umambo hwaMwari chete, ndiyo hurumende ichakwanisa kugadzirisa zvachose matambudziko ari kusangana nevanhu.

Taona zvinorehwa neBhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika. Saka vanhu vakanaka havafaniri kutya. Vanotofanira kufara nekuti nyika ino yaora, ichatsiviwa nenyika itsva yakanaka yaMwari!

Zvinhu izvi zvichaitika riini? Nyaya inotevera icharatidza kuti Bhaibheri rinoti kudii.