Enda pane zvauri kuda

Nyaya yeMafashamo Emunguva yaNoa Yakaitika Zvechokwadi Here?

Nyaya yeMafashamo Emunguva yaNoa Yakaitika Zvechokwadi Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mafashamo akanyatsoitika. Mwari ndiye akaakonzera kuitira kuti aparadze vanhu vakaipa, asi akaudza Noa kuti avake areka yaizochengetedza vanhu vaiteerera uye mhuka. (Genesisi 6:11-20)Tine chokwadi chekuti mafashamo akaitika nekuti akanyorwa nezvawo muMagwaro, ayo “akafuridzirwa naMwari.”​—2 Timoti 3:16.

 Zvakaitika here kana kuti ingano?

 Bhaibheri rinoratidza kuti Noa aitova munhu chaiye uye kuti Mafashamo akatoitika, haisi ngano.

  •   Vanyori veBhaibheri vaibvuma kuti Noa akanga ari munhu chaiye akatorarama. Ezra naRuka vaiva nyanzvi pakurondedzera zvakaitika kare uye vakanyorawo nezvaNoa pavaitaura nezvemadzinza erudzi rwaIsraeri. (1 Makoronike 1:4; Ruka 3:36) Vanyori veEvhangeri Mateu naRuka, vakanyora zvakataurwa naJesu nezveMafashamo.​—Mateu 24:37-39; Ruka 17:26, 27.

     Muprofita Ezekieri uye muapostora Pauro vakataurawo nezvaNoa semunhu aiva nekutenda uye akarurama watinofanira kutevedzera. (Ezekieri 14:14, 20; VaHebheru 11:7) Zvaizova nemusoro here kuti vanyori veBhaibheri vataure nezvaNoa semunhu watinofanira kutevedzera asi iye asina kumbobvira avako? Zviri pachena kuti Noa nevamwe varume nevakadzi vaiva nekutenda mienzaniso yatinokwanisa kutevedzera nekuti vaiva vanhu chaivo.​—VaHebheru 12:1; Jakobho 5:17.

  •   Bhaibheri rinotaura zvakanyatsoitika paMafashamo. Bhaibheri parinotaura nezveMafashamo haritangi nekuti “Paivepo,” sekunge kuti ingano. Asi rinotonyatsotaura gore, mwedzi uye zuva rakaitika Mafashamo. (Genesisi 7:11; 8:4, 13, 14) Rinotaurawo makuriro akanga akaita areka. (Genesisi 6:15) Izvi zvinoratidza kuti Bhaibheri rinotsigira kuti Mafashamo akaitika, haisi ngano.

 Nei Mafashamo akaitika?

 Bhaibheri rinoti chakazoita kuti Mafashamo avepo ndechekuti “kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji.” (Genesisi 6:5) Rinowedzera kuti “nyika yakashatiswa pamberi paMwari wechokwadi” nekuti yakanga yazara nekurwisana uye unzenza.​—Genesisi 6:11; Judha 6, 7.

 Bhaibheri rinoratidza kuti zvese izvi zvakakonzerwa nengirozi dzakaipa idzo dzakabva kudenga kuti dzirare nevakadzi. Ngirozi idzi dzakabereka vana vainzi vaNefirimu, avo vaishungurudza vanhu. (Genesisi 6:1, 2, 4) Mwari akabva afunga kubvisa vanhu vakaipa panyika kwosara vanhu vakanaka.​—Genesisi 6:6, 7, 17.

 Vanhu vaiziva here kuti kwaizoitika Mafashamo?

 Ehe. Mwari akaudza Noa zvaizoitika uye akamurayira kuti avake areka yaizochengetedza mhuri yake nemhuka. (Genesisi 6:13, 14; 7:1-4) Noa akayambira vanhu nezvekuparadzwa kwaida kuitika, asi vakaisa zvimiti munzeve. (2 Petro 2:5) Bhaibheri rinoti: “Havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”​—Mateu 24:37-39.

 Areka yaNoa yakanga yakaita sei?

 Areka yaiva zibhokisi zihombe rakanga rakareba mamita 133, rakafara mamita 22 uye kuenda mudenga raiva rakareba mamita 13. a Areka yacho yakanga yakagadzirwa nemuti unobudisa zvinonama, uye yakanga yakanamwa netara kunze nemukati. Yaiva nenhurikidzwa nhatu, uye yaiva nemakamuri akawanda. Yaiva nedhoo uye yaivawo nehwindo nechekumusoro. Zvinoita sekuti denga racho rakanga rakavakwa nenzira yaiita kuti mvura ikwanise kuyerera.​—Genesisi 6:14-16.

 Noa akaita nguva yakareba sei achivaka areka?

 Bhaibheri haritauri kuti Noa akaita nguva yakareba sei achivaka areka, asi zvinoratidza sekuti akatora makumi emakore achiivaka. Noa aiva nemakore anopfura 500 mwanakomana wake wekutanga paakaberekwa, uye akanga ava nemakore 600 pakazoitika mafashamo. b​—Genesisi 5:32; 7:6.

 Mwari akaudza Noa kuti avake areka vana vake vatatu vatokura uye vatoroora. Vana vake vanofanira kunge vakanga vava nemakore 50 kana kuti 60. (Genesisi 6:14, 18) Saka zvinogona kuita kuti titi areka yakatora makore 40 kana kuti 50 kuti ipere.

a Bhaibheri rinoshandisa makubhiti parinotaura nezvekukura kwakanga kwakaita areka. “Kubhiti rimwe chete rechiHebheru rakanga rakareba masendimita 44,45.”​—The Illustrated Bible Dictionary, Revised Edition, Chikamu 3, papeji 1635.

b Kuti uone makore akararama vanhu vakadai saNoa, ona nyaya yakanzi “Ichokwadi Here Kuti Vanhu vomuBhaibheri Vairarama Makore Akawanda Kudaro?” iri muNharireyomurindi yaDecember 1, 2010.