Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Paradhiso

Paradhiso

Chii chinonzi Paradhiso?

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Vamwe vanofunga kuti hakuna chinonzi Paradhiso. Vamwewo ndivo vanofungidzira kuti inzvimbo yakanaka iyo vanhu vakanaka vanorarama nokusingaperi vachifara uye vachiita mabasa akasiyana-siyana.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Shoko rokuti “paradhiso” rinoshandiswa pakutaura nezvemusha wokutanga wevanhu, munda weEdheni. (Genesisi 2:7-15) Bhaibheri rinoratidza kuti munda iwoyo inzvimbo yaivako zvechokwadi yaigarwa nemurume nemudzimai vakatanga kusikwa avo vaiva vasingarwari uye vasingafi. (Genesisi 1:27, 28) Kusateerera kwavakaita Mwari ndiko kwakaita kuti vadzingwe munzvimbo iyi yaiva yakanaka. Asi uprofita hwakawanda huri muBhaibheri hunorondedzera zvichange zvakaita ramangwana apo vanhu vachange vava kuraramazve muParadhiso.

SEI ZVICHIKOSHA KUTI UZIVE NEZVENYAYA IYI?

Kana Mwari achida vanhu, zvine musoro kuti titi achapa vanamati vake vakatendeka upenyu hwakanaka muParadhiso. Zvinoratidza kuti Mwari anoudza vanhu zvaanoda kuti vaite kana vachizoda kufarirwa naye. Bhaibheri rinoti kuti ufarirwe naMwari unofanira kudzidza nezvake uye kuteerera mirayiro yake.—Johani 17:3; 1 Johani 5:3.

“Jehovha Mwari akagadzira munda muEdheni, . . . akaisamo munhu waakanga aumba.”Genesisi 2:8.

Paradhiso iri kupi?

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Vamwe vanoti Paradhiso iri kudenga, vamwe vachitiwo ichazova pasi pano.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Paradhiso yokutanga yakanga yagadzirirwa vanhu yaiva panyika. Mwari akasika nyika kuti igarwe nevanhu nokusingaperi. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akagadzira pasi rino kuti rirambe riripo nokusingaperi. (Pisarema 104:5) Rinotaurawo kuti: “Matenga ndeaJehovha, asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.”—Pisarema 115:16.

Saka hazvishamisi kuti Bhaibheri rinotaura nezvevimbiso yeParadhiso yepasi pano. Muparadhiso imomo Mwari achakomborera vanhu nokuvapa upenyu husingaperi. Muchange muine runyararo uye zvinhu zvichifamba zvakanakanaka. Kurwadziwa uye matambudziko zvichange zvapera. Uye vanhu vachanakidzwa chaizvo nezvinhu zvakasikwa panyika.—Isaya 65:21-23.

“Tende raMwari riri pakati pevanhu . . . rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Ndivanaani vachagara muParadhiso?

ZVINOFUNGWA NEVANHU

Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti vanhu vakanaka chete ndivo vachagara muParadhiso. Asi vakawanda havanyatsonzwisisi kuti anonzi munhu “akanaka” munhu akadii. Vamwe vanofungidzira kuti kuenda kuchitendero uchiitawo zvinenge zvataurwa ikoko uye kuziva minamato yakasiyana-siyana nomusoro ndizvo zvinodiwa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu “vakarurama” vachagara muParadhiso. Asi ndiani anonzi akarurama pamberi paMwari? Hazvirevi munhu anenge achitevedzera mitemo yechitendero chake asi nerweseri asingaiti zvinodiwa naMwari. Bhaibheri rinoti: “Jehovha anofarira zvinopiwa zvinopiswa nezvibayiro sokufarira kwaanoita kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira! Kuteerera kuri nani kupfuura chibayiro.” (1 Samueri 15:22) Kutaura zvazviri, vari kunzi “vakarurama” vachagara muParadhiso nokusingaperi, ndivo vaya vanoteerera mirayiro yaMwari yakanyorwa muBhaibheri.

ZVAUNOGONA KUITA

Kuteerera mirayiro yaMwari hakungogumiri pakuita zvinenge zvataurwa kuzvitendero. Mararamiro aunoita zuva nezuva anogona kufadza Mwari kana kumugumbura. Unogona kufadza Mwari nokunyatsoongorora Bhaibheri. Uye haana kuoma kufadza. Bhaibheri rinoti “mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Mwari anoda kuti urarame muParadhiso kana ukamuteerera.

“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.