Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Musanyararirana Kana Magumburana

Musanyararirana Kana Magumburana

DAMBUDZIKO

Zvinombofamba sei kuti vanhu vaviri vakatsidzirana kuti vaizodanana vapedzisire vava kunyararirana kwemaawa kana kwemazuva chaiwo? Vamwe vanozviudza kuti ‘zvitori nani nokuti tinenge tambozorora kutukana.’ Asi chokwadi chiripo ndechokuti dambudziko rinenge risati ragadziriswa, vose vari vaviri vanenge vachiri kunetseka.

CHINOZVIKONZERA

Kuda kutsiva. Vamwe varume kana kuti vakadzi vanonyararira munhu wavakaroorana naye senzira yokutsividza zvavanenge vaitirwa. Ngatitii murume aronga kuzoita zvimwe zvinhu panopera vhiki asina kumbonzwawo zvinofungwa nomudzimai wake. Mudzimai wacho paanoziva zvarongwa nomurume wake anogumbuka achiti murume wake haana hanya naye. Murume wacho anobva atanga kumuti anongogumbuka nezvinhu zvisina basa. Mudzimai wacho anobva abvapo otanga kunyararira murume wake. Zvaari kureva pane zvaari kuita ndezvokuti, “Wandirwadzisa saka ndoda kukurwadzisawo.”

Kunyararira mumwe wako une chinangwa chokuti uitirwe zvauri kuda. Izvi ndizvo zvinoitwa nevamwe kana pane chavari kuda. Ngatitii, murume nomudzimai varonga kuita rwendo asi mudzimai ari kuda kuti vaende pamwe chete nevabereki vake. Murume haasi kubvumirana nazvo. “Ini ndini ndakakuroora hauna kuroorwa nevabereki vako,” anodaro murume wacho. Anobva atanga kunyararira mudzimai wake aine chinangwa chokuti mudzimai wake apedzisire aita zvaari kuda.

Ichokwadi kuti kumbotora kanguva vakati nyararei kunogona kuita kuti hasha dzomurume nomudzimai dzimboserera pashure pokunge vambotiburana. Kunyarara kwakadaro kunobatsira. Bhaibheri rinoti pane “nguva yokunyarara.” (Muparidzi 3:7) Asi kunyarara uku kukashandiswa sechombo chokutsiva kana kuti kuda kuitirwa zvauri kuda, zvinoita kuti dambudziko racho risakurumidza kupera uye vaviri ava vasaremekedzane. Zvii zvamungaita kuti zvinhu izvi zvisaitika kwamuri?

ZVAMUNGAITA

Chinhu chokutanga chaunofanira kuziva panyaya yokunyararira mumwe wako ndechokuti kuita kudaro hakugadzirisi matambudziko enyu. Ichokwadi kuti kunyararira mumwe wako kunogona kuita kuti ufare nokuti unenge watsiva, kana kuti waitirwa zvawanga uchida. Asi ndizvo here zvaungada kuitira munhu wawakatsidzira kuti uchamuda? Pane nzira dziri nani dzokugadzirisa nadzo kusanzwisisana.

Edza kufunga zvikonzero zvingava zvaita kuti munhu ataure matauriro aaita. Bhaibheri rinoti rudo “harutsamwi.” (1 VaKorinde 13:4, 5) Saka usakurumidza kugumbuka kana mumwe wako akataura mashoko akadai seokuti “Haumbonditeereriwo” kana kuti “Unogara uchinonoka.” Asi edza kufunga kuti zvii zvaari kureva mumashoko ake. Somuenzaniso, akati “Haumbonditeereriwo” anogona kunge ari kureva kuti “Ndinoona sokuti haumbokoshesi zvandinotaurawo.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 14:29.

Ona mumwe wako somunhu anokubatsira kwete somuvengi

Usakwidza inzwi. Kusanzwisisana kunoramba kuchiwedzera vanhu pavanoramba vachipopotedzana. Asi pane zvaunogona kuita kuti kusanzwisisana kusaramba kuchiwedzera. Ungaita sei? Bhuku rinotaura nezvewanano rinonzi Fighting for Your Marriage rinoti: “Zvinhu zvinokosha zvaungaita kuti uderedze kusanzwisisana kuderedza inzwi rako uye kubvuma mafungiro omumwe wako. Kazhinji ndizvo zvinodiwa pakugadzirisa kusanzwisisana.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 26:20.

Fungawo nezvemumwe wako kwete kungozvifunga iwe chete. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.” (1 VaKorinde 10:24) Kana uchiona mumwe wako somunhu anokubatsira kwete somuvengi, zvichaita kuti usamugumbukira, usapopotedzane naye uye usaramwa kutaura naye.—Zvinotaurwa neBhaibheri: Muparidzi 7:9.

Kunyararira mumwe wako kunopesana nemashoko anotaurwa neBhaibheri okuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaadewo mudzimai wake sezvaanozviita; uyewo, mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33) Madii kuvimbisana nomumwe wako kuti mumba menyu hapana munhu anofanira kunyararira mumwe kana paita kusanzwisisana.