Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Zvamungaita Kuti Muwirirane

Zvamungaita Kuti Muwirirane

DAMBUDZIKO

Hausi kuwirirana nomumwe wako pane chimwe chinhu. Unongova nezvinhu 3 zvaunogona kuita:

  1. Unogona kuomesa musoro kusvikira mumwe wako abvuma zvaunoda.

  2. Unogona kuita chiramwa wobva waita zvido zvomumwe wako.

  3. Mose muri vaviri munogona kurega zvido zvenyu mobvuma kusangana pakati.

Ungati, ‘Ini handifariri nyaya yokuti tisangane pakati, nemhaka yokuti pauviri hwedu hapana anozomboita zvaanenge achinyatsoda!’

Chaunofanira kuziva ndechokuti kubvuma zvinodiwa nomumwe wako hazvirevi kuti wakundwa. Kuita izvi kwakanaka, asi pane zvinhu zvishoma zvaunofanira kuziva.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Munofanira kuisa musoro pamwe. Pawaiva usati waroora kana kuroorwa, waiita zvawada pasina anokubvunza. Asi iye zvino masamba asiyana, wava kufanira kutanga wafunga kuti mumwe wako anotiwo kudii usati waita chimwe chinhu. Saka usaona sokuti zvava kukutorera rusununguko, pane zvazvakatonakira. “Vanhu vaviri vakaisa musoro pamwe, vanobuda nechinhu chakanaka kudarika chaizoitwa nomunhu mumwe chete,” anodaro mumwe mukadzi anonzi Alexandra.

Nyatsoteerera zviri kutaurwa nomumwe wako. John M. Gottman chipangamazano panyaya yedzimba akanyora kuti, “Haufaniri hako kungobvuma zvose zvose zvinotaurwa nomumwe wako asi unofanira kunyatsoteerera wonzwisisa zvaari kuedza kutaura. Kana mumwe wako achiedza kukuudza nezvedambudziko rinenge ramuka iwe wotarisa divi uchitofunga kuti ungamupindura sei, hapana chinobuda pakukurukura kwamunenge muchiita.” *

Unofanira kuzvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu. Kugara nomunhu anenge achiti “ita zvandinoda nokuti ndizvo zvine musoro” hakunakidzi. Zvingatova nani kuti mose muri vaviri mubvume kurasikirwa nezvimwe zvinhu. “Dzimwe nguva ndinobvuma kuita zvinhu zvinenge zvichidiwa nomurume wangu ndichiitira kuti afare, uye iye ndizvo zvaanondiitirawo,” anodaro mudzimai anonzi June. “Ndizvo zvinofanira kuitika muwanano kwete kungova ndiwe unoitirwa zvaunoda nguva dzose.”

ZVAUNGAITA

Ziva mashoko akanaka okushandisa. Kana mukatanga nokutaudzana zvakanaka kazhinji nyaya yacho ichapera zvakanaka. Asi mukatanga nokukandirana mashoko, kashoma kuti ipere zvakanaka. Saka shandisa zano rinotaurwa muBhaibheri rokuti: ‘Pfekai tsitsi, mutsa, kuzvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.’ (VaKorose 3:12) Unhu hwakadai huchabatsira iwe nomumwe wako kuti musapopotedzana uye mugone kugadzirisa zvinhu zvamunenge musingawirirani.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaKorose 4:6.

Tsvaka pamunowirirana. Kana iwe nomumwe wako mukanyanya kutarisa zvamunopesana panzvimbo pokuti mutarise zvamunowirirana, uchaona kuti muchagara muchipopotedzana pane kuti muwirirane. Chinokosha ndechokuti utsvake pamunowirirana. Edza kuita izvi:

Mumwe nomumwe wenyu ngaave nepepa nechinyoreso. Kurudyi onyora zvinhu zvaasingagoni kuchinja pane zvaanoda uye kuruboshwe onyora zvaanogona kuchinja. Chikurukurai zvamanyora. Uchaona kuti munenge muchiwirirana pane zvakawanda. Saka hazvizonyanyi kuoma kuti musarudze zvokuita. Kunyange kana musiri kuwirirana pane zvakawanda, kunyora kwamaita zvinhu zvacho papepa kuchakubatsirai kuti munyatsojekerwa nenyaya yamunenge muchitaura.

Itai maonera pamwe. Dzimwe nyaya dziri nyore kugadzirisa. Asi dzimwe dzacho dzakaoma zvisingaiti, saka murume nomudzimai pavanoita maonera pamwe zvichasimbisa imba yavo. Vachakwanisa kugadzirisa dambudziko ravanenge vasangana naro ravaisazokwanisa kukunda dai vanga vaita mazvake mazvake.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Muparidzi 4:9.

Bvumawo zvido zvomumwe wako. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33) Kana mumba mukava norudo nokuremekedzana, murume nomudzimai havazoomerwi nokubvuma zvido zvomumwe. Murume anonzi Cameron akati, “Pane zvimwe zvinhu zvawaisazoita, asi nemhaka yokuda kufadza mumwe wako unopedzisira wava kutozvifarira.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Genesisi 2:18.

^ ndima 12 Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi The Seven Principles for Making Marriage Work.